Zvirevo 6:12-15
Zvirevo 6:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora, anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake, anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana. Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.
Zvirevo 6:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema; Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira neminwe yake; Ane zvisakarurama pamwoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana. Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
Zvirevo 6:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhubu munhu akaipa anongofamba achikanganisa mashoko. Anochonya maziso anotondeka netsoka dzake achinongedzera nongedzera neminwe yake. Anoronga twaanoronga nomwoyo wakashata achiramba achingokonzera manyongori. Nhamo inoyerekana yamuwira, nenguva isipi anotyorwa-tyorwa zvisina karapiro.
Zvirevo 6:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu usinamaturo, munhu unoita ɀakaipa, Ndiye unofamba nomuromo unenhema; Unobgaira nameso ake, unotendekera netsoka dzake, Unoɗudzira neminwe yake; Uneɀisakarurama pamŋoyo pake, Unosifuŋgira ʋamŋe ɀakaipa, Unokusha kupesana. Saka njodzi yake icamuwira kamŋe‐kamŋe; Ucavuniwa pakarepo, kusina‐ciŋgamuɓatsira.
Zvirevo 6:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)