VaFiripi 2:1-10
VaFiripi 2:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo. Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika
VaFiripi 2:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kuna Kristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mwoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe, musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire vamwewo. Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. Saka Mwari akamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika
VaFiripi 2:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kana imi muine chinokukurudzirai muna Kristu, muine rudo runokugadzanisai mwoyo, muina Mweya uye muine rudo nomutsa, chiitai kuti ndinyatsofara nokuva nomwoyo mumwechete kwenyu muchidana zvimwechetezvo, muchinzwana muine mweya mumwechete. Musaite chii zvacho pamusana pokungozvifunga kana pamusana pokuzvikudza. Asi zvirerekei mutore vamwe savari nani kwamuri. Munhu ngaarege kungoisa ziso pane zvake chete asi ngaaite hanya nezvavamwe. Pakati penyu ivai nemwoyowo uyu mamuri waiva naKristu Jesu wokuti: Kunyange zvake akanga ari zvimwechetezvo naMwari, haana kuti ndoramba ndakangoomerana nokuenzana naMwari ikoko. Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake akatora chimiro chomuranda akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu. Ava munhu kudaro akazvidukupisa akateerera kudzamara pakufa, rufu rwomuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamusimudzirawo pamusorosoro akamupa zita rapamusorosoro kupfuura mazita ose; zvokuti kuremekedza zita raJesu, mabvi ose avari kudenga navari pasi pano navari pasi penyika, anofanira kumupfugamira
VaFiripi 2:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana kuʋaraidzwa kuri’po kunaKristu, kana kunyaradza kworuɗo, kana kuyanana kwoMŋeya, kana mŋoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro waŋgu, muʋe nokufuŋga kumŋe, muciʋa noruɗo rumŋe, nomŋeya mumŋe, nendaŋgariro imŋe, musiŋgaiti cinhu nenharo, kana nokuɀikudza, asi mumŋe nomumŋe ŋgaati nomŋoyo unoɀininipisa, ʋamŋe ʋanomupfuʋura iye pakunaka; mumŋe nomumŋe ŋgaarege kutarira ɀake, asi ŋgaatarire ɀaʋamŋe ʋo. Iʋai nomŋoyo uyo, wakaŋga uri munaKristu Jesu ʋo; iye, kunyaŋge akaŋga akafanana naMŋari, haana‐kuti kuenzana naMŋari ndicinhu cinofanira kuɓatisiswa; asi wakaɀiɗurura iye, akaɀiita muranda, akafanana naʋanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akaɀininipisa, akaterera kuȿikira parufu, irwo rufu rwomucinjikwa. Saka Mŋari wakamukudza ɀikuru, akamupa zita rinopfuʋura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, aʋari kuɗeŋga naʋari panyika, naʋari pasi penyika
VaFiripi 2:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)