Mapisarema 106:43-48
Mapisarema 106:43-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akavarwira kakawanda, asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira vakaparadzwa muchivi chavo. Asi akatarisa kutambudzika kwavo paakanzwa kuchema kwavo; akarangarira sungano yake nokuda kwavo, uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru. Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakavatapa. Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu, uye mutiunganidze kubva kundudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene. Tigofara mukurumbidzwa kwenyu. Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, “Ameni!”

Mapisarema 106:43-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akavarwira kazhinji, Asi vakamumukira pakurangana kwavo, Vakanyudzwa muzvakaipa zvavo. Kunyange zvakadaro akatarira kutambudzika kwavo, Panguva yaakanzwa kuchema kwavo; Akarangarira sungano yake nokuda kwavo, Akazvidemba nokuda kwokuwanda kwengoni dzake. Akavanzwisawo tsitsi Navose vakanga vavatapa. Tiponesei, Jehovha Mwari wedu, Tiunganidzei, tibve pakati pavahedheni, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai. Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, “Ameni.” Hareruya.
Mapisarema 106:43-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akavanunura kazhinji asi ivo zvavaironga ndezvokupanduka bedzi, vakadzikira kwazvo pamusana pouipi hwavo. Asi aiona nhamo yavo paakanzwa kuchema kwavo. Akarangarira chitenderano chake navo achitoitira zvake ivo, akadzora mwoyo pamusana pokuwanda kwemwoyochena wake. Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakanga vavatapa. Tinunureiwo TENZI Mwari wedu mutikokorodze kumarudzi kuitira kuti titende zita renyu rinoera tifare nomukurumbira wenyu. TENZI Mwari waIsiraeri ngaarumbidzwe narini narini vanhu vose ngavati, “Ameni.” Areruya.
Mapisarema 106:43-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaʋarwira kazhinji, Asi ʋakamumukira pakuraŋgana kwaʋo, Ʋakanyudzwa muɀakaipa ɀaʋo. Kunyaŋge ɀakaɗaro wakatarira kutambudzika kwaʋo, Paŋguʋa yaakanzwa kucema kwaʋo; Akaraŋgarira suŋgano yake nokuɗa kwaʋo, Akaɀiɗemba nokuɗa kwokuwanda kweŋgoni dzake. Akaʋanzwisa ʋo tsitsi Naʋose ʋakaŋga ʋaʋatapa. Tiponesei, Jehova Mŋari weɗu, Tiʋuŋganidzei, tibve pakati paʋahedeni, Kuti tiʋoŋge zita renyu dɀene, Tifarisise pakukurumbidzai. Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakuȿiŋgaperi. Ʋanhu ʋose ŋgaʋati: Ameni. Hareruya.
Mapisarema 106:43-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)