Mapisarema 101:1-5
Mapisarema 101:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa. Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri. Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa. Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.
Mapisarema 101:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza. Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri riniko? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo wakarurama. Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri. Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa. Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomwoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.
Mapisarema 101:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichaimba nezvokutendeka uye nezvoruenzaniso, ndichaimbira imi TENZI. Ndichangwaririra mufambiro wakarurama. Ko imi muchauyawo kwandiri rini? Ini ndichafamba nomwoyo wakatendeka mumba mangu. Ndicharega kutarisa chose chinenge chakashata; zvose zvinoitwa navanenge vafuratira Mwari, ndichazvivenga. Handidi kuva nei nazvo. Uipi ndichasiana nahwo, handidi kumbofa ndakaita ukama nouipi. Munhu anoreva mumwe wake muchivande, ndichamuparadza. Munhu anozvitutumadza, anozvikudza handidi, kuita hanya naye.
Mapisarema 101:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaimba ndicireʋa ŋgoni nokururama; Ndimi Jehova wandicaimbira nziyo dzokurumbidza. Ndicaita ɀose nokuŋgwara panzira yakarurama; Haiwa, mucaʋuya kwandiri riniko? Ndicafamba mumba maŋgu nomŋoyo wakarurama. Handiŋgaʋaʋariri cinhu cakaipa; Ndinoʋeŋga ɀinoitwa naʋanotsauka; Haɀiŋgandinamatiri. Mŋoyo wakatsauka ŋgaubve kwandiri; Handiɗi kuziʋa ɀakaipa. Unoitira ʋokwake makuhwa, ndicamuparadza; Unotarira namanyawi, nounomŋoyo unoɀikudza, handiŋgaʋi nehanya naye.
Mapisarema 101:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)