Naiɀoɀo ɀino, Mŋari weɗu, Mŋari mukuru, unesimba, unotyisa, unoceŋgeta suŋgano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo eɗu, namacinda eɗu, naʋaprista ʋeɗu, naʋaprofita ʋeɗu, namadziɓaɓa eɗu, naʋanhu ʋenyu ʋose kubva pamazuʋa amadzimambo eAsiria kuȿikira nhasi, ŋgakurege kuita secinhu ciɗuku pamberi penyu. Asi imi makaita henyu ɀakarurama paɀose ɀakatiwira, nokuti makaita neɀokwaɗi, asi isu takaita ɀakashata. Kunyaŋge madzimambo eɗu, namacinda eɗu, naʋaprista ʋeɗu, namadziɓaɓa eɗu, haʋana‐kuceŋgeta murau wenyu, kana kuterera mirairo yenyu neɀipupuriro ɀenyu, ɀamakaʋapupurira naɀo. Nokuti haʋana‐kukushumirai paʋushe bgaʋo, ʋuye nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru bgamakaʋaitira, napanyika huru inefuma yamakaʋapa; haʋana‐kurega maɓasa aʋo akaipa. Tarirai, tiri ʋaranda nhasi, ʋuye kana iri nyika yamakapa madziɓaɓa eɗu, kuti ʋadye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo, tarirai, tiri ʋaranda mairi. Ɀiɓereko ɀizhinji inoɀiɓerekera madzimambo amakaisa pamsoro peɗu, nokuɗa kweɀiʋi ɀeɗu; iʋo ʋanesimba ʋo pamiʋiri yeɗu, napaŋombe dzeɗu, seɀaʋanoɗa; tiri pakumanikidzwa kukuru.