Zvirevo 12:15-28
Zvirevo 12:15-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari, asi munhu akachenjera anoteerera kurayira. Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo, asi munhu akachenjera anoshayira hanya kutukwa. Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi, asi chapupu chenhema chinoreva nhema. Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa. Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku. Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa, asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare. Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa, asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira. Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi. Munhu akachenjera anovanza zivo yake, asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi. Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda. Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza. Munhu akarurama anochenjerera ushamwari, asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika. Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata, asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake. Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu.
Zvirevo 12:15-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake; Asi akachenjera anoteerera kana achirairwa. Kutsamwa kwebenzi kunozikanwa pakarepo; Asi akachenjera anovanza kunyadziswa kwake. Munhu anoreva zvokwadi, anoparidza zvakarurama; Asi chapupu chenhema chinoparidza kunyengedzera. Mumwe ariko anotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; Asi rurimi rwowakachenjera runoporesa. Muromo wezvokwadi uchasimbiswa nokusingaperi; Asi rurimi rune nhema runongogara chinguva chiduku. Kunyengedzera kuri mumwoyo yavanofunga mano akaipa, Asi vanorairira zvorugare vanomufaro. Akarurama haangatongowirwi nechakaipa; Asi vakaipa vachazadzwa nezvakashata. Miromo, ine nhema, inonyangadza Jehovha; Asi vanoita nokutendeka vanomufadza. Munhu akachenjera anovanza zivo; Asi mwoyo yamapenzi inoparidza upenzi. Ruoko rwavasine usimbe ruchabata ushe; Asi vane usimbe vachabatiswa chibharo. Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza. Akarurama anoperekedza wokwake zvakanaka; Asi nzira yowakaipa inovarashisa. Simbe haibati mhuka yayamutsa, Asi kusava neusimbe ipfuma yomunhu. Panzira yakarurama ndipo panoupenyu; Kwainoenda hakuna rufu.
Zvirevo 12:15-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Maitiro ebenzi akanaka kwariri asi munhu mungwaru anoteerera mazano aanopiwa. Kushatirwa kwebenzi kunobva kwaoneka pakarepo asi munhu akangwara haaite hanya nokushatiriswa. Munhu anotaura chokwadi anoburitsa pachena zvakarurama asi chapupu chenhema chinoburitsa unyengedzi. Kune vamwe vanotaura zvinobaya mwoyo sebakatwa asi rurimi rwowakachenjera runoporesa. Muromo unotaura chokwadi hauwire pasi narini asi zvemuromo wenhema hazvina kwazvinosvika. Mumwoyo yavane bangano rakaipa, mune unyengedzi asi mune vanoronga zvakanaka mune rufaro. Hakuna chakaipa chinowira mururami asi vaipi nhamo dzinovamomotera. Miromo inoreva nhema haidiwe naTenzi asi vanotendeseka mukuita kwavo anofadzwa navo. Munhu akangwara anoviga ruzivo rwake asi mapenzi anoparidzira upenzi hwavo. Munhu anogwinyisa maoko achatonga asi anogara maoko achaendeswa kuchibharo. Kuzvidya mwoyo kunoonza asi shoko rakanaka rinomunyevenutsa mwoyo. Munhu wakarurama anoratidza mumwe wake nzira asi nzira yavakaipa inovatungamirira mutome. Anogara maoko hapana nyama yaanobata asi anogwinyisa maoko anowana upfumi hwakakosha. Munzira yoururami munoupenyu munzira yomugwagwa iwoyo hamuna rufu.
Zvirevo 12:15-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nzira yeɓenzi yakanaka pakuʋona kwake; Asi wakacenjera unoterera kana acirairwa. Kutsamŋa kweɓenzi kunozikanwa pakarepo; Asi munhu wakacenjera unoʋanza kunyadziswa kwake. Munhu unoreʋa ɀokwaɗi, unoparidza ɀakarurama; Asi capupu cenhema cinoparidza kunyeŋgedzera. Mumŋe uri’ko unotaura nokusaraŋgarira ɀinoɓaya somunondo; Asi rurimi rwowakacenjera runoporesa. Muromo weɀokwaɗi ucasimbiswa nokusiŋgaperi; Asi rurimi runenhema runoŋgogara ciŋguʋa ciɗuku. Kunyeŋgedzera kuri mumŋoyo yaʋanofuŋga mano akaipa; Asi ʋanorairira ɀorugare ʋanomufaro. Wakarurama haaŋgatoŋgowirwi necakaipa; Asi ʋakaipa ʋacazadzwa neɀakashata. Miromo, inenhema, inonyaŋgadza Jehova; Asi ʋanoita nokutendeka ʋanomufadza. Munhu wakacenjera unoʋanza ziʋo; Asi mŋoyo yamapenzi inoparidza ʋupenzi. Ruʋoko rwaʋasinoʋusimbe rucaɓata ʋushe; Asi ʋanoʋusimbe ʋacaɓatiswa cibaro. Kutambudzika pamŋoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza. Wakarurama unoperekedza wokwake ɀakanaka; Asi nzira yowakaipa inoʋarashisa. Simbe haiɓati mhuka yayamutsa, Asi kusaʋa noʋusimbe ifuma yomunhu. Panzira yakarurama ndi’po panoʋupenyu; Kwainoenda hakunorufu.
Zvirevo 12:15-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)