Wakaʋarwira kazhinji, Asi ʋakamumukira pakuraŋgana kwaʋo, Ʋakanyudzwa muɀakaipa ɀaʋo. Kunyaŋge ɀakaɗaro wakatarira kutambudzika kwaʋo, Paŋguʋa yaakanzwa kucema kwaʋo; Akaraŋgarira suŋgano yake nokuɗa kwaʋo, Akaɀiɗemba nokuɗa kwokuwanda kweŋgoni dzake. Akaʋanzwisa ʋo tsitsi Naʋose ʋakaŋga ʋaʋatapa. Tiponesei, Jehova Mŋari weɗu, Tiʋuŋganidzei, tibve pakati paʋahedeni, Kuti tiʋoŋge zita renyu dɀene, Tifarisise pakukurumbidzai. Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakuȿiŋgaperi. Ʋanhu ʋose ŋgaʋati: Ameni. Hareruya.
Verenga chikamu Mapisarema 106
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 106:43-48
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo