Paŋguʋa yaʋakaŋga ʋaciri ʋarume ʋashoma pakuʋereŋgwa, Ɀirokwaɀo, ʋashoma kwaɀo, naʋatorwa mairi; Ʋakafamba‐famba ʋacibva kunorumŋe rudzi ʋacienda kunorumŋe, Nokubva kunoʋumŋe ʋushe ʋacienda kunaʋamŋe ʋanhu. Haana‐kutendera munhu kuʋaitira ɀakaipa; Ɀirokwaɀo, wakatuka madzimambo nokuɗa kwaʋo; Aciti: Musagunɀa ʋazodzwa ʋaŋgu, Naʋaprofita ʋaŋgu musaʋaitira cakaipa. Akadana nzara kuti iʋuye panyika; Akavuna muɗonɀo wose weciŋgwa. Wakatuma murume pamberi paʋo; Josefa wakateŋgeswa akaʋa muranda; Ʋakakuʋadza tsoka dzake neɀisuŋgo ɀesimbi, Akasuŋgwa namaketani amatare; Kuȿikira paŋguʋa yakaitika shoko rake; Shoko raJehova rakamuidza. Mambo wakatuma nhume akamusunuŋgura; Muɓati wendudzi dzaʋanhu, akamuregedza. Wakamuita ishe weimba yake, Nomuɓati wefuma yake yose; Kuti araire macinda ake nokuɗa kwake, Nokudzidzisa ʋakuru ʋake ʋucenjeri. Israeri wakaȿika ʋo Egipita; NaJakobo wakagara ari mutorwa panyika yaHamu. Akawanza ʋanhu ʋake kwaɀo, Akaʋapa simba rakapfuʋura raʋadziʋisi ʋaʋo. Wakashandura mŋoyo yaʋo kuti ʋaʋeŋge ʋanhu ʋake, Kuti ʋanyeŋgere ʋaranda ʋake.
Verenga chikamu Mapisarema 105
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 105:12-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo