Mapisarema 103:1-13
Mapisarema 103:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake yose, iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose, anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi, anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo. Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa. Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri: Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi; haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya; sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya
Mapisarema 103:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rumbidzai Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene. Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake; Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose; Anodzikinura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni; Anogutisa mwoyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo. Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa. Akazivisa Mosesi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita. Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi. Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
Mapisarema 103:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rumbidza TENZI iwe mweya wangu uye zvose zviri mandiri, rumbidzai zita rake rinoera. Rumbidza TENZI iwe mweya wangu; usakanganwe zvikomborero zvake zvose. Iye anoregerera uipi hwako hwose; anokurapa zvirwere zvako zvose anokununura kuti urege kuenda kuguva. Pamusoro pazvose anokuitira mwoyochena netsitsi. Anokugutsa nezvinhu zvakanaka upenyu hwako hwose achikugwinyisa zvokuti unoramba uri mudiki segondo. TENZI anomiririra nokuitira zvino ruenzaniso vose vanodzvinyirirwa. Akazivisa nzira dzake kuna Mosesi namabasa ake kuvanhu veIsiraeri. TENZI ane tsitsi nengoni haakurumidzi kushatirwa uye ane mwoyochena wakawanda. Haarambi achingotsiura kana kuramba akashatirwa. Haatiitiri zvakaenzana nezvitadzo zvedu kana kutipa mubayiro maererano nouipi hwedu. Sokukwira kwakaita denga kubva pasi ndokukura kwakaita mwoyochena wake kuna vanomutya. Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva nokumadokero ndokutaramutsa kwaanoita zvikanganiso zvedu kubva kwatiri. Sezvinoita baba kunzwira tsitsi vana vavo, TENZI anoitirawo tsitsi vanomutya
Mapisarema 103:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu; Ɀose ɀiri mukati maŋgu ŋgaɀirumbidze zita rake dɀene. Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu, Urege kukaŋganwa mikomborero yake; Iye, unokaŋganwira ɀakaipa ɀako ɀose; Unoporesa kurwara kwako kwose; Unodzikinura ʋupenyu bgako pakuparadzwa; Unokuisa korona yoʋunyoro neŋgoni; Unogutisa mŋoyo wako neɀakanaka; Kuti ʋutȿa bgako ʋuʋandudzwe segondo. Jehova unoita ɀinhu ɀakarurama, Nokururamisira ʋose ʋanomanikidzwa. Wakaziʋisa Mosesi nzira dzake, Naʋana ʋaIsraeri ɀaakaita. Jehova unetsitsi nenyasha, Haacimbidziki kutsamŋa, uneŋgoni zhinji. Haaŋgarambi acirwa; Ʋuye haaŋgarambi akatsamŋa nokusiŋgaperi. Haana‐kutiitira seɀakafanira ɀiʋi ɀeɗu, Kana kutipa muɓairo seɀakafanira ɀakaipa ɀeɗu. Nokuti sokukwirira kwokuɗeŋga kumsoro, Ndiɀo ɀakaita kukura kweŋgoni dzake kunaʋanomutya. Sokuʋa‐kure kwamabvazuʋa namaʋirira, Saiɀoɀo wakabvisa kuɗarika kweɗu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwaɓaɓa ʋana ʋake, Saiɀoɀo Jehova unonzwira tsitsi ʋanomutya.
Mapisarema 103:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)