Zvirevo 4:14-19
Zvirevo 4:14-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa. Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi. Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike. Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba. Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru. Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.
Zvirevo 4:14-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata. Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako. Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe. Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza. Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru. Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.
Zvirevo 4:14-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usafambe namakwara avaipi kana kutevera nzira dzavakaipa. Siana nayo, usadimure nekwairi. Tsaukana nayo uinyenyeredze. Ndinodaro nokuti havakwanisi kuvata kana vasina kuita zvakaipa, havawane hope, kusvikira vatovhiringidza mumwe munhu, nokuti uipi ndicho chokudya chavo uye utsinye ndiyo waini yavanonwa. Gwara ravarurami rakaita samambakwedza anoramba achingochena kusvikira ava masikati makuru. Asi nzira yavakaipa yakaita sezarima havambozivi chinogumbura.
Zvirevo 4:14-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Usapinda pagwara raʋakaipa, Usafamba nenzira yaʋakashata. Uinɀeŋge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuʋure hako. Nokuti haʋaʋati, kana ʋasiŋgaiti ɀakashata; Ʋanotorerwa hope dzaʋo, kana ʋasiŋgagumbusi ʋamŋe. Nokuti ʋanodya ɀokudya ɀeɀakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza. Asi gwara raʋakarurama rakaita seciedza camambakwedza, Cinoramba ciciwedzera kubginya kuȿikira pamasikati makuru. Nzira yaʋakaipa yakaita serima; Haʋaziʋi ciŋgaʋagumbusa.
Zvirevo 4:14-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)