Kuverengwa 6
6
Mirayiro inonangana nezvevaNaziri
1Tenzi akati, 2“Iti kuvaIsiraeri kana munhurume kana munhukadzi akaita mhiko inokosha achipikira kuva muNaziri achizviturira kunaTenzi, 3ngaarege kunwa waini kana doro. Ngaarege kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nedoro kana kunwa muto kana kudya magirepisi manyoro kana akaomeswa. 4Mazuva aanenge ari muNaziri ngaarege kudya chinobva pamuti womugirepisi kunyange mhodzi dzamagirepisi kana ganda rawo.
5“Mazuva ose aanenge akazvipikira kuva muNaziri ngaarege kuveurwa vhudzi, kana ndebvu dzake nokuti akazviturira kuna Tenzi. Saka ngaarege vhudzi rake richireba. 6Pamazuva iwayo ose aakazvipira kuna Tenzi ngaarege kusvika pedyo nechitunha, 7chingave chitunha chababa vake kana amai vake kana chomukoma kana munun'una wake, kana chehanzvadzi yake kana vakafa haafaniri kunzvin'oresa chiratidzo chokuzvipira kwake chiri pamusoro wake. 8Mazuva ake ose ouNaziri anenge ari munhu akaturirwa kuna Tenzi.
9“Kana munhu akakaruka afira pedyo nomuNazari musoro womuNaziri iyeyo unobva wan'oreswa. Ngaaveure musoro wake pazuva rake rokuzvichenura pazuva rechinomwe. 10Pazuva rorusere, ngaaunze njiva mbiri kana hangaiwa mbiri kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira. 11Mupristi ngaapire imwe yadzo achiita chibayiro chokupirira zvitadzo; imwe yadzo yove yechibayiro chokupisa achichenura muNaziri mukun'oreswa kwaanenge aitwa nechitunha. Pamusi iwoyo ngaaturire zvakare musoro wake kuna Tenzi. 12Ngaazvitsaurire Tenzi kwamazuva ose aakanga ati anozvitsaurira Mwari. Ngaaunze hwayana ine gore rimwechete yomupiro wokuripa mhosva. Mazuva ake aye okutanga haana basa, nokuti kuzvipira kwake kouNaziri kwakan'oreswa.
13“Uyu mutemo unosunga muNaziri kana mazuva ake okuzvipira asvika kumagumo, ngaauye kumusuo wetendhe rokusanganira, 14apire zvipo zvake kuna Tenzi hwayana hono ine gore rimwechete isina chinoshoreka yomupiro wokupisa, nehwayana hadzi ine gore rimwechete isina chinoshoreka yomupiro wokupfupira zvitadzo, nehondohwe isina chinoshoreka yechibayiro chomupiro wokuwadzana. 15Ngaapirewo tswanda yezvingwa zvisina mbiriso, nezvingwa zvikobvu zveupfu hwakanyatsokuyiwa hwekoroni hwakakanywa namafuta eorivhi, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta eorivhi pamwechete nomupiro wembesanwa nomupiro wezvokunwa.
16“Mupristi ngaauye nazvo zvose kuna Tenzi apire nomupiro wake wokupfupira zvitadzo zvake mupiro wake wokupisa. 17Ngaapire hondohwe yechibayiro chomupiro wokuwadzana kuna Tenzi netswanda yezvingwa zvisina mbiriso. Mupristi ngaapire nomupiro wembesanwa nemupiro wawo wezvokunwa kuna Tenzi, 18kumusuo wetendhe rokusanganira, aveure vhudzi rake rakamboturirwa kuna Mwari atore vhudzi mumusoro wake wakapirwa kuna Mwari ariise mumoto unenge uri pasi pechibayiro chokuwadzana.
19“Kana bandauko rehondohwe iya rabikwa mupristi ngaaritore pamwechete nechingwa chisina mbiriso nechingwa chitete chomutswanda chiya, ape zvose muNazari uya aveura vhudzi rake rokuzvipira kuna Tenzi. 20Mupristi ngaazviite mupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi. Mugove unoera womupristi pamwechete nechityu chinosimudzwa nechidya chinopirwa. Kana zvose izvozvo zvapera muNazari angachinwa zvake waini.
21“Iwoyu ndiwo murao unonangana nomuNazari anenge apika mhiko. Kuzvipira kwake kuna Tenzi somuNazari ngakuchengetwe maererano nemhiko yake. Asi kana pane zvimwewo zvaanokwanisa kuita ngaaite zvake. Asi zvouNazari hwake ihwohwo anofanira kuzvichengeta nomazvo.”
Munamato womupristi pakukomborera vanhu
22Tenzi akataurira Mosesi achiti, 23“Taurira Aroni navanakomana vake kuti kana vava kukomborera vaIsiraeri ngavataure vachiti:
24“Tenzi ngaakukomborerei akuchengetei
25Tenzi ngaakucheukei akunzwirei tsitsi
26Tenzi ngaakutarisei akupei rugare.
27“Kana vakadoma zita rangu pavanokomborera vaIsiraeri, ini ndichavakomborera.”
Zvasarudzwa nguva ino
Kuverengwa 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.