Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza. Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri riniko? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo wakarurama. Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri. Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa. Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomwoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.
Verenga chikamu Mapisarema 101
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 101:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo