Zvirevo 1:3-8
Zvirevo 1:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira; kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano, vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa, kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera. Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa. Mwanakomana wangu, teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
Zvirevo 1:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera; Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka. Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirahwe zvavo. Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa. Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
Zvirevo 1:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
dzinoitawo kuti munhu adzidze uchenjeri, ururami, noruenzaniso nokuva pachokwadi. Kuitirawo kuti vanhuwo zvavo vapiwe uchenjeri nevechidiki kufunga. Mungwaru achadzinzwawo agopamhidzira ruzivo anonzwisisa agowanawo mano. Kuri kuitira kuti munhu anzwisise tsumo namadimikira uye mazwi avangwaru nezvirahwe zvavo. Kutya Tenzi ndiko kutanga kworuzivo mapenzi anoshora ungwaru nechidzidziso. Mwanangu, teerera zvaunodzidziswa nababa vako. Usarambe zvaunorairwa naamai vako.
Zvirevo 1:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋarairirwe nzira yokuŋgwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; Ʋasinamano ʋapiwe kuŋgwara, Jaya ripiwe ziʋo nokucenjera; Kuti wakacenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka. Ʋanzwisise cireʋo nomufananidzo, Mashoko aʋakacenjera neɀirabge ɀaʋo. Kutya Jehova ndiko kuʋamba kweziʋo; Mapenzi anoshoʋora ʋucenjeri nokurairirwa. Mŋanakomana waŋgu, inzwa kurairira kwaɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako.
Zvirevo 1:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)