VaFiripi 2:7-9
VaFiripi 2:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose
VaFiripi 2:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. Saka Mwari akamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose
VaFiripi 2:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake akatora chimiro chomuranda akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu. Ava munhu kudaro akazvidukupisa akateerera kudzamara pakufa, rufu rwomuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamusimudzirawo pamusorosoro akamupa zita rapamusorosoro kupfuura mazita ose
VaFiripi 2:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
asi wakaɀiɗurura iye, akaɀiita muranda, akafanana naʋanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akaɀininipisa, akaterera kuȿikira parufu, irwo rufu rwomucinjikwa. Saka Mŋari wakamukudza ɀikuru, akamupa zita rinopfuʋura mazita ose
VaFiripi 2:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)