Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaFiripi 2

2
Kristu mutuŋgamiriri weɗu pakuɀininipisa.
1Ɀino kana kuʋaraidzwa kuri’po kunaKristu, kana kunyaradza kworuɗo, kana kuyanana kwoMŋeya, kana mŋoyo munyoro nokunzwira tsitsi, 2zadzisai mufaro waŋgu, muʋe nokufuŋga kumŋe, muciʋa noruɗo rumŋe, nomŋeya mumŋe, nendaŋgariro imŋe, 3musiŋgaiti cinhu nenharo, kana nokuɀikudza, asi mumŋe nomumŋe ŋgaati nomŋoyo unoɀininipisa, ʋamŋe ʋanomupfuʋura iye pakunaka; 4mumŋe nomumŋe ŋgaarege kutarira ɀake, asi ŋgaatarire ɀaʋamŋe ʋo. 5Iʋai nomŋoyo uyo, wakaŋga uri munaKristu Jesu ʋo; 6iye, kunyaŋge akaŋga akafanana naMŋari, haana‐kuti kuenzana naMŋari ndicinhu cinofanira kuɓatisiswa; 7asi wakaɀiɗurura iye, akaɀiita muranda, akafanana naʋanhu; 8akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akaɀininipisa, akaterera kuȿikira parufu, irwo rufu rwomucinjikwa. 9Saka Mŋari wakamukudza ɀikuru, akamupa zita rinopfuʋura mazita ose; 10kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, aʋari kuɗeŋga naʋari panyika, naʋari pasi penyika, 11kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mŋari, Ƃaɓa, arumbidzwe.
12Naiɀoɀo, ʋaɗikanwa ʋaŋgu, seɀamakaterera ŋguʋa dzose, ndisati ndiri’po ɓedzi, asi ɀikuru ɀino kana ndisi’po, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokuɗeɗera; 13nokuti ndiye Mŋari unoita mukati menyu kuɗa nokuita nokuɗa kwake kwakanaka. 14Itai ɀose musiŋganyunyuti, musinenharo; 15kuti muʋe ʋanhu ʋasina‐caʋaŋgapomerwa, naʋasina‐kusarurama, ʋana ʋaMŋari ʋasinemhoȿa pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoʋonekwa pakati parwo seɀiedza panyika; 16makaɓatisisa shoko roʋupenyu, kuti ndiʋe necandiŋgaɀirumbidza naco nezuʋa raKristu, ndiziʋe kuti handina‐kumhanya pasina, kana kuɓata pasina. 17Kunyaŋge ndikaɗururwa pamsoro peciɓayiro nokushumira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. 18Nokuɗa kwaiɀoɀo nemi ʋo mufare nokufarisisa neni.
Pauro unotuma Timotio naEpafrodito.
19MunaShe Jesu ndinoti ndicakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa ɀenyu. 20Nokuti handinomumŋe munhu unomŋoyo wakaita sowake, ucaʋa nehanya kwaɀo neɀenyu. 21Nokuti ʋose ʋanoɀitȿakira ɀaʋo, ɀisati ɀiri ɀaKristu Jesu. 22Asi munoziʋa kutendeka kwake, kuti wakaɓata pamŋe cete neni paEvaŋgeri, somŋana unoɓatira ɓaɓa ʋake. 23Ɀino ndiye wandinoti ndicatuma kwamuri pakarepo, kana ndaʋona kuti ɀaŋgu ɀakaɗini; 24asi ndinotenda munaShe kuti neni ʋo ndimene ndicakurumidza kuʋuya. 25Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yaŋgu, nomuɓatsiri waŋgu pamaɓasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri waŋgu pakushaiwa kwaŋgu; 26ɀaakaŋga acikushuʋai ɀikuru imi mose, akatambudzika kwaɀo, nokuti imi makaŋga manzwa kuti unorwara. 27Nokuti wakaŋga acirwara kwaɀo, ari pakufa; asi Mŋari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye ɓedzi, asi neni ʋo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamsoro penhamo. 28Naiɀoɀo ndakashiŋgaira kumutuma kwamuri, kuti mumuʋone, mufare ɀe, neni ndirege kuʋa nenhamo. 29Naiɀoɀo mumugamucirei munaShe nomufaro wose, ʋuye mukudze ʋakaɗai; 30nokuti nokuɗa kweɓasa raKristu wakaŋga oɗo‐kufa, akasaraŋgarira ʋupenyu bgake, aciɗa kukwanisa pamakaŋga musiŋgagoni kundishumira imi.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaFiripi 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda