Zvirevo 16:17-19
Zvirevo 16:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.
Zvirevo 16:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; Anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo, Pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.
Zvirevo 16:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugwagwa mukuru wavarurami unotsaukana nouipi. Munhu anotarisa paanotsika anozvichengetedza upenyu. Kuzvikudza kunoteverwa nokuparadzwa uye kuviruka nehasha kunoteverwa nokukoromoka. Zviri nani kuva nomwoyo wokuzvirereka pamwechete navarombo pano kugoverana zvokupamba pamwechete navanozvikudza.
Zvirevo 16:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mugwagwa, wakapfumba, waʋakarurama ndiko kubva panezakaipa; Unocenjerera nzira yake unoceŋgeta mŋeya wake. Kuɀikudza kunotaŋgira kuparadzwa; Ʋuye mŋeya wamanyawi unotaŋgira kuwa. Ɀirinani kuʋa nomŋeya unoɀininipisa pakati paʋarombo, Pakugoʋana ɀakapambga naʋanoɀikudza.
Zvirevo 16:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)