Rumbidzai Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene. Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake; Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose; Anodzikinura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni; Anogutisa mwoyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo. Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa. Akazivisa Mosesi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita. Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi. Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
Verenga chikamu Mapisarema 103
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 103:1-13
5 Days
‘Tis the season to be jolly, but also very busy. Come away for a few moments of rest and worship that will sustain you throughout the merry labors of the season. Based on the book Unwrapping the Names of Jesus: An Advent Devotional , this 5-day devotional reading plan will guide you to receive Jesus’ rest this Christmas by taking moments to remember His goodness, express your neediness, seek His stillness, and trust His faithfulness.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo