Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 11:16-35

Numeri 11:16-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Mozisi, uya navakuru vavaIsraeri makumi manomwe vaunoziva savatungamiri namachinda pakati pavanhu. Uite kuti vauye kuTende Rokusangana, kuti vamire newe ipapo. Ini ndichaburuka ndigozotaura newe ipapo, uye ndichatora Mweya uri pamusoro pako ndigoisa Mweya iwoyo pamusoro pavo. Ivo vachakubatsira kutakura mutoro wavanhu kuitira kuti iwe urege kuutakura woga. “Udza vanhu kuti: ‘Zvinatsei mugadzirire zvamangwana, pamuchadya nyama. Jehovha akakunzwai pamakaungudza muchiti, “Dai bedzi taiva nenyama yokudya! Takanga tiri nani muIjipiti!” Zvino Jehovha achakupai nyama, uye muchaidya. Hamungaidyi kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri kana mashanu, gumi kana makumi maviri, asi kwomwedzi wose, kusvikira yabuda nomumhino dzenyu uye mukaisema, nokuti makaramba Jehovha, ari pakati penyu, uye maichema pamberi pake muchiti, “Takambobvireiko kuIjipiti?” ’ ” Asi Mozisi akati, “Hezvi ndiri pakati pavanhu mazana matanhatu ezviuru vanofamba netsoka, zvino imi munoti, ‘Ini ndichavapa nyama kuti vadye kwomwedzi wose!’ Zvichavaringana here kana dai vakaurayirwa makwai nemombe? Zvichavaringana here kana dai vakabatirwa hove dzose dziri mugungwa?” Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Ko, ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Zvino uchaona kuti zvandinoreva zvichaitika here kana kuti kwete.” Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende. Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora Mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa Mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve. Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa. Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.” Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!” Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa Mweya wake pamusoro pavo!” Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa. Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviri kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose. Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumi. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa. Asi nyama ichiri pakati pamazino avo uye isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavanhu, akavarova nehosha yakaipisisa. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hataavha, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya. Vanhu vakabva paKibhuroti Hataavha vakaenda kuHazeroti vakandogara ikoko.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 11

Numeri 11:16-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Unganidza kwandiri varume vana makumi manomwe vavakuru vaIsiraeri, vaunoziva kuti vakuru vavanhu, navatariri vavo, uuye navo patende rokusangana, kuti vamirepo newe. Ipapo ndichaburuka, nditaure newe ipapo; zvino ndichatora pamweya uri pamusoro pako, ndikauisa pamusoro pavo; ivo vachatakura mutoro wavanhu pamwechete newe, kuti urege kuutakura iwe woga. Zvino iwe uti kuvanhu, ‘Zvinatsirei mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha,’ muchiti, ‘Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nokuti takanga tichifara hedu Ijipiti.’ Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye. Hamungadyi zuva rimwe, kana mazuva maviri, kana mazuva mashanu, kana mazuva ane gumi, kana mazuva ana makumi maviri; asi mwedzi wose, kusvikira ichibuda kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehovha ari pakati penyu, mukachema pamberi pake, muchiti, ‘Takabudireiko Ijipiti?’ ” Zvino Mosesi akati, “Vanhu ava, vandiri pakati pavo, vanofamba namakumbo, vanosvika zviuru zvina mazana matanhatu, zvino moti: Ndichavapa nyama, vaidye mwedzi wose! Ko vachabayirwa makwai nemombe, kuti varingane here? Kana vangaunganidzirwa hove dzose dziri mugungwa, kuti varingane here?” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ko ruoko rwaJehovha rwakafupiswa here? Uchaona hako zvino kana shoko rangu richiitika kana risingaitiki.” Ipapo Mosesi akabuda, akandoudza vanhu mashoko aJehovha; akaunganidza vanhu vana makumi manomwe vavakuru vavanhu, akavapotedza Tende. Ipapo Jehovha akaburuka mugore, akataura naye, akatora pamweya wakanga uri pamusoro pake, akauisa pamusoro pavakuru avo vana makumi manomwe; zvino mweya wakati uchigara pamusoro pavo, ivo vakaporofita, asi havana kuzoitazve saizvozvo. Asi varume vaviri vakasara pamisasa, zita romumwe rainzi Eridhadhi, nezita romumwe Medhadhi; mweya ukagara pamusoro pavo, nokuti vakanga vakanyorwa, asi havana kubudira kuTende; vakaporofita pamisasa. Zvino mumwe mukomana akamhanya, akandoudza Mosesi, akati, “Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamisasa.” Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, “Ishe wangu, Mosesi, vadzivisei.” Mosesi akati kwaari, “Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!” Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye navakuru vaIsiraeri. Zvino mhepo yakabva kuna Jehovha, ikauyisa zvihuta, zvaibva kugungwa, ikazvikandira pamisasa kumativi ose, zvikaita rwendo rwezuva rimwe kurutivi rumwe, norwendo rwezuva rimwezve kuno rumwe rutivi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubhiti maviri pamusoro penyika. Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa. Nyama yakanga ichiri pakati pameno avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kukamukira vanhu, Jehovha akarova vanhu nehosha yakaipa kwazvo. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa Kibhuroti‐hatava, nokuti ndipo pavakaviga vanhu vakanga vafa nenhomba yenyama. Vanhu vakasimuka vakabva Kibhuroti‐hatava vakasvika Hazeroti; vakagara paHazeroti.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 11

Numeri 11:16-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati Mosesi, “Ndiunganidzire vanhu varume makumi manomwe vechikuru navatungamiriri vavaIsiraeri. Uya navo kwandiri kutendhe rokusanganira vasvikomira newe. Ndichaburuka ndichauya ndizotaura newe ikoko. Pamweya wandakakupa, ndichatora mumwe waunawo ndichiupa kwavari. Naizvozvo ivo vachazokubatsira kuita basa rokutungamirira vanhu. Ipapo hauzotakuri basa iroro oga. Zvino chiudza vanhu uchiti, ‘Zvichenurei nokuti mangwana muchapiwa nyama yokudya. Tenzi akazvinzwira kunyunyuta kwenyu, muchiti ndiani angatipewo zvedu nyama yokudya muchiti taiva nani zvedu kuIjipiti.’ Zvino Tenzi achakupai nyama kuti mudye. Hamuzoidya kwezuva rimwechete, kana maviri kana mashanu, kana gumi, kunyange makumi maviri. Asi muchadya mwedzi wose, kusvikira yava kubuda nomumhuno dzenyu, yava kukufinhai. Izvozvo zvichaitika nokuti makaramba Tenzi ari pakati penyu. Makamunyunyutira muchiti takabudirei zvedu Ijipiti.” Mosesi ndokuti kuna Tenzi, “Ini ndiri kutungamirira mazana matanhatu ezviuru zvavanhu. Ndovamungati imi mungavape nyama yavanokwana kudya mwedzi wose? Ko mombe nehwai dzakakwana dzinowanika kupi dzingabayiwe kuti vawane nyama yavanokwana? Ko hove dzose dzomugungwa kunyange vakadziunganidzirwa vangakwane here?” Tenzi ndokuti, “Ko kune chii chingatadze kuitwa nesimba rangu? Zvino muchaona kuti zvandataura zvinoitika here kana kuti kwete.” Mosesi akabuda akandoudza vanhu zvaakanga audzwa naTenzi. Akakokorodza vatungamiriri makumi manomwe avarume vechikuru vavaIsiraeri ndokuvamisa vakapoteredza tendhe iroro. Ipapo Tenzi akauya ari mugore akataura naMosesi. Akatora mweya pamweya waiva muna Mosesi akaupa vatungamiriri vaya vaiva makumi manomwe. Mweya iwoyo pawakapinda mavari, vakatangisa kuporofita asi havana kuzoramba vachiporofita. Zvino vamwe varume vaviri vakasara vari kumatendhe, mumwe ainzi Eridhadhi, mumwe achinzi Medhadhi. Mweya waTenzi wakauya pavari. Varume ivava vakanga vachiverengerwa pavakuru vakuru vaya, asi vakanga vasina kuenda kutendhe ikoko. Vakatanga kuporofita vari kumatendhe ikoko. Rimwe jaya rakamhanya kundoudza Mosesi kuti Eridhadhi naMedhadhi vari kuporofita mumatendhe. Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi akati kuna Mosesi, “Changamire dzivisai vanhu avo!” Mosesi akati, “Ko wava kuvaitira shanje nemhaka yangu here? Ini ndinodisa kuti dai vanhu vose vaTenzi vave vaporofita vose zvavo. Dai Tenzi angoisa Mweya wake pavari.” Mosesi navatungamiriri vavaIsiraeri vakazodzokera kumatendhe avo. Tenzi akatumira mhepo yakaunza zvihuta kubva kugungwa. Yakazvisvitsa pamatendhe nenharaunda yepo yose zvokuti uchibva pamatendhe uchienda kumativi ose zvawo kuti undosvika kwazvaiperera zvaitoda rwendo rwomuswere wose wezuva. Zvakanga zvakatsikirirana zvokuita murwi unokwana mita rimwechete kubva pasi. Vanhu vakaswerera vakararira vakaswerera zvakare zuva rechipiri vachituta zvihuta. Hakuna munhu akatuta zvihuta asina kusvitsa chiuru chimwechete chamakirogiramu. Vakasasika zvihuta muruvanze rwamatendhe ose. Asi nyama vachinayo mukanwa isati yapera Tenzi akavavirukira nehasha akavarova nedenda rakaipa. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Makuvaovukukara nokuti pakavigwa vanhu vaikara nyama. Vakatama kuKibhurotihatiaavha vakaenda kuHazeroti, vakambogara kuHazeroti.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 11

Numeri 11:16-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋuŋganidza kwandiri ʋarume ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaIsraeri, ʋaunoziʋa kuti ʋakuru ʋaʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, uʋuye naʋo patente rokusoŋgana, kuti ʋamire’po newe. Ipapo ndicaɓuruka, nditaure newe ipapo; ɀino ndicatora pamŋeya uri pamsoro pako, ndikauisa pamsoro paʋo; iʋo ʋacatakura mutoro waʋanhu pamŋe cete newe, kuti urege kuutakura iwe woga. Ɀino iwe uti kuʋanhu: Ɀinatsirei maŋgwana, nokuti mucadyenyama; nokuti makacema munzeʋe dzaJehova, muciti: Ndianiko ucatipe‐nyama, tidye? Nokuti takaŋga ticifara heɗu Egipita. Naiɀoɀo Jehova ucakupai nyama, mudye. Hamuŋgadyi zuʋa rimŋe, kana mazuʋa maʋiri, kana mazuʋa mashanu, kana mazuʋa anegumi, kana mazuʋa anamakumi maʋiri; asi mŋedzi wose, kuȿikira iciɓuɗa kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehova uri pakati penyu, mukacema pamberi pake, muciti: Takaɓuɗireiko Egipita? Ɀino Mosesi akati: Ʋanhu aʋa, ʋandiri pakati paʋo, ʋanofamba namakumbo, ʋanoȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu, ɀino moti: Ndicaʋape‐nyama, ʋaidye mŋedzi wose! Ko ʋacaɓayirwa makwai neŋombe, kuti ʋariŋgane here? Kana ʋaŋgaʋuŋganidzirwa hoʋe dzose dziri muguŋgwa, kuti ʋariŋgane here? Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ko ruʋoko rwaJehova rwakafupiswa here? Ucaʋona hako ɀino kana shoko raŋgu riciitika kana risiŋgaitiki. Ipapo Mosesi akaɓuɗa, akandoʋudza ʋanhu mashoko aJehova; akaʋuŋganidza ʋanhu ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaʋanhu, akaʋapotedza Tente. Ipapo Jehova akaɓuruka mugore, akataura naye, akatora pamŋeya wakaŋga uri pamsoro pake, akauisa pamsoro paʋakuru aʋo ʋanamakumi manomŋe; ɀino mŋeya wakati ucigara pamsoro paʋo, iʋo ʋakaprofita, asi haʋana‐kuzoita ɀe saiɀoɀo. Asi ʋarume ʋaʋiri ʋakasara pamisasa, zita romumŋe rainzi Erdadi, nezita romumŋe Medadi; mŋeya ukagara pamsoro paʋo, nokuti ʋakaŋga ʋakanyorwa, asi haʋana‐kuɓuɗira kuTente; ʋakaprofita pamisasa. Ɀino mumŋe mukomana wakamhanya, akandoʋudza Mosesi, akati: Erdadi naMedadi ʋanoprofita pamisasa. Ipapo Joshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paʋujaya bgake, akapindura, akati: Ishe waŋgu, Mosesi, ʋadziʋisei. Mosesi akati kwaari: Ko uneshuŋgu nokuɗa kwaŋgu here? Ƌai ʋanhu ʋose ʋaJehova ʋaiʋa ʋaprofita, Jehova akaisa mŋeya wake pamsoro paʋo! Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye naʋakuru ʋaIsraeri. Ɀino mhepo yakabva kunaJehova, ikaʋuyisa ɀihuta, ɀaibva kuguŋgwa, ikaɀikandira pamisasa kumatiʋi ose, ɀikaita rwendo rwezuʋa rimŋe kurutiʋi rumŋe, norwendo rwezuʋa rimŋe ɀe kunorumŋe rutiʋi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubiti maʋiri pamsoro penyika. Ɀino ʋanhu ʋakasimuka zuʋa iro rose, noʋusiku ubgo bgose, neramaŋgwana rose, ʋakaʋuŋganidza ɀihuta. Wakaʋuŋganidza ɀishoma wakaʋuŋganidza mahomeri anegumi, ʋakaɀinika kumatiʋi ose emisasa. Nyama yakaŋga iciri pakati pameno aʋo, isati yatseŋgwa, kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋanhu, Jehova akaroʋa ʋanhu nehosha yakaipa kwaɀo. Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakatumidzwa Kibroti‐hataʋa, nokuti ndipo paʋakaʋiga ʋanhu ʋakaŋga ʋafa nenhomba yenyama. Ʋanhu ʋakasimuka ʋakabva Kibroti‐hataʋa ʋakaȿika Hazeroti; ʋakagara paHazeroti.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 11

Numeri 11:16-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)