Zvirevo 6:23-29
Zvirevo 6:23-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu, kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake, nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu. Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here? Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here? Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.
Zvirevo 6:23-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu; Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake. Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha. Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, Nguo dzake dzikasatsva here? Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here? Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.
Zvirevo 6:23-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chandinodariro ndechokuti mutemo mwenje, murao chiedza kutsiurwa nokudzidziswa ndiwo mafambiro ohupenyu kuitira kuti zvikudzivirire kumukadzi wakaipa kururimi rwunotapira rwomukadzi pfambi. Usatorwe mwoyo norunako rwake usabatwe kumeso netsiye dzake. Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu. Munhu angatakure moto pachipfuva, hanzu dzake dzikarega kutsva here? Kana kuti munhu angafambe pamavhunze anopisa, tsoka dzake dzikarega kutsva here? Ndizvo zvakaita munhu anoenda kumukadzi womumwe hakuna anomubata bata akarega kurangwa.
Zvirevo 6:23-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti murairo ndiwo mŋenje; murau ndico ciedza; Kuraira kwokurairirwa inzira yoʋupenyu; Kuti uceŋgetwe pamukadzi wakaipa, Pakuɓata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usaciʋa kunaka kwake mumŋoyo mako; Arege kukuɓata namafuŋgiro ameso ake. Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pakudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa; Mukadzi womumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha. Ko munhu uŋgaisa mŋoto mucifuʋa cake, Ŋguʋo dzake dzikasatȿa here? Kana munhu uŋgatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here? Ndiɀo ɀakaita munhu unopinda kumukadzi wowokwake; Aninani unomunyaŋgata iye mukadzi haaŋgaregwi kurobga.
Zvirevo 6:23-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)