VaFiripi 2:12-13
VaFiripi 2:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera, nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.
VaFiripi 2:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera; nokuti ndiye Mwari anoita mukati menyu kuda nokuita nokuda kwake kwakanaka.
VaFiripi 2:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo hama dzangu dzadiwa, savanhu vanoteerera nguva dzose, nezvo nyatsoshandirai ruponeso rwenyu muchitya uye muchidedera kwete kana ndiripo chete asi zvikuru kana ndisipo nokuti Mwari anoshanda mamuri kuti mude uye kuti mumushandire zvaanoda.
VaFiripi 2:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, ʋaɗikanwa ʋaŋgu, seɀamakaterera ŋguʋa dzose, ndisati ndiri’po ɓedzi, asi ɀikuru ɀino kana ndisi’po, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokuɗeɗera; nokuti ndiye Mŋari unoita mukati menyu kuɗa nokuita nokuɗa kwake kwakanaka.
VaFiripi 2:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)