Mapisarema 105:12-25
Mapisarema 105:12-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pavaiva vashoma pakuwanda, zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi, vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe. Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira; akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti, “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.” Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya; uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa. Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi, kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake. Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza. Akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose, kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere. Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu. Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo, avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake.
Mapisarema 105:12-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Panguva yavakanga vachiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo, vashoma kwazvo, navatorwa mairi; Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kuna vamwe vanhu. Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo, wakatuka madzimambo nokuda kwavo; Achiti, “Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.” Akadana nzara kuti iuye panyika; Akavhuna mudonzvo wose wechingwa. Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda; Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare; Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJehovha rakamuidza. Mambo akatuma nhume akamusunungura; Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza. Akamuita ishe weimba yake, Nomubati wepfuma yake yose; Kuti araire machinda ake nokuda kwake, Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri. Isiraeri akasvikawo Ijipiti; NaJakobho wakagara ari mutorwa panyika yaHamu. Akawanza vanhu vake kwazvo, Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo. Wakashandura mwoyo yavo kuti vavenge vanhu vake. Kuti vanyengere varanda vake.
Mapisarema 105:12-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo vakanga vachiri katsama chete, vanhu vashomanana, vatorwa zvavo, kufamba nawo marudzi akasiyana siyana vachideva namo mumadzimambo nomumarudzi avanhu vakasiyana siyana. Zvokuti pave navanovadzvinyirira, akaramba, pamusana pavo aitsiura madzimambo, achiti, “Musambobata-bata zvenyu vangu vandakazodza, vaporofita vangu musawana chamunoita kwavari.” Paakatuma nzara panyika akaparadza chose chinonzi chokudya. Akafanotuma mumwe murume pamberi pavo ainzi Josefi akatengeswa somuranda. Makumbo akati ngaasungwe akaiswa makechemu, mutsipa wake wakakochekerwa nesimbi. Kusvikira zvaakanga ataura zvaitika, shoko raTENZI rakamupembedza. Mambo akatuma shoko akamusunungura mutongi wavanhu akamusunungura. Akamuita mukuru mukuru womuzinda wake uye mutongi wezvinhu zvake zvose achigona kupa machinda ake mutemo waanoda uye kudzidzisa vakuru kwaari ungwaru. Isiraeri akazouya kuIjipiti Jakobho akambogara munyika yokwaHamu. TENZI akaita kuti vanhu vake vaberekane zvikuru akavapa simba kupinda vatongi vavo vaakasandura mwoyo kuti vavenge vanhu vake uye kuti vanyengedze varanda vake.
Mapisarema 105:12-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Paŋguʋa yaʋakaŋga ʋaciri ʋarume ʋashoma pakuʋereŋgwa, Ɀirokwaɀo, ʋashoma kwaɀo, naʋatorwa mairi; Ʋakafamba‐famba ʋacibva kunorumŋe rudzi ʋacienda kunorumŋe, Nokubva kunoʋumŋe ʋushe ʋacienda kunaʋamŋe ʋanhu. Haana‐kutendera munhu kuʋaitira ɀakaipa; Ɀirokwaɀo, wakatuka madzimambo nokuɗa kwaʋo; Aciti: Musagunɀa ʋazodzwa ʋaŋgu, Naʋaprofita ʋaŋgu musaʋaitira cakaipa. Akadana nzara kuti iʋuye panyika; Akavuna muɗonɀo wose weciŋgwa. Wakatuma murume pamberi paʋo; Josefa wakateŋgeswa akaʋa muranda; Ʋakakuʋadza tsoka dzake neɀisuŋgo ɀesimbi, Akasuŋgwa namaketani amatare; Kuȿikira paŋguʋa yakaitika shoko rake; Shoko raJehova rakamuidza. Mambo wakatuma nhume akamusunuŋgura; Muɓati wendudzi dzaʋanhu, akamuregedza. Wakamuita ishe weimba yake, Nomuɓati wefuma yake yose; Kuti araire macinda ake nokuɗa kwake, Nokudzidzisa ʋakuru ʋake ʋucenjeri. Israeri wakaȿika ʋo Egipita; NaJakobo wakagara ari mutorwa panyika yaHamu. Akawanza ʋanhu ʋake kwaɀo, Akaʋapa simba rakapfuʋura raʋadziʋisi ʋaʋo. Wakashandura mŋoyo yaʋo kuti ʋaʋeŋge ʋanhu ʋake, Kuti ʋanyeŋgere ʋaranda ʋake.
Mapisarema 105:12-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)