VaFiripi 2:1-30
VaFiripi 2:1-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo. Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari Baba vakudzwe. Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera, nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka. Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina. Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose. Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni. Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu. Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka. Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri. Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei. Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza. Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhitasi, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azondibatsira pane zvandaishayiwa. Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara. Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa. Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma. Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye, nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake panjodzi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.
VaFiripi 2:1-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kuna Kristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mwoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe, musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire vamwewo. Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. Saka Mwari akamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe. Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera; nokuti ndiye Mwari anoita mukati menyu kuda nokuita nokuda kwake kwakanaka. Itai zvose musinganyunyuti musina nharo; kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika; makabatisisa shoko roupenyu, kuti ndive nechandingazvirumbidza nacho nezuva raKristu, ndizive kuti handina kumhanya pasina, kana kubata basa pasina. Kunyange ndikadururwa pamusoro pechibayiro nokushumira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. Nokuda kwaizvozvo nemiwo mufare nokufarisisa neni. MunaIshe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timoti kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu. Nokuti handina mumwe munhu anomwoyo wakaita sowake, achava nehanya kwazvo nezvenyu. Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu. Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwechete neni paVhangeri, somwana anobatira baba vake. Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndaona kuti zvangu zvakadini; asi ndinotenda muna Ishe kuti neniwo ndimene ndichakurumidza kuuya. Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafirodhito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushayiwa kwangu; zvaakanga achikushuvai zvikuru imi mose, akatambudzika kwazvo, nokuti imi makanga manzwa kuti anorwara. Nokuti akanga achirwara kwazvo, ari pakufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neniwo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo. Naizvozvo ndakashingaira kumutuma kwamuri, kuti mumuone, mufarezve, neni ndirege kuva nenhamo. Naizvozvo mumugamuchire muna Ishe nomufaro wose, uye mukudze vakadai; nokuti nokuda kwebasa raKristu akanga oda kufa, akasarangarira upenyu hwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imi.
VaFiripi 2:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kana imi muine chinokukurudzirai muna Kristu, muine rudo runokugadzanisai mwoyo, muina Mweya uye muine rudo nomutsa, chiitai kuti ndinyatsofara nokuva nomwoyo mumwechete kwenyu muchidana zvimwechetezvo, muchinzwana muine mweya mumwechete. Musaite chii zvacho pamusana pokungozvifunga kana pamusana pokuzvikudza. Asi zvirerekei mutore vamwe savari nani kwamuri. Munhu ngaarege kungoisa ziso pane zvake chete asi ngaaite hanya nezvavamwe. Pakati penyu ivai nemwoyowo uyu mamuri waiva naKristu Jesu wokuti: Kunyange zvake akanga ari zvimwechetezvo naMwari, haana kuti ndoramba ndakangoomerana nokuenzana naMwari ikoko. Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake akatora chimiro chomuranda akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu. Ava munhu kudaro akazvidukupisa akateerera kudzamara pakufa, rufu rwomuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamusimudzirawo pamusorosoro akamupa zita rapamusorosoro kupfuura mazita ose; zvokuti kuremekedza zita raJesu, mabvi ose avari kudenga navari pasi pano navari pasi penyika, anofanira kumupfugamira uye kuti rurimi rumwe norumwe rutaure pachena kuti Jesu ndiTenzi kuitira kuti Mwari Baba varumbidzwe. Naizvozvo hama dzangu dzadiwa, savanhu vanoteerera nguva dzose, nezvo nyatsoshandirai ruponeso rwenyu muchitya uye muchidedera kwete kana ndiripo chete asi zvikuru kana ndisipo nokuti Mwari anoshanda mamuri kuti mude uye kuti mumushandire zvaanoda. Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika. Kubatisisa kwenyu shoko roupenyu ndiko kuchaita kuti ndizvikudze pazuva raKristu kuti handina kumhanyira pasina kana kushandira pasina. Kunyange zvazvo ndikadururwa somuteuro pamusoro pemupiro wechibayiro chechitendero chenyu ndinofara nokupembera pamwe nemi mose nemiwo munofanira kufara nokupembera pamwechete neni. Kana Tenzi Jesu ari mazviri, ndinotarisira kutuma Timoti kwamuri kuti ndifaranutswe kunzwa nezvenyu. Handina mumwe ane mwoyo wakaita sowake, ane hanya chaidzo noupenyu hwenyu. Vose vari kungotsvaka zvavo bedzi, kwete zvaJesu Kristu. Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa. Naizvozvo ndinotarisira kumutumira kana ndangoona kuti zviri kundifambira sei. Ndinovimba naTenzi kuti iyeni pachangu ndichauya nokukurumidza. Ndinofunga kuti ndinofanira kutumira Epafurodhitosi, hama yangu nomushandipamwe neni, iye musoja pamwe neni. Ndiyewo mutumwa wenyu, kwandiri uye munhu anondibatsira mune zvandinoshaya. Iye akanga achisuwira kwazvo kukuonai mose. Zvakamurwadza kwazvo kuti imi makanzwa kuti iye airwara. Ichokwadiwo kuti airwara, zvokutoda kufa asi Mwari akamuitira tsitsi, kwete iye chete asi kana iniwo kuti ndirege kuva nenhamo pamusoro peimwe nhamo. Nezvo ndinodisisa kwazvo kumutumira kuti mufare kwazvo kumuonazve uyewo kuti ndinge ndinoti gadzanei mwoyo. Nezvo mugamuchirei nomufaro muna Tenzi. Remekedzai vanhu vakadai nokuti akaisa upenyu rwake parumano zvokutoda kufira basa raKristu kuti andipe rubatsiro rwamakanga musingakwanisi kundipa.
VaFiripi 2:1-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana kuʋaraidzwa kuri’po kunaKristu, kana kunyaradza kworuɗo, kana kuyanana kwoMŋeya, kana mŋoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro waŋgu, muʋe nokufuŋga kumŋe, muciʋa noruɗo rumŋe, nomŋeya mumŋe, nendaŋgariro imŋe, musiŋgaiti cinhu nenharo, kana nokuɀikudza, asi mumŋe nomumŋe ŋgaati nomŋoyo unoɀininipisa, ʋamŋe ʋanomupfuʋura iye pakunaka; mumŋe nomumŋe ŋgaarege kutarira ɀake, asi ŋgaatarire ɀaʋamŋe ʋo. Iʋai nomŋoyo uyo, wakaŋga uri munaKristu Jesu ʋo; iye, kunyaŋge akaŋga akafanana naMŋari, haana‐kuti kuenzana naMŋari ndicinhu cinofanira kuɓatisiswa; asi wakaɀiɗurura iye, akaɀiita muranda, akafanana naʋanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akaɀininipisa, akaterera kuȿikira parufu, irwo rufu rwomucinjikwa. Saka Mŋari wakamukudza ɀikuru, akamupa zita rinopfuʋura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, aʋari kuɗeŋga naʋari panyika, naʋari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mŋari, Ƃaɓa, arumbidzwe. Naiɀoɀo, ʋaɗikanwa ʋaŋgu, seɀamakaterera ŋguʋa dzose, ndisati ndiri’po ɓedzi, asi ɀikuru ɀino kana ndisi’po, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokuɗeɗera; nokuti ndiye Mŋari unoita mukati menyu kuɗa nokuita nokuɗa kwake kwakanaka. Itai ɀose musiŋganyunyuti, musinenharo; kuti muʋe ʋanhu ʋasina‐caʋaŋgapomerwa, naʋasina‐kusarurama, ʋana ʋaMŋari ʋasinemhoȿa pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoʋonekwa pakati parwo seɀiedza panyika; makaɓatisisa shoko roʋupenyu, kuti ndiʋe necandiŋgaɀirumbidza naco nezuʋa raKristu, ndiziʋe kuti handina‐kumhanya pasina, kana kuɓata pasina. Kunyaŋge ndikaɗururwa pamsoro peciɓayiro nokushumira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. Nokuɗa kwaiɀoɀo nemi ʋo mufare nokufarisisa neni. MunaShe Jesu ndinoti ndicakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa ɀenyu. Nokuti handinomumŋe munhu unomŋoyo wakaita sowake, ucaʋa nehanya kwaɀo neɀenyu. Nokuti ʋose ʋanoɀitȿakira ɀaʋo, ɀisati ɀiri ɀaKristu Jesu. Asi munoziʋa kutendeka kwake, kuti wakaɓata pamŋe cete neni paEvaŋgeri, somŋana unoɓatira ɓaɓa ʋake. Ɀino ndiye wandinoti ndicatuma kwamuri pakarepo, kana ndaʋona kuti ɀaŋgu ɀakaɗini; asi ndinotenda munaShe kuti neni ʋo ndimene ndicakurumidza kuʋuya. Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yaŋgu, nomuɓatsiri waŋgu pamaɓasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri waŋgu pakushaiwa kwaŋgu; ɀaakaŋga acikushuʋai ɀikuru imi mose, akatambudzika kwaɀo, nokuti imi makaŋga manzwa kuti unorwara. Nokuti wakaŋga acirwara kwaɀo, ari pakufa; asi Mŋari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye ɓedzi, asi neni ʋo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamsoro penhamo. Naiɀoɀo ndakashiŋgaira kumutuma kwamuri, kuti mumuʋone, mufare ɀe, neni ndirege kuʋa nenhamo. Naiɀoɀo mumugamucirei munaShe nomufaro wose, ʋuye mukudze ʋakaɗai; nokuti nokuɗa kweɓasa raKristu wakaŋga oɗo‐kufa, akasaraŋgarira ʋupenyu bgake, aciɗa kukwanisa pamakaŋga musiŋgagoni kundishumira imi.
VaFiripi 2:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)