Numeri 14:42-45
Numeri 14:42-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musakwidza kumusoro nokuti Jehovha haazi pakati penyu. Muchakundwa navavengi venyu, nokuti vaAmareki navaKenani vachasangana nemi ikoko. Nokuti makafuratira Jehovha, iye haangavi nemi uye muchaurayiwa nomunondo.” Kunyange zvakadaro, nepfungwa dzavo, vakaenda vakananga kunyika yamakomo marefu, kunyange Mozisi asina kuenda uye areka yaJehovha yesungano isina kubviswawo pamusasa. Ipapo vaAmareki navaKenani vaigara munyika yamakomo vakaburuka vakavarwisa vakavadzingirira kusvikira kuHoma.
Numeri 14:42-45 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musakwira, nokuti Jehovha haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa navavengi venyu. Nokuti vaAmareki navaKenani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haangavi nemi.” Kunyange zvakadaro vakaidza havo kukwira kumusoro wegomo nokuzvikudza kwavo; asi areka yesungano yaJehovha haina kubva pamisasa, naiye Mosesiwo. Ipapo vaAmareki navaKenani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHoma.
Numeri 14:42-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Regai kuendako nokuti Tenzi haasi nemi. Muchandokundwa navavengi venyu! Kana vaAmareki navaKanani vouya kuzokurwisai vachakuurayai namapakatwa nokuti makafuratira Tenzi. Tenzi haazovi nemi.” Asi ivo vakangoenda kunyika yokumakomo, kunyange bhokisi rechitenderano raTenzi rakasara mumatendhe naMosesi asinawo kuenda navo. VaAmareki navaKanani vakanga vagere munyika yamakomo vakaburuka vakabva vavakunda ndokuvadzingirira kusvikira kuHorima.
Numeri 14:42-45 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musakwira, nokuti Jehova haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋenyu. Nokuti ʋaAmareki naʋaKanani ʋari mberi kwenyu ipapo; mucaʋurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakuteʋera Jehova, naiɀoɀo Jehova haaŋgaʋi nemi. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaidza haʋo kukwira kumusoro wegomo nokuɀikudza kwaʋo; asi areka yesuŋgano yaJehova hainakubva pamisasa, naiye Mosesi ʋo. Ipapo ʋaAmareki naʋaKanani ʋakaŋga ʋagere mugomo iro ʋakaɓuruka, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋgirira kuȿikira paHorma.
Numeri 14:42-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)