Nzira yeɓenzi yakanaka pakuʋona kwake; Asi wakacenjera unoterera kana acirairwa. Kutsamŋa kweɓenzi kunozikanwa pakarepo; Asi munhu wakacenjera unoʋanza kunyadziswa kwake. Munhu unoreʋa ɀokwaɗi, unoparidza ɀakarurama; Asi capupu cenhema cinoparidza kunyeŋgedzera. Mumŋe uri’ko unotaura nokusaraŋgarira ɀinoɓaya somunondo; Asi rurimi rwowakacenjera runoporesa. Muromo weɀokwaɗi ucasimbiswa nokusiŋgaperi; Asi rurimi runenhema runoŋgogara ciŋguʋa ciɗuku. Kunyeŋgedzera kuri mumŋoyo yaʋanofuŋga mano akaipa; Asi ʋanorairira ɀorugare ʋanomufaro. Wakarurama haaŋgatoŋgowirwi necakaipa; Asi ʋakaipa ʋacazadzwa neɀakashata. Miromo, inenhema, inonyaŋgadza Jehova; Asi ʋanoita nokutendeka ʋanomufadza. Munhu wakacenjera unoʋanza ziʋo; Asi mŋoyo yamapenzi inoparidza ʋupenzi. Ruʋoko rwaʋasinoʋusimbe rucaɓata ʋushe; Asi ʋanoʋusimbe ʋacaɓatiswa cibaro. Kutambudzika pamŋoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza. Wakarurama unoperekedza wokwake ɀakanaka; Asi nzira yowakaipa inoʋarashisa. Simbe haiɓati mhuka yayamutsa, Asi kusaʋa noʋusimbe ifuma yomunhu. Panzira yakarurama ndi’po panoʋupenyu; Kwainoenda hakunorufu.
Verenga chikamu Ɀireʋo 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 12:15-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo