Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 14:1-45

Numeri 14:1-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Usiku ihwohwo vanhu vose veungano vakasimudza manzwi avo vakachema zvikuru. VaIsraeri vose vakapopotera Mozisi naAroni uye ungano yose yakati kwavari, “Dai bedzi takanga tafira muIjipiti! Kana murenje rino! Ko, Jehovha ari kuuyireiko nesu kunyika ino zvoongotirega tichindourayiwa nomunondo? Vakadzi navana vedu vachatorwa senhapwa. Hazvaiva nani here kuti tidzokere kuIjipiti?” Zvino vakataurirana vachiti, “Tinofanira kusarudza mutungamiri tidzokere kuIjipiti.” Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavaIsraeri yakanga iri ipapo. Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, avo vakanga vari pakati pavaya vakanga vandosora nyika, vakabvarura nguo dzavo. Vakati kuungano yose yavaIsraeri, “Nyika yatakapfuura napakati payo tikaisora yakanaka kwazvo. Kana Jehovha achifadzwa nesu, achatitungamirira kuti tipinde munyika iyoyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, agoipa kwatiri. Chete imi regai kumukira Jehovha. Uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti tichavamedza. Kudzivirirwa kwavo kwabviswa, asi Jehovha anesu. Musavatya.” Asi ungano yose yakataura nezvokuti vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa paTende Rokusangana navaIsraeri vose. Jehovha akati kuna Mozisi, “Vanhu ava vachasvika riniko vachingondizvidza? Vacharamba kunditenda kusvikira riniko, kunyange ndakaita zviratidzo nezvishamiso zvose pakati pavo? Ndichavarova nedenda ndigovaparadza, asi iwe ndichakuita rudzi rukuru kwazvo uye rwakasimba kukunda ivo.” Mozisi akati kuna Jehovha, “Ipapo vaIjipita vachanzwa pamusoro pazvo! Kuti makabudisa vanhu ava kubva pakati pavo nesimba renyu. Uye vachaudza vanhu vanogara munyika ino pamusoro pazvo. Vakatozvinzwa kare kuti imi, Jehovha, mugere navanhu ava uye kuti imi, Jehovha, makaonekwa chiso nechiso, uye kuti gore renyu rinogara pamusoro pavo, uye kuti munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yomoto usiku. Kana mukauraya vanhu vose ava panguva imwe chete, ndudzi dzakanzwa mukurumbira uyu pamusoro penyu dzichati, ‘Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avavimbisa nemhiko; saka akavauraya murenje.’ “Zvino simba raJehovha ngariratidzwe, sezvamakataura muchiti: ‘Jehovha anononoka kutsamwa, azere norudo uye anoregerera zvivi nokumukira. Kunyange zvakadaro haangaregi kuranga ane mhosva, anoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.’ Zvichienderana norudo rwenyu rukuru, regererai chivi chavanhu ava, sezvamakavaregerera kubva panguva yavakabva kuIjipiti kusvikira zvino.” Jehovha akapindura akati, “Ndavaregerera sezvawakumbira iwe. Asi hazvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, uye zvirokwazvo sokuzara kunoita nyika yose nokubwinya kwaJehovha, hakuna mumwe wavarume vakaona kubwinya kwangu nezvishamiso zvandakaita muIjipiti nomurenje asi vakasanditeerera, uye vakandiedza kanokwana kagumi, hakuna mumwe wavo achazoona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaiona. Asi nokuda kwokuti muranda wangu Karebhu ano mweya wakasiyana navamwe uye anonditevera nomwoyo wose, ndichamupinza munyika yaakaenda kwairi, uye ichava nhaka yezvizvarwa zvake. Sezvo vaAmareki navaKenani vachigara mumipata, dzokai mangwana mufambe makananga kurenje muchitevedza nzira inoenda nokuGungwa Dzvuku.” Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Ungano iyi icharamba ichindipopotera kusvikira riniko? Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsraeri vokungopopota havo ava. Saka vaudze kuti, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakuitirai zvinhu zvacho zvandakanzwa muchireva muchiti: Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino, imi mose muna makore makumi maviri kana makumi maviri neanoraudza makaverengwa pakuverengwa uye mukandipopotera. Hakuna mumwe wenyu achapinda munyika yandakakupikirai noruoko rwakasimudzwa kuti uve musha wenyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni. Asi kana vari vana venyu vamakati vachatapwa, ndichavapinza kuti vafare munyika yamaramba imi. Asi imi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino. Vana venyu vachava vafudzi muno kwamakore makumi mana, vachitambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu, kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chavata murenje rino. Kwamakore makumi mana, gore richimirira zuva rimwe nerimwe ramazuva makumi mana amakasora nyika, muchatambudzika nokuda kwezvivi zvenyu uye muchaziva kuti zvinoita sei kuti ini ndirwe nemi.’ Ini, Jehovha, ndazvitaura, uye zvirokwazvo ndichaita zvinhu izvi kuungano yose iyi yakaipa, yakabatana pamwe chete kuti indirwise. Vachaperera murenje muno; vachafira muno.” Saka varume vakanga vatumwa naMozisi kundosora nyika, vaya vakadzoka vakaita kuti ungano yose ipopotere Mozisi nemhaka yokuparadzira mashoko akaipa pamusoro payo: varume ava vakanga vaparadzira mashoko akaipa pamusoro penyika, vakarohwa vakaurayiwa nedenda pamberi paJehovha. Pavarume vakaenda kundosora nyika, Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune ndivo bedzi vakararama. Mozisi akati azivisa izvi kuvaIsraeri vose, vakachema zvikuru. Mangwana acho mangwanani, vakakwidza vakananga kumusoro kunyika yamakomo marefu. Vakati, “Takatadza hedu. Tichakwidza tiende kunyika yatakavimbiswa naJehovha.” Asi Mozisi akati kwavari, “Sei musingateereri kurayira kwaJehovha? Izvi hazvibudiriri! Musakwidza kumusoro nokuti Jehovha haazi pakati penyu. Muchakundwa navavengi venyu, nokuti vaAmareki navaKenani vachasangana nemi ikoko. Nokuti makafuratira Jehovha, iye haangavi nemi uye muchaurayiwa nomunondo.” Kunyange zvakadaro, nepfungwa dzavo, vakaenda vakananga kunyika yamakomo marefu, kunyange Mozisi asina kuenda uye areka yaJehovha yesungano isina kubviswawo pamusasa. Ipapo vaAmareki navaKenani vaigara munyika yamakomo vakaburuka vakavarwisa vakavadzingirira kusvikira kuHoma.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 14

Numeri 14:1-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Gungano rose ravaIsiraeri rakaridza mhere usiku ihwohwo vakarara vachichema. Gungano rose rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Dai takafira zvedu kunyika yeIjipiti kana kuti tifire zvedu murenje muno! Seiko Mwari achida kuenda nesu kunyika iyoyo kundotiurayisa nehondo? Madzimai edu navana vedu vachatapwa. Hazvingatinakire here kana tikadzokera zvedu kuIjipiti?” Saka vakataurirana vachiti, “Ngatisarudzei mutungamiriri tidzokere kuIjipiti!” Ipapo Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara pamberi pegungano rose ravaIsiraeri. Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, vamwe vavaya vakandosora nyika iya vakabvarura zvipfeko zvavo. Vakataurira mhomho yose yavaIsiraeri vachiti, “Nyika yatakaenda kundosora inyika yakanaka kwazvo kwazvo. Kana Tenzi achida, achatisvitsa ikoko achindotipa nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Asi musapandukire Tenzi. Musatye vanhu venyika iyoyo. Tichavaita kanyama kanyama. Chinovadzivira chakabviswa asi Tenzi anesu. Saka musavatye!” Asi mhomho yose yavaIsiraeri yakada kuvatema namabwe. Pakarepo vaIsiraeri vose vakaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kutendhe rinoera. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo? Ndichavarakatisa nedenda ndigovaita kuti vave vanhu vasingakodzere kuwana nhaka. Ndigokuita iwe rudzi rukuru rune simba guru kupfuura ivo.” Asi Mosesi akateterera Tenzi achiti, “VaIjipiti vachazvinzwa nokuti imi makabvisa vanhu ava nesimba renyu vachibva mukati mavo. Vachazviudza vanhu vomunyika ino vakanzwa kuti imi Tenzi muri pakati pavo, muchinyatsoonekwa uso nouso! Gore renyu rinomira riri pamusoro pavo, muchivatungamirira neshongwe yegore masikati, usiku muchivatungamirira nezirimi romoto. Zvino kana mukauraya vanhu venyu vose ndudzi dzakanga dzanzwa mukurumbira wenyu dzichati, ‘Tenzi akakundikana kusvitsa vanhu ava kunyika yaakanga avatsidzira, saka akavaurayira murenje.’ Zvino ndapota! Chiratidzai ukuru hwesimba renyu sokutsidza kwamakaita muchiti, ‘Imi Tenzi hamukurumidze kushatirwa. Mune mwoyo wakachena. Munoregerera zvitadzo, munoregererawo kukanganisa. Kunyange zvakadaro hamuzorega kuranga vana nezvizukuru pamusana pezvitadzo zvavabereki vavo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina.’ Ndapota regererai waro zvitadzo zvavanhu venyu ava nokuti mune tsitsi dzakawanda. Chiitirai vanhu ava mwoyo murefu sezvamakavaitira kubvira vachiri Ijipiti kusvikira iye zvino.” Tenzi akati, “Ndavaregerera sokukumbira kwako. Asi ndinopika neni pachangu. Ndinopika nembiri yangu izere pasi pose ndichiti, ‘Hakuna nomumwe wavanhu ava achapinda munyika iyoyo. Vakaona mbiri yangu nezvishamiso zvandakaita kuIjipiti nomurenje, asi vakandiedza kagumi kagumi vasinganditeerere. Hakuna nomumwe wavo achapinda munyika yandakapikira madzitateguru avo, kana vose vakandishora havambofa vakakutsika.’ Asi muranda wangu Karebhu ane mwoyo wakasiyana navamwe anonditeerera nomwoyo wose ndiye wandichasvitsa kunyika iyoyo yaakasvika ichava nhaka yezvizukuru zvake. Pamusana pokuti vaAmareki navaKanani vagere mumapani. Mangwana, imi tendeukirai kurenje mutore nzira inoenda kuGungwa Dzvuku.” Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Ko vanhu ava vakaipa vacharamba vachindinyunyutira kusvikira riniko? Kundinyunyutira kwavaIsiraeri ndakunzwa. Chivaudza kuti, Tenzi ati, ‘Ndinopika neni pachangu, zvamataura ndichinzwa ndizvo zvandichakuitirai. Zvitunha zvenyu zvichaita murakatira murenje rino. Vose vamakaverenga vaiva namakore makumi maviri navaiva naaipfuura iwayo, vakandinyunyutira hakuna nomumwe wavo achazopinda munyika yandakakupikirai kuti muzogaramo kusiya Karebhu mwana waJefune naJoshuwa mwana waNuni. Asi vana venyu vamati vachaitwa kanyama kanyama, ndivo vandichasvitsa ikoko. Vachaziva nyika yamakaramba. Asi imi zvitunha zvenyu zvichaita murakatira murenje muno. Vana venyu vachava vafudzi murenje kwamakore makumi mana vachatambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chati rabada murenje muno. Muchaona ndondo kwamakore makumi mana nokuti manditadzira. Handiti makapedza mazuva makumi mana muchisora nyika iyoyo? Saka zuva roga roga richava gore muchirangirwa zvitadzo zvenyu. Kwamakore makumi mana muchanyatsoziva kuti rushambwa rwokufuratirwa neni rwakaita sei. Ini Tenzi, ndinotsidza kuti zvandataura ndizvozvo zvandichaita kwamuri; mhomho yavanhu vakaipa vaunganidzana kuzondipandukira. Imo murenje muno, ndimo mavachaperera. Imo muno ndimo mavachafira.’ ” Naizvozvo varume vakatumwa naMosesi kundosora nyika vakadzoka vakakonzera kuti gungano rose rimunyunyutire nokutaura kwavo zvakaipa nezvenyika iyoyo. Vanhu ivavo vakataura zvakaipa vakafa nedenda panaTenzi. Asi pavarume vaye vakandosora nyika Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhi mwanakomana waJefune vakasara vari vapenyu. Mosesi akataurira vaIsiraeri vose mashoko iwayo vakabva vachema zvikuru. Vakafumomuka vakaenda kumusoro kunyika yamakomo vachiti, “Asi zvatava pano kudai ngatichiendai kunzvimbo yatakapikirwa naTenzi nokuti takatadzira Mwari.” Asi Mosesi ndokuti, “Ko munorambireiko zvataurwa naTenzi? Hazvimbobudirira izvi! Regai kuendako nokuti Tenzi haasi nemi. Muchandokundwa navavengi venyu! Kana vaAmareki navaKanani vouya kuzokurwisai vachakuurayai namapakatwa nokuti makafuratira Tenzi. Tenzi haazovi nemi.” Asi ivo vakangoenda kunyika yokumakomo, kunyange bhokisi rechitenderano raTenzi rakasara mumatendhe naMosesi asinawo kuenda navo. VaAmareki navaKanani vakanga vagere munyika yamakomo vakaburuka vakabva vavakunda ndokuvadzingirira kusvikira kuHorima.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 14

Numeri 14:1-45 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino ungano yose yakachema zvikuru; vanhu vakachema usiku ihwohwo. Vana vaIsiraeri vose vakapopotera Mosesi naAroni, ungano yose ikati kwavari, “Haiwa, dai takafira hedu munyika yeIjipiti! Dai takafira hedu murenje rino! Jehovha akauyireiko nesu munyika ino, tiurawe nomunondo? Vakadzi vedu navana vedu vachatapwa. Hakuzaiva nani kuti tidzokere Ijipiti here?” Vakataurirana, vakati, “Ngatizvitsvakire mukuru, tidzokere Ijipiti.” Ipapo Mosesi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri. NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandosore nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguo dzavo, vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, “Nyika yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika yakanaka kwazvo‐kwazvo. Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi. Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.” Asi ungano yose yakati vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa mutende rokusangana navana vaIsiraeri vose. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira riniko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo? Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba.” Mosesi akati kuna Jehovha, “VaIjipiti vachazvinzwa, nokuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu; vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto. Zvino kana mukauraya vanhu ava vose‐vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti, ‘Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka akavauraya murenje.’ Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti, Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokanganwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina. Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.” Ipapo Jehovha akati, “Ndakanganwira sezvawakumbira. Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha, varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri izwi rangu, zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona, asi muranda wangu Karebhu, nokuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomwoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake. Zvino vaAmareki navaKenani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku.” Zvino Jehovha wakataura naMosesi naAroni, akati, “Ungano iyi yakaipa icharamba ichindinyunyutira kusvikira riniko? Ndakanzwa kunyunyuta kwavana vaIsiraeri, kwavanondinyunyutira nako. Uti kwavari, zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo, noupenyu hwangu, sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.’ Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; imi mose makaverengwa, nokuwanda kwenyu kwose, vose vana makore makumi maviri navanopfuura, vakandinyunyutira, zvirokwazvo, imi hamungapindi munyika yandakupikirai, ndichiti, ndichakugarisaimo, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni. Asi vana venyu vamakati vachatapwa, ndivo vandichapinza; ivo vachaziva nyika yamakaramba imi. Asi kana murimi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje, rino. Vana venyu vachadzungaira savafudzi murenje makore ana makumi mana, vachirohwa nokuda kwokupata kwenyu, kusvikira zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje. Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva ana makumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore ana makumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai. Ini Jehovha, ndakataura izvozvo, ndichaitira saizvozvo ungano iyi yose yakaipa, yakaungana kuzorwa neni; vachaparadzwa murenje rino, vachafirapo.” Zvino varume vakanga vatumwa naMosesi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo, varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJehovha. Asi Joshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakasara vari vapenyu pavarume vaya vakandoshora nyika. Zvino Mosesi wakaudza vana vaIsiraeri mashoko iwaya ose; vanhu vakachema kwazvo; vakafumira mangwanani, vakakwira kumusoro wegomo, vakati, “Tarirai, tiri pano hedu, tichandokwira kwatakarairwa naJehovha, nokuti tatadza.” Mosesi akati, “Munodarikireiko murayiro waJehovha, nokuti muchaona nhamo. Musakwira, nokuti Jehovha haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa navavengi venyu. Nokuti vaAmareki navaKenani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haangavi nemi.” Kunyange zvakadaro vakaidza havo kukwira kumusoro wegomo nokuzvikudza kwavo; asi areka yesungano yaJehovha haina kubva pamisasa, naiye Mosesiwo. Ipapo vaAmareki navaKenani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHoma.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 14

Numeri 14:1-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Gungano rose ravaIsiraeri rakaridza mhere usiku ihwohwo vakarara vachichema. Gungano rose rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Dai takafira zvedu kunyika yeIjipiti kana kuti tifire zvedu murenje muno! Seiko Mwari achida kuenda nesu kunyika iyoyo kundotiurayisa nehondo? Madzimai edu navana vedu vachatapwa. Hazvingatinakire here kana tikadzokera zvedu kuIjipiti?” Saka vakataurirana vachiti, “Ngatisarudzei mutungamiriri tidzokere kuIjipiti!” Ipapo Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara pamberi pegungano rose ravaIsiraeri. Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, vamwe vavaya vakandosora nyika iya vakabvarura zvipfeko zvavo. Vakataurira mhomho yose yavaIsiraeri vachiti, “Nyika yatakaenda kundosora inyika yakanaka kwazvo kwazvo. Kana Tenzi achida, achatisvitsa ikoko achindotipa nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Asi musapandukire Tenzi. Musatye vanhu venyika iyoyo. Tichavaita kanyama kanyama. Chinovadzivira chakabviswa asi Tenzi anesu. Saka musavatye!” Asi mhomho yose yavaIsiraeri yakada kuvatema namabwe. Pakarepo vaIsiraeri vose vakaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kutendhe rinoera. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo? Ndichavarakatisa nedenda ndigovaita kuti vave vanhu vasingakodzere kuwana nhaka. Ndigokuita iwe rudzi rukuru rune simba guru kupfuura ivo.” Asi Mosesi akateterera Tenzi achiti, “VaIjipiti vachazvinzwa nokuti imi makabvisa vanhu ava nesimba renyu vachibva mukati mavo. Vachazviudza vanhu vomunyika ino vakanzwa kuti imi Tenzi muri pakati pavo, muchinyatsoonekwa uso nouso! Gore renyu rinomira riri pamusoro pavo, muchivatungamirira neshongwe yegore masikati, usiku muchivatungamirira nezirimi romoto. Zvino kana mukauraya vanhu venyu vose ndudzi dzakanga dzanzwa mukurumbira wenyu dzichati, ‘Tenzi akakundikana kusvitsa vanhu ava kunyika yaakanga avatsidzira, saka akavaurayira murenje.’ Zvino ndapota! Chiratidzai ukuru hwesimba renyu sokutsidza kwamakaita muchiti, ‘Imi Tenzi hamukurumidze kushatirwa. Mune mwoyo wakachena. Munoregerera zvitadzo, munoregererawo kukanganisa. Kunyange zvakadaro hamuzorega kuranga vana nezvizukuru pamusana pezvitadzo zvavabereki vavo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina.’ Ndapota regererai waro zvitadzo zvavanhu venyu ava nokuti mune tsitsi dzakawanda. Chiitirai vanhu ava mwoyo murefu sezvamakavaitira kubvira vachiri Ijipiti kusvikira iye zvino.” Tenzi akati, “Ndavaregerera sokukumbira kwako. Asi ndinopika neni pachangu. Ndinopika nembiri yangu izere pasi pose ndichiti, ‘Hakuna nomumwe wavanhu ava achapinda munyika iyoyo. Vakaona mbiri yangu nezvishamiso zvandakaita kuIjipiti nomurenje, asi vakandiedza kagumi kagumi vasinganditeerere. Hakuna nomumwe wavo achapinda munyika yandakapikira madzitateguru avo, kana vose vakandishora havambofa vakakutsika.’ Asi muranda wangu Karebhu ane mwoyo wakasiyana navamwe anonditeerera nomwoyo wose ndiye wandichasvitsa kunyika iyoyo yaakasvika ichava nhaka yezvizukuru zvake. Pamusana pokuti vaAmareki navaKanani vagere mumapani. Mangwana, imi tendeukirai kurenje mutore nzira inoenda kuGungwa Dzvuku.” Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Ko vanhu ava vakaipa vacharamba vachindinyunyutira kusvikira riniko? Kundinyunyutira kwavaIsiraeri ndakunzwa. Chivaudza kuti, Tenzi ati, ‘Ndinopika neni pachangu, zvamataura ndichinzwa ndizvo zvandichakuitirai. Zvitunha zvenyu zvichaita murakatira murenje rino. Vose vamakaverenga vaiva namakore makumi maviri navaiva naaipfuura iwayo, vakandinyunyutira hakuna nomumwe wavo achazopinda munyika yandakakupikirai kuti muzogaramo kusiya Karebhu mwana waJefune naJoshuwa mwana waNuni. Asi vana venyu vamati vachaitwa kanyama kanyama, ndivo vandichasvitsa ikoko. Vachaziva nyika yamakaramba. Asi imi zvitunha zvenyu zvichaita murakatira murenje muno. Vana venyu vachava vafudzi murenje kwamakore makumi mana vachatambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chati rabada murenje muno. Muchaona ndondo kwamakore makumi mana nokuti manditadzira. Handiti makapedza mazuva makumi mana muchisora nyika iyoyo? Saka zuva roga roga richava gore muchirangirwa zvitadzo zvenyu. Kwamakore makumi mana muchanyatsoziva kuti rushambwa rwokufuratirwa neni rwakaita sei. Ini Tenzi, ndinotsidza kuti zvandataura ndizvozvo zvandichaita kwamuri; mhomho yavanhu vakaipa vaunganidzana kuzondipandukira. Imo murenje muno, ndimo mavachaperera. Imo muno ndimo mavachafira.’ ” Naizvozvo varume vakatumwa naMosesi kundosora nyika vakadzoka vakakonzera kuti gungano rose rimunyunyutire nokutaura kwavo zvakaipa nezvenyika iyoyo. Vanhu ivavo vakataura zvakaipa vakafa nedenda panaTenzi. Asi pavarume vaye vakandosora nyika Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhi mwanakomana waJefune vakasara vari vapenyu. Mosesi akataurira vaIsiraeri vose mashoko iwayo vakabva vachema zvikuru. Vakafumomuka vakaenda kumusoro kunyika yamakomo vachiti, “Asi zvatava pano kudai ngatichiendai kunzvimbo yatakapikirwa naTenzi nokuti takatadzira Mwari.” Asi Mosesi ndokuti, “Ko munorambireiko zvataurwa naTenzi? Hazvimbobudirira izvi! Regai kuendako nokuti Tenzi haasi nemi. Muchandokundwa navavengi venyu! Kana vaAmareki navaKanani vouya kuzokurwisai vachakuurayai namapakatwa nokuti makafuratira Tenzi. Tenzi haazovi nemi.” Asi ivo vakangoenda kunyika yokumakomo, kunyange bhokisi rechitenderano raTenzi rakasara mumatendhe naMosesi asinawo kuenda navo. VaAmareki navaKanani vakanga vagere munyika yamakomo vakaburuka vakabva vavakunda ndokuvadzingirira kusvikira kuHorima.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 14

Numeri 14:1-45 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋuŋgano yose yakacema ɀikuru; ʋanhu ʋakacema ʋusiku ibgobgo. Ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakapopotera Mosesi naAroni, ʋuŋgano yose ikati kwaʋari: Haiwa, Ƌai takafira heɗu munyika yeEgipita! Ƌai takafira heɗu murenje rino! Jehova wakaʋuyireiko nesu munyika ino, tiʋurawe nomunondo? Ʋakadzi ʋeɗu naʋana ʋeɗu ʋacatapxa. Hakuzaiʋa nani kuti tidzokere Egipita here? Ʋakataurirana, ʋakati: Ŋgatiɀitȿakire mukuru, tidzokere Egipita. Ipapo Mosesi naAroni ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo pamberi peʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri. NaJoshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakaŋga ʋandoshore‐nyika pamŋe cete naʋamŋe, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakati: Nyika yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwaɀo‐kwaɀo. Kana Jehova acifara nesu, ucatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka noʋuci. Asi regai kumukira Jehova, ʋuye musatya ʋanhu ʋenyika iyo, nokuti iʋo ɀokudya ɀeɗu; mumvuri waʋo wabviswa pamsoro paʋo, Jehova unesu, regai kutya. Asi ʋuŋgano yose yakati ʋatakwe namabge. Ipapo kubginya kwaJehova kwakaʋonekwa mutente rokusoŋgana naʋana ʋaIsraeri ʋose. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋanhu aʋa ʋacandiɀidza kuȿikira riniko? Ʋacaramba kunditenda ini kuȿikira riniko, neɀishamiso ɀose ɀandakaita pakati paʋo? Ndicaʋaroʋa neɗenda, nokuʋatorera nhaka yaʋo, ndikuite iwe rudzi runoʋakunda iʋo noʋukuru nesimba. Mosesi akati kunaJehova: ƲaEgipita ʋacaɀinzwa, nokuti makaɓuɗisa ʋanhu aʋa pakati paʋo nesimba renyu; ʋacaʋudza ʋanhu ʋagere munyika ino iɀoɀo; iʋo ʋakanzwa kuti imi Jehova muri pakati paʋanhu aʋa, nokuti imi Jehova munoʋonekwa naʋo pacena, gore renyu rinomira pamsoro paʋo, nemi munoʋatuŋgamirira masikati neshoŋgwe yegore, noʋusiku neshoŋgwe yomŋoto. Ɀino kana mukaʋuraya ʋanhu aʋa ʋose‐ʋose, ndudzi dzaʋanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzicataura, dziciti: Jehova wakaŋga asiŋgagoni kuisa ʋanhu aʋa kunyika yaakaŋga aʋapikira, saka wakaʋaʋuraya murenje. Ɀino ndinokumbira kuti simba raShe waŋgu riʋe guru, seɀamakataura, muciti: Jehova unononoka kutsamŋa, unenyasha huru, unokaŋganwira ɀakaipa nokuɗarika; haaŋgatoŋgopembedzi munhu unemhoȿa; unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna. Ndinokumbira kuti mukaŋganwire henyu ɀakaipa ɀaʋanhu aʋa noʋukuru bgenyasha dzenyu, ʋuye seɀamakakaŋganwira ʋanhu aʋa kubva Egipita kuȿikira ɀino. Ipapo Jehova akati: Ndakaŋganwira seɀawakumbira. Asi ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu, ʋuye nyika yose ɀaicazara nokubginya kwaJehova, ʋarume aʋa ʋose ʋakaʋona kubginya kwaŋgu neɀiratidzo ɀaŋgu, ɀandakaita muEgipita nomurenje, ʋakandiidza ɀino runegumi, ʋasiŋgatereri inzwi raŋgu, ɀirokwaɀo, haʋaŋgaʋoni nyika yandakapikira madziɓaɓa aʋo; hakunomumŋe waʋakandiɀidza ucaiʋona, asi muranda waŋgu Karebi, nokuti wakaŋga anomumŋe mŋeya mukati make, akanditeʋera nomŋoyo wose, ndiye wandicapinza munyika maakambopinda; icaʋa yaʋana ʋake. Ɀino ʋaAmareki naʋaKanani ʋaigara mumupata uyo; maŋgwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku. Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: Ʋuŋgano iyi yakaipa icaramba icindinyunyutira kuȿikira riniko? Ndakanzwa kunyunyuta kwaʋana ʋaIsraeri, kwaʋanondinyunyutira nako. Uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu, seɀamakataura munzeʋe dzaŋgu, ndiɀo ɀandicakuitirai. Ɀitunha ɀenyu ɀicawira murenje rino; imi mose makaʋereŋgwa, nokuwanda kwenyu kwose, ʋose ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋakandinyunyutira, ɀirokwaɀo, imi hamuŋgapindi munyika yandakupikirai, ndiciti, ndicakugarisai’mo, asi Karebi, mŋanakomana waJefune, naJoshua, mŋanakomana waNuni. Asi ʋana ʋenyu ʋamakati ʋacatapxa, ndiʋo ʋandicapinza; iʋo ʋacaziʋa nyika yamakaramba imi. Asi kana muri’mi, ɀitunha ɀenyu ɀicawira murenje rino. Ʋana ʋenyu ʋacadzuŋgaira saʋafudzi murenje makore anamakumi manna, ʋacirobga nokuɗa kwokupata kwenyu, kuȿikira ɀitunha ɀenyu ɀaparadzwa murenje. Samazuʋa amakaŋga mucishora nyika nawo, iwo mazuʋa anamakumi manna, saiɀoɀo mucaʋa nemhoȿa yokutadza kwenyu, zuʋa rimŋe nerimŋe ricaita gore rimŋe, ndiwo makore anamakumi manna, mugoziʋa kuti ndakakufuratirai. Ini Jehova, ndakataura iɀoɀo, ndicaitira saiɀoɀo ʋuŋgano iyi yose yakaipa, yakaʋuŋgana kuzorwa neni; ʋacaparadzwa murenje rino, ʋacafira’po. Ɀino ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naMosesi kundoshora nyika, ʋaya ʋakadzoka ʋonyunyutisa ʋuŋgano yose pamsoro pake, ɀaʋakaʋuya namashoko akaipa pamsoro penyika iyo, ʋarume aʋo ʋakaŋga ʋaʋuya neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, ʋakafa neɗenda pamberi paJehova. Asi Joshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakasara ʋari ʋapenyu paʋarume ʋaya ʋakandoshora nyika. Ɀino Mosesi wakaʋudza ʋana ʋaIsraeri mashoko iwaya ose; ʋanhu ʋakacema kwaɀo, ʋakafumira maŋgwanani, ʋakakwira kumusoro wegomo, ʋakati: Tarirai, tiri pano heɗu, ticandokwira kwatakarairwa naJehova, nokuti tatadza. Mosesi akati: Munoɗarikireiko murairo waJehova, nokuti mucaʋona nhamo. Musakwira, nokuti Jehova haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋenyu. Nokuti ʋaAmareki naʋaKanani ʋari mberi kwenyu ipapo; mucaʋurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakuteʋera Jehova, naiɀoɀo Jehova haaŋgaʋi nemi. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaidza haʋo kukwira kumusoro wegomo nokuɀikudza kwaʋo; asi areka yesuŋgano yaJehova hainakubva pamisasa, naiye Mosesi ʋo. Ipapo ʋaAmareki naʋaKanani ʋakaŋga ʋagere mugomo iro ʋakaɓuruka, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋgirira kuȿikira paHorma.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 14