Nehemia 9:32-37
Nehemia 9:32-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Naizvozvo zvino, imi Mwari wedu, mukuru, ane simba, uye Mwari anotyisa, anochengeta sungano yake yorudo, matambudziko aya ose ngaarege kuva madiki pamberi penyu, matambudziko akauya pamusoro pedu, napamusoro pamadzimambo edu navatungamiri, napamusoro pavaprista vedu navaprofita, pamusoro pamadzibaba edu navanhu vose, kubva pamazuva amadzimambo avaAsiria kusvikira nhasi. Pane zvakaitika kwatiri, imi makanga makarurama; makanga makatendeka, asi isu takaita zvakaipa. Madzimambo edu, vatungamiri vedu, vaprista vedu namadzibaba edu havana kutevera murayiro wenyu; havana kuita hanya nokurayira kwenyu kana yambiro dzamakavapa. Kunyange pavakanga vachibata ushe hwavo, vachifarira kunaka kwenyu kukuru kwavari munyika yamakavapa, munyika yakakura uye ine ivhu rakanaka, havana kukushumirai kana kusiya nzira dzavo dzakaipa. “Asi tarirai, tava nhapwa nhasi, nhapwa munyika yamakapa madzitateguru edu kuti vadye zvibereko zvayo uye nezvimwe zvakanaka zvainobereka. Nokuda kwezvivi zvedu zvibereko zvayo zvizhinji zvava kuenda kumadzimambo amakaisa pamusoro pedu. Vane simba pamusoro pemiviri yedu uye vanoita zvavanoda nemombe dzedu. Tiri pakutambudzika kukuru.

Nehemia 9:32-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo zvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, anotyisa, anochengeta sungano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo edu, namachinda edu, navapristi vedu, navaporofita vedu, namadzibaba edu, navanhu venyu vose kubva pamazuva amadzimambo eAsiria kusvikira nhasi, ngakurege kuita sechinhu chiduku pamberi penyu. Asi imi makaita henyu zvakarurama pazvose zvakatiwira, nokuti makaita nezvokwadi, asi isu takaita zvakashata. Kunyange madzimambo edu, namachinda edu, navapristi vedu, namadzibaba edu, havana kuchengeta murau wenyu, kana kuteerera mirairo yenyu nezvipupuriro zvenyu, zvamakavapupurira nazvo. Nokuti havana kukushumirai paushe hwavo, uye nokuda kwounyoro hwenyu hukuru hwamakavaitira, napanyika huru ine pfuma yamakavapa; havana kurega mabasa avo akaipa. Tarirai, tiri varanda nhasi uye kana iri nyika yamakapa madzibaba edu, kuti vadye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo, tarirai, tiri varanda mairi. Zvibereko zvizhinji inozviberekera madzimambo amakaisa pamusoro pedu, nokuda kwezvivi zvedu; ivo vane simbawo pamiviri yedu, napamombe dzedu, sezvavanoda; tiri pakumanikidzwa kukuru.
Nehemia 9:32-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Saka zvino Mwari wedu, iyemi mukuru Samasimbaose, Mwari anotyisa anochengeta chitenderano, Samwoyochena; musaone sechinhu chiduku nhamo dzakawira isu namadzimambo edu navatungamiri vedu navapristi vedu navaporofita vedu namadzibaba edu navanhu venyu vose kubvira panguva yamadzimambo eAsiria kusvikira pari nhasi. Kunyange zvakadaro zvazvo, makangoramba muri mururami pane zvose zvakadai kutiwira pamusana pokuti imi makaita zviri pachokwadi asi isu takaita zvakaipa. Madzimambo edu navatungamiriri vedu navapristi vedu namadzibaba edu havana kuchengeta mutemo wenyu kana kumboita hanya nomurao wenyu kana yambiro dzamakavayambira nadzo. Kunyange pavainge vari muumambo hwavo havana kukushandirai, vari mune zvakanaka kwazvo zvamaivapa, muzidhandanda renyika yakapfuma yamakatovaisira zvenyu pamberi pavo kupa; asi zvokusiyana nemabasa avo akaipa, havana. Hezvi nhasi uno tiri varanda kudai munyika yamakapa madzibaba edu kuti vanakirwe zvavo nemichero yayo nezvipo zvayo zvakanaka, chionai zvino, tangova varanda. Zvakawanda kwazvo zvainobereka zvinoenda zvazvo kumadzimambo amakatiisira kuti atitonge pamusana pezvitadzo zvedu. Vanotovawo nesimba rokutonga iyesu vanhu pamwechete nezvipfuwo zvedu sepamadiro avo zvavo. Tayaura isu nenhamo.”
Nehemia 9:32-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ɀino, Mŋari weɗu, Mŋari mukuru, unesimba, unotyisa, unoceŋgeta suŋgano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo eɗu, namacinda eɗu, naʋaprista ʋeɗu, naʋaprofita ʋeɗu, namadziɓaɓa eɗu, naʋanhu ʋenyu ʋose kubva pamazuʋa amadzimambo eAsiria kuȿikira nhasi, ŋgakurege kuita secinhu ciɗuku pamberi penyu. Asi imi makaita henyu ɀakarurama paɀose ɀakatiwira, nokuti makaita neɀokwaɗi, asi isu takaita ɀakashata. Kunyaŋge madzimambo eɗu, namacinda eɗu, naʋaprista ʋeɗu, namadziɓaɓa eɗu, haʋana‐kuceŋgeta murau wenyu, kana kuterera mirairo yenyu neɀipupuriro ɀenyu, ɀamakaʋapupurira naɀo. Nokuti haʋana‐kukushumirai paʋushe bgaʋo, ʋuye nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru bgamakaʋaitira, napanyika huru inefuma yamakaʋapa; haʋana‐kurega maɓasa aʋo akaipa. Tarirai, tiri ʋaranda nhasi, ʋuye kana iri nyika yamakapa madziɓaɓa eɗu, kuti ʋadye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo, tarirai, tiri ʋaranda mairi. Ɀiɓereko ɀizhinji inoɀiɓerekera madzimambo amakaisa pamsoro peɗu, nokuɗa kweɀiʋi ɀeɗu; iʋo ʋanesimba ʋo pamiʋiri yeɗu, napaŋombe dzeɗu, seɀaʋanoɗa; tiri pakumanikidzwa kukuru.
Nehemia 9:32-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)