Zvirevo 6:23-26
Zvirevo 6:23-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu, kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake, nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
Zvirevo 6:23-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu; Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake. Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
Zvirevo 6:23-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chandinodariro ndechokuti mutemo mwenje, murao chiedza kutsiurwa nokudzidziswa ndiwo mafambiro ohupenyu kuitira kuti zvikudzivirire kumukadzi wakaipa kururimi rwunotapira rwomukadzi pfambi. Usatorwe mwoyo norunako rwake usabatwe kumeso netsiye dzake. Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu.
Zvirevo 6:23-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti murairo ndiwo mŋenje; murau ndico ciedza; Kuraira kwokurairirwa inzira yoʋupenyu; Kuti uceŋgetwe pamukadzi wakaipa, Pakuɓata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usaciʋa kunaka kwake mumŋoyo mako; Arege kukuɓata namafuŋgiro ameso ake. Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pakudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa; Mukadzi womumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha.
Zvirevo 6:23-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)