Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 11:1-23

Numeri 11:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa. Vanhu vakachema kuna Mosesi, Mosesi akanyengetera kuna Jehovha, moto ukadzimwa. Zita renzvimbo iyo rikanzi Tabhera, nokuti moto waJehovha wakapfutapo pakati pavo. Zvino vatorwa vazhinji, vakanga vari pakati pavo, vakatanga kufa nenhomba yenyama; navana vaIsiraeri vakachemawo, vakati, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye? Tinorangarira hove dzataidya Ijipiti, tisingatengi, namakeke, namanwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki. Asi zvino mweya yedu yaoma, hapana zvokudya chose, hapana chinhu chatinoona, asi mana iyi bedzi.” Mana yakanga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakanga yakaita sebhedharo. Vanhu vaipararira kundoinonga, vakaikuya pamakuyo, kana kuitswa mumaturi, nokuibika muhari, nokuita zvingwa zviduku nayo; kana yodyiwa yakaita sezvingwa zvakabikwa namafuta. Kana dova richiwira pamisasa usiku, mana yakawawo pamwechete naro. Zvino Mosesi akanzwa vanhu vachichema padzimba dzavo dzose, mumwe nomumwe pamukova wetende rake; Jehovha akatsamwa kwazvo; naiye Mosesi akanga asingafari. Mosesi akati kuna Jehovha, “Makaitireiko muranda wenyu zvakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, zvamakanditakudza mutoro wavanhu ava vose? Ko ndini ndakagamuchira vanhu ava vose here? Ko ndini ndakavabereka here, zvamunoti kwandiri, ‘Uvatakure pachipfuva chako, somureri anotakura mwana anomwa, uvaise kunyika yamakapikira madzibaba avo?’ Ndichawanepiko nyama yandingapa vanhu ava vose? Nokuti vanondichemera, vachiti, ‘Tipe nyama, tidye.’ Handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo. Kana muchida kundiitira saizvozvo, chindiurayai henyu kamwe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege hangu kuona urombo hwangu.” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Unganidza kwandiri varume vana makumi manomwe vavakuru vaIsiraeri, vaunoziva kuti vakuru vavanhu, navatariri vavo, uuye navo patende rokusangana, kuti vamirepo newe. Ipapo ndichaburuka, nditaure newe ipapo; zvino ndichatora pamweya uri pamusoro pako, ndikauisa pamusoro pavo; ivo vachatakura mutoro wavanhu pamwechete newe, kuti urege kuutakura iwe woga. Zvino iwe uti kuvanhu, ‘Zvinatsirei mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha,’ muchiti, ‘Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nokuti takanga tichifara hedu Ijipiti.’ Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye. Hamungadyi zuva rimwe, kana mazuva maviri, kana mazuva mashanu, kana mazuva ane gumi, kana mazuva ana makumi maviri; asi mwedzi wose, kusvikira ichibuda kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehovha ari pakati penyu, mukachema pamberi pake, muchiti, ‘Takabudireiko Ijipiti?’ ” Zvino Mosesi akati, “Vanhu ava, vandiri pakati pavo, vanofamba namakumbo, vanosvika zviuru zvina mazana matanhatu, zvino moti: Ndichavapa nyama, vaidye mwedzi wose! Ko vachabayirwa makwai nemombe, kuti varingane here? Kana vangaunganidzirwa hove dzose dziri mugungwa, kuti varingane here?” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ko ruoko rwaJehovha rwakafupiswa here? Uchaona hako zvino kana shoko rangu richiitika kana risingaitiki.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 11

Numeri 11:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa. Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima. Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo. Vatorwa vakanga vari pakati pavo vakatanga kupanga zvimwewo zvokudya, uyezve vaIsraeri vakatanga kuungudza vachiti, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye? Tinorangarira hove dzataidya muIjipiti tisingatengi; magaka, manwiwa, hanyanisi huru, hanyanisi diki nemhiripiri. Asi zvino tafinhwa; hapana chimwe chinhu chatiri kuwana kunze kwemana iyi.” Mana yakanga yakaita semhodzi yekorianda uye ichiratidzika samazambiringa akaoma. Vanhu vaitenderera vachiinhonga, uye, vaizoikuya paguyo kana kuidzvura muduri. Vaiibika muhari kana kuita makeke. Uye yainaka kunge chinhu chakabikwa namafuta omuorivhi. Dova raiti rawira pamusoro pomusasa usiku, mana yaiwawo. Mozisi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachiungudza, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha akatsamwa kwazvo, uye Mozisi akatambudzika. Akabvunza Jehovha akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamuranda wenyu? Chiiko chandakaita chisingakufadzei zvokuti makaisa mutoro wavanhu ava vose pamusoro pangu? Ko, ndini ndakaita kuti vanhu vose ava vaumbwe here? Ko, ndini ndakavabereka here? Seiko muchindiita kuti ndivatakure mumaoko angu, somureri anotakura mwana mucheche kuti ndiende navo kunyika yamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo? Ndingawanepiko nyama yandingapa vanhu vose ava? Vanoramba vachingondichemera vachiti, ‘Tipe nyama yokudya.’ Handingatakuri vanhu ava vose ndoga; mutoro unondiremera kwazvo. Kana muchida kundiitira saizvozvo, ndiurayei henyu iye zvino, kana ndawana hangu nyasha pamberi penyu, uye musandirega ndichiona kuparara kwangu.” Jehovha akati kuna Mozisi, uya navakuru vavaIsraeri makumi manomwe vaunoziva savatungamiri namachinda pakati pavanhu. Uite kuti vauye kuTende Rokusangana, kuti vamire newe ipapo. Ini ndichaburuka ndigozotaura newe ipapo, uye ndichatora Mweya uri pamusoro pako ndigoisa Mweya iwoyo pamusoro pavo. Ivo vachakubatsira kutakura mutoro wavanhu kuitira kuti iwe urege kuutakura woga. “Udza vanhu kuti: ‘Zvinatsei mugadzirire zvamangwana, pamuchadya nyama. Jehovha akakunzwai pamakaungudza muchiti, “Dai bedzi taiva nenyama yokudya! Takanga tiri nani muIjipiti!” Zvino Jehovha achakupai nyama, uye muchaidya. Hamungaidyi kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri kana mashanu, gumi kana makumi maviri, asi kwomwedzi wose, kusvikira yabuda nomumhino dzenyu uye mukaisema, nokuti makaramba Jehovha, ari pakati penyu, uye maichema pamberi pake muchiti, “Takambobvireiko kuIjipiti?” ’ ” Asi Mozisi akati, “Hezvi ndiri pakati pavanhu mazana matanhatu ezviuru vanofamba netsoka, zvino imi munoti, ‘Ini ndichavapa nyama kuti vadye kwomwedzi wose!’ Zvichavaringana here kana dai vakaurayirwa makwai nemombe? Zvichavaringana here kana dai vakabatirwa hove dzose dziri mugungwa?” Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Ko, ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Zvino uchaona kuti zvandinoreva zvichaitika here kana kuti kwete.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 11

Numeri 11:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaIsiraeri vakanyunyuta pamusana penhamo dzavo Tenzi achizvinzwa. Tenzi paakazvinzwa akaviruka nehasha. Akavatumira moto wakaita chibvurebvure uchipisa matendhe avo okumucheto. Vanhu ndokubva vachema kuna Mosesi. Mosesi akanamata kuna Tenzi moto ukadzima. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakanzi Tabhera nokuti moto waTenzi wakanganduma pakati pavo. VaIsiraeri pavaifamba rwendo rwavo vaivao mvongamutititi yavanhu. Vanhu ivavo vaikara nyama zvikuru. VaIsiraeri ndokunyunyutawo vachiti, “Dai tangowanawo zvedu nyama! Tinorangarira hove dzamahara dzataidya kuIjipiti, namagaka namanwiwa namarikisi nehanyanisi negariki. Zvino miviri yedu yarukutika. Hapana chimwe chokudya kana chii zvacho kunze kwemana iyoyi yatangotarisana nayo.” Mana yakanga yakafanana netsanga dzamapfunde, yakaita sepfuta kuchenuruka. Vanhu vaienda muruvanze vachindonongera mana. Vaiikuya, kana kuidzvura, voifashaidza mupoto vozoibika chingwa chainaka sechingwa chakabikwa chakakanywa namafuta. Dova paraidonha usiku muruvanze rwamatendhe mana yaidonhawo pamwechete naro. Mosesi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachinyunyuta vamire mutumapoka pamisuo yematendhe avo. Tenzi akavirukira vanhu zvikuru nehasha. Mosesi akasuwa zvikuru. Mosesi akati, “Nhai Tenzi! Imhaka yeiko makandiitira zvakaipa zvakadai? Seiko musingandinzwire tsitsi? Ko zvamatondipazve basa rokutungamirira vanhu vose ava? Ko ndini ndakavabereka kana kuvasika here zvamunoti ndivarere ndichivatakura mumaoko angu somureri anotakura mwana mucheche ndichienda navo kunyika yamakatsidzira madzibaba avo? Ko nyama yandingape vanhu vose ava ndingaiwane kupiko, zvavari kuchema vachiti tipe nyama tidye? Ini handichagoni kuita basa rokutungamirira vanhu ava ndiri ndoga, zvandiremera. Kana mukaramba muchiti ndidaro, ndinzwireiwo tsitsi mundiuraye zvenyu kuti ndirege kuramba ndakatsunga imi muchindirwadzisa.” Tenzi akati Mosesi, “Ndiunganidzire vanhu varume makumi manomwe vechikuru navatungamiriri vavaIsiraeri. Uya navo kwandiri kutendhe rokusanganira vasvikomira newe. Ndichaburuka ndichauya ndizotaura newe ikoko. Pamweya wandakakupa, ndichatora mumwe waunawo ndichiupa kwavari. Naizvozvo ivo vachazokubatsira kuita basa rokutungamirira vanhu. Ipapo hauzotakuri basa iroro oga. Zvino chiudza vanhu uchiti, ‘Zvichenurei nokuti mangwana muchapiwa nyama yokudya. Tenzi akazvinzwira kunyunyuta kwenyu, muchiti ndiani angatipewo zvedu nyama yokudya muchiti taiva nani zvedu kuIjipiti.’ Zvino Tenzi achakupai nyama kuti mudye. Hamuzoidya kwezuva rimwechete, kana maviri kana mashanu, kana gumi, kunyange makumi maviri. Asi muchadya mwedzi wose, kusvikira yava kubuda nomumhuno dzenyu, yava kukufinhai. Izvozvo zvichaitika nokuti makaramba Tenzi ari pakati penyu. Makamunyunyutira muchiti takabudirei zvedu Ijipiti.” Mosesi ndokuti kuna Tenzi, “Ini ndiri kutungamirira mazana matanhatu ezviuru zvavanhu. Ndovamungati imi mungavape nyama yavanokwana kudya mwedzi wose? Ko mombe nehwai dzakakwana dzinowanika kupi dzingabayiwe kuti vawane nyama yavanokwana? Ko hove dzose dzomugungwa kunyange vakadziunganidzirwa vangakwane here?” Tenzi ndokuti, “Ko kune chii chingatadze kuitwa nesimba rangu? Zvino muchaona kuti zvandataura zvinoitika here kana kuti kwete.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 11

Numeri 11:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋanhu ʋakaita saʋanyunyuti, ʋakataura ɀakaipa munzeʋe dzaJehova; ipapo Jehova wakati aɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, mŋoto waJehova ukapfuta pakati paʋo, ukaparadza kumudziʋo wemisasa. Ʋanhu ʋakacema kunaMosesi, Mosesi akanyeŋgetera kunaJehova, mŋoto ukadzimŋa. Zita renɀimbo iyo rikanzi Tabera, nokuti mŋoto waJehova wakapfuta’po pakati paʋo. Ɀino ʋatorwa ʋazhinji, ʋakaŋga ʋari pakati paʋo, ʋakataŋga kufa nenhomba yenyama; naʋana ʋaIsraeri ʋakacema ʋo, ʋakati: Ndianiko ucatipe‐nyama kuti tidye? Tinoraŋgarira hoʋe dzataidya Egipita, tisiŋgateŋgi, namakake, namaŋwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki. Asi ɀino mŋeya yeɗu yawoma, hapaneɀokudya cose, hapanecinhu catinoʋona, asi mana iyi ɓedzi. Mana yakaŋga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakaŋga yakaita sebedaro. Ʋanhu ʋaipararira kundoinoŋga, ʋakaikuya pamakuyo, kana kuiswa mumaturi, nokuiɓika muhari, nokuita ɀiŋgwa ɀiɗuku nayo; kana yodyiwa yakaita seɀiŋgwa ɀakaɓikwa namafuta. Kana ɗoʋa riciwira pamisasa ʋusiku, mana yakawa ʋo pamŋe cete naro. Ɀino Mosesi wakanzwa ʋanhu ʋacicema padzimba dzaʋo dzose, mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake; Jehova akatsamŋa kwaɀo; naiye Mosesi wakanga asiŋgafari. Mosesi akati kunaJehova: Makaitireiko muranda wenyu ɀakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, ɀamakanditakudza mutoro waʋanhu aʋa ʋose? Ko ndini ndakagamucira ʋanhu aʋa ʋose here? Ko ndini ndakaʋaɓereka here, ɀamunoti kwandiri: Uʋatakure pacifuʋa cako, somureri unotakura mŋana unomŋa, uʋaise kunyika yamakapikira madziɓaɓa aʋo? Ndicawanepiko nyama yandiŋgapa ʋanhu aʋa ʋose? Nokuti ʋanondicemera, ʋaciti: Tipe nyama, tidye. Handigoni kutakura ʋanhu aʋa ʋose ndoga, nokuti ɀinondiremera kwaɀo. Kana muciɗa kundiitira saiɀoɀo, cindiʋurayai henyu kamŋe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege haŋgu kuʋona ʋurombo bgaŋgu. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋuŋganidza kwandiri ʋarume ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaIsraeri, ʋaunoziʋa kuti ʋakuru ʋaʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, uʋuye naʋo patente rokusoŋgana, kuti ʋamire’po newe. Ipapo ndicaɓuruka, nditaure newe ipapo; ɀino ndicatora pamŋeya uri pamsoro pako, ndikauisa pamsoro paʋo; iʋo ʋacatakura mutoro waʋanhu pamŋe cete newe, kuti urege kuutakura iwe woga. Ɀino iwe uti kuʋanhu: Ɀinatsirei maŋgwana, nokuti mucadyenyama; nokuti makacema munzeʋe dzaJehova, muciti: Ndianiko ucatipe‐nyama, tidye? Nokuti takaŋga ticifara heɗu Egipita. Naiɀoɀo Jehova ucakupai nyama, mudye. Hamuŋgadyi zuʋa rimŋe, kana mazuʋa maʋiri, kana mazuʋa mashanu, kana mazuʋa anegumi, kana mazuʋa anamakumi maʋiri; asi mŋedzi wose, kuȿikira iciɓuɗa kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehova uri pakati penyu, mukacema pamberi pake, muciti: Takaɓuɗireiko Egipita? Ɀino Mosesi akati: Ʋanhu aʋa, ʋandiri pakati paʋo, ʋanofamba namakumbo, ʋanoȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu, ɀino moti: Ndicaʋape‐nyama, ʋaidye mŋedzi wose! Ko ʋacaɓayirwa makwai neŋombe, kuti ʋariŋgane here? Kana ʋaŋgaʋuŋganidzirwa hoʋe dzose dziri muguŋgwa, kuti ʋariŋgane here? Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ko ruʋoko rwaJehova rwakafupiswa here? Ucaʋona hako ɀino kana shoko raŋgu riciitika kana risiŋgaitiki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 11

Numeri 11:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)