Numeri 6:22-26
Numeri 6:22-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutoo uyu. Muti kwavari: “ ‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei; Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi; Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri uye akupei rugare.’ ”
Numeri 6:22-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akataura naMosesi, akati, “Taura naAroni navanakomana vake, uti, ‘Munofanira kuropafadza vana vaIsiraeri nomutoo uyu:’ Muti kwavari, ‘Jehovha akuropafadze, akuchengete; Jehovha akuvhenekere nechiso chake, akunzwire nyasha; Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.’
Numeri 6:22-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira Aroni navanakomana vake kuti kana vava kukomborera vaIsiraeri ngavataure vachiti: “Tenzi ngaakukomborerei akuchengetei Tenzi ngaakucheukei akunzwirei tsitsi Tenzi ngaakutarisei akupei rugare.
Numeri 6:22-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akataura naMosesi, akati: Taura naAroni naʋanakomana ʋake, uti: Munofanira kuropafadza ʋana ʋaIsraeri nomutoʋo uyu: Muti kwaʋari: Jehova akuropafadze, akuceŋgete; Jehova akuvenekere neciso cake, akunzwire nyasha; Jehova akusimudzire ciso cake, akupe rugare.
Numeri 6:22-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira Aroni navanakomana vake kuti kana vava kukomborera vaIsiraeri ngavataure vachiti: “Tenzi ngaakukomborerei akuchengetei Tenzi ngaakucheukei akunzwirei tsitsi Tenzi ngaakutarisei akupei rugare.