Numeri 20:7-12
Numeri 20:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora tsvimbo uye iwe nomukoma wako Aroni muunganidze ungano pamwe chete. Utaure kudombo pamberi pavo rigobudisa mvura yaro. Iwe uchabudisa mvura kubva mudombo kuti vanwe ivo nezvipfuwo zvavo.” Saka Mozisi akatora tsvimbo pamberi paJehovha, sezvaakanga amurayira. Iye naAroni vakaunganidza ungano pamwe chete pamberi pedombo, Mozisi akati kwavari, “Teererai imi vokumukira, tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?” Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura yakabuda, ungano nezvipfuwo zvikanwa. Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.”
Numeri 20:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.” Ipapo Mosesi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye. Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, “Zvino, chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?” Ipapo Mosesi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji‐zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo. Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana vaIsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.”
Numeri 20:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Tora tsvimbo iya, uunganidze gungano ravanhu. Iwe nomukoma wako Aroni udzai dombo vaIsiraeri vakatarisa kuti riburitse mvura. Ipapo muchavabudisira mvura padombo. Naizvozvo muchawanisa gungano rose pamwechete nezvipfuwo zvavo mvura yokunwa.” Mosesi akatora tsvimbo yakanga iri pamberi pebhokisi rechitenderano sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi naAroni vakaunganidza vanhu kudombo riya ndokuvati, “Chinzwai mhandupandu dzavanhu, imi! Ko tokubudisirai mvura padombo iri here?” Mosesi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura zhinji zhinji ikabuda, vanhu vakanwa pamwechete nezvipfuwo zvavo. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nokuti hamuna kuvimba neni, hamuna kuratidza vaIsiraeri kururama nokuera kwangu imi hamuchandosvitsi vaIsiraeri kunyika yandakavapa.”
Numeri 20:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Tora tȿimbo, uʋuŋganidze ʋuŋgano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure neɗombo pamberi paʋo, kuti riɓuɗise mvura yaro; unofanira kuʋaɓuɗisira mvura paɗombo, unwise ʋuŋgano neɀipfuwo ɀaʋo. Ipapo Mosesi akatora tȿimbo, yakaŋga iri pamberi paJehova, seɀaakaŋga arairwa naye. Mosesi naAroni ʋakaʋuŋganidza ʋuŋgano pamberi peɗombo, akati kwaʋari: Ɀino, cinzwai, imi ʋokumukira Jehova, ko tiŋgakuɓuɗisirai mvura paɗombo iri here? Ipapo Mosesi akasimudza ruʋoko rwake, akaroʋa ɗombo kaʋiri netȿimbo yake, mvura ikaɓuɗa zhinji‐zhinji, ʋuŋgano ikanwa, neɀipfuwo ɀaʋo. Ipapo Jehova akati kunaMosesi naAroni: Ɀamusina‐kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi paʋana ʋaIsraeri, hamuŋgapinzi ʋuŋgano iyi munyika yandakaipa.
Numeri 20:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)