Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 101:1-5

Mapisarema 101:1-5 SNA2002

Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza. Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri riniko? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo wakarurama. Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri. Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa. Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomwoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.