Zvirevo 25:26-27
Zvirevo 25:26-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 25Zvirevo 25:26-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubhu chine tsvina. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 25Zvirevo 25:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mururami anobvuma zvavaipi akafanana nemvura yabvongodzwa kana kasipiti kakashinhirwa. Hazvina kunaka kudya uchi hwakawanda naizvozvo kutsvaka kurumbidzwa ita kushoma.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 25