Zvirevo 6:20-26
Zvirevo 6:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako. Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe. Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu, kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake, nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
Zvirevo 6:20-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. Uzvisungire nguva dzose pamwoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako. Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe. Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu; Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake. Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
Zvirevo 6:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwanangu chengeta mitemo yababa vako, usakande pasi mirao yaamai vako isungirire mumwoyo mako isungirire muhuro mako nguva dzose. Kana wofamba inokutungamirira, kana worara inokuchengetedza. Kana wakasvinura inokurukura newe. Chandinodariro ndechokuti mutemo mwenje, murao chiedza kutsiurwa nokudzidziswa ndiwo mafambiro ohupenyu kuitira kuti zvikudzivirire kumukadzi wakaipa kururimi rwunotapira rwomukadzi pfambi. Usatorwe mwoyo norunako rwake usabatwe kumeso netsiye dzake. Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu.
Zvirevo 6:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu chengeta mitemo yababa vako, usakande pasi mirao yaamai vako isungirire mumwoyo mako isungirire muhuro mako nguva dzose. Kana wofamba inokutungamirira, kana worara inokuchengetedza. Kana wakasvinura inokurukura newe. Chandinodariro ndechokuti mutemo mwenje, murao chiedza kutsiurwa nokudzidziswa ndiwo mafambiro ohupenyu kuitira kuti zvikudzivirire kumukadzi wakaipa kururimi rwunotapira rwomukadzi pfambi. Usatorwe mwoyo norunako rwake usabatwe kumeso netsiye dzake. Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu.
Zvirevo 6:20-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta murairo waɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako. Uɀisuŋgire ŋguʋa dzose pamŋoyo wako; Uɀishoŋge pamutsipa wako. Kana ucifamba, ɀicakutuŋgamirira; Kana uciʋata pasi, ɀicakurinda; Kana womuka, ɀicataurirana newe. Nokuti murairo ndiwo mŋenje; murau ndico ciedza; Kuraira kwokurairirwa inzira yoʋupenyu; Kuti uceŋgetwe pamukadzi wakaipa, Pakuɓata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usaciʋa kunaka kwake mumŋoyo mako; Arege kukuɓata namafuŋgiro ameso ake. Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pakudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa; Mukadzi womumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha.