Numeri 20:11-13
Numeri 20:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura yakabuda, ungano nezvipfuwo zvikanwa. Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.” Iyi ndiyo mvura yeMeribha, apo vaIsraeri vakarwa naJehovha uye paakazviratidza kuti mutsvene pakati pavo.
Numeri 20:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mosesi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji‐zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo. Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana vaIsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.” Ndiyo mvura yeMeribha, nokuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.
Numeri 20:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura zhinji zhinji ikabuda, vanhu vakanwa pamwechete nezvipfuwo zvavo. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nokuti hamuna kuvimba neni, hamuna kuratidza vaIsiraeri kururama nokuera kwangu imi hamuchandosvitsi vaIsiraeri kunyika yandakavapa.” Apa ndipo pamvura yenharo, paMeribha, pakaitira vaIsiraeri Tenzi nharo, asi Tenzi akavaratidza kuera kwake.
Numeri 20:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mosesi akasimudza ruʋoko rwake, akaroʋa ɗombo kaʋiri netȿimbo yake, mvura ikaɓuɗa zhinji‐zhinji, ʋuŋgano ikanwa, neɀipfuwo ɀaʋo. Ipapo Jehova akati kunaMosesi naAroni: Ɀamusina‐kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi paʋana ʋaIsraeri, hamuŋgapinzi ʋuŋgano iyi munyika yandakaipa. Ndiyo mvura yeMeriba, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarwa naJehova, akaɀiratidza kwaʋari ari Mutȿene.
Numeri 20:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)