Nehemia 4:7-23
Nehemia 4:7-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Sanibharati, Tobhia, navaArabhu, navaAmoni navarume veAshidhodhi, vakati vanzwa kuti masvingo eJerusarema ari kugadzirwa, uye kuti makakoromoka maivakwa pakare, vakatsamwa kwazvo. Vakarangana vose pamwe chete kuti vazorwa neJerusarema uye kuti varimutsire mhirizhonga. Asi takanyengetera kuna Mwari wedu tikaisawo varindi masikati nousiku kuti vapedze dambudziko rokutyisidzira uku. Zvichakadaro, vanhu vokwaJudha vakati, “Simba ravabati riri kupera, uye pachine mangwandangwanda akawanda zvokuti hatingakwanisi kuvakazve rusvingo.” Uyezve vavengi vedu vakati, “Vasati vazviziva kana kutiona, tichatenge tavapo pakati pavo uye tichavauraya tigoparadza basa ravo.” Ipapo vaJudha vakanga vagere pedyo navo vakauya vakatitaurira rune gumi vachiti, “Kupi nokupi kwamuchaenda, vachauya kuzotirwisa.” Naizvozvo ndakaisa vamwe vanhu seri kwenzvimbo dzakaderera dzorusvingo napanzvimbo dzakashama, ndichivaisa nemhuri dzavo, vane minondo yavo, namapfumo uye neuta. Mushure mokunge ndatarisisa zvinhu izvi, ndakasimuka ndikati kuvakuru, navabati nokuruzhinji rwavanhu, “Musavatya. Rangarirai Jehovha, iye mukuru, anotyisa, uye murwire hama dzenyu, vanakomana venyu, navanasikana venyu, vakadzi venyu nemisha yenyu.” Vavengi vedu pavakanzwa kuti takanga taziva rangano yavo uye kuti Mwari akanga aikonesa, tose takadzokera kurusvingo, mumwe nomumwe pabasa rake. Kubva pazuva iro, zvichienda mberi hafu yavanhu vangu vakashanda basa, asi imwe hafu vakanga vakapakata mapfumo, nhoo, uta nenhumbi dzokurwa nadzo. Vatariri vakamira mumashure mavanhu vose vokwaJudha, vaivaka rusvingo. Avo vaitakura zvokuvakisa vakaita basa ravo noruoko rumwe uye rumwe ruoko vakabata chombo chokurwisa, uye muvaki mumwe nomumwe akanga akapfeka munondo wake parutivi, uku achishanda. Asi munhu airidza hwamanda aiva neni. Ipapo ndakati kuvakuru, navatariri noruzhinji rwavanhu, “Basa iguru iri uye rapararira, uye isu tanyanya kuparadzana mumwe kubva kuno mumwe takatevedza rusvingo. Pose pamuchanzwa kurira kwehwamanda, muuye tibatane ikoko. Mwari wedu achatirwira.” Saka takafambira mberi nebasa, hafu yavarume yakabata mapfumo, kubva mambakwedza kusvikira nyeredzi dzichibuda. Panguva iyo ndakati kuvanhu, “Murume mumwe nomumwe nomubatsiri wake ngaagare mukati meJerusarema panguva dzousiku, kuitira kuti vatibatsire kushanda savarindi usiku uyezve savashandi masikati.” Zvino ini nehama dzangu kana vanhu vangu kana varindi vaiva neni hatina kubvisa nguo dzedu; mumwe nomumwe aiva nomunondo wake, kunyange paaienda kundonwa mvura.
Nehemia 4:7-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Sanibharati, naTobhia, navaArabhia, navaAmoni, navaAshidhodhi, vakati vachinzwa kuti basa rokugadzira masvingo ropfuurira mberi zvakanaka, kuti pakanga pakoromoka podzivirwa, vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kundorwa neJerusaremu, nokuvakanganisapo. Asi isu takanyengetera kuna Mwari wedu, tikaisa varindi kuvarindira masikati nousiku nemhaka yavo. Ipapo vaJudha vakati, “Simba ravatakuri vemitoro raderera, uye marara aripo mazhinji; saka hatigoni kuvaka rusvingo.” Vadzivisi vedu vakati, “Ngavarege kuziva kana kuona chinhu, kusvikira tava pakati pavo, tikavauraya nokumisa basa.” Zvino vaJudha vakanga vagere navo, vakati vachisvika kwatiri, vachibva kunzvimbo dzose, vakati kwatiri kagumi, “Munofanira kudzokera kwatiri.” Saka ndakaisa vamwe vanhu panzvimbo dzakaderera seri kworusvingo, panzvimbo dzakanga dzakashama, ipapo ndakaisa vanhu nedzimba dzavo, vakabata minondo yavo, namapfumo avo, nouta hwavo. Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, “Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.” Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake. Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhoo, nouta, nenguo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha. Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo; uye vavaki mumwe nomumwe akanga anomunondo wake akasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni. Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: “Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe; papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, uyai ikoko kwatiri; Mwari wedu achatirwira.” Tikabata pabasa saizvozvo; hafu yavo vaibata kubva mangwanani kusvikira nyeredzi dzichibuda. Nenguva iyo ndikati kuvanhu, “Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.” Naizvozvo ini kunyange hama dzangu, kana varanda vangu, kana varindi vainditevera, hakuna nomumwe wedu akabvisa nguo dzake, mumwe nomumwe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.
Nehemia 4:7-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti Sanibharati naTobhiya navaArabhu navaAmoni navokuAshidhodhi vanzwa kuti basa rokugadziridza masvingo eJerusaremu riri kufambira mberi uye kuti makanga mapazika muri kutodzivirwa-dzivirwa, vakaviruka kwazvo nehasha. Vose pamwechete vakaita bangano rokundorwisa Jerusaremu nokumutsa manyongori imomo. Takanamata kuna Mwari wedu tikaisa vagariri siku nesikati vokudzivirira. Asi Judha yakati: “Vabasa vokutakura, simba rava kuita shoma, ukuwo mavhu okukoromoka aye kuungana hewo matutu matutu, kuti tivake rusvingo, tava kutozvitadzirira isu.” Vavengi vedu vaiti, “Ngativasvikirei pasina chavari kuziva vasingatione tingoerekana tava pakati pavo chaipo tigovauraya basa rimire.” Kuzoti kwauya vaJudha vainge vari vavakidzani navo vakatiudza kagumi kagumi vachiti, “Chero kupi nokupi zvako kwamunotendeukira vanotimukira.” Ipapo ndakaisa vanhu vokugaririra kuseri kwerusvingo panzvimbo dzorusvingo dzakanga dzakanyanyisa kuderera vaina mapakatwa avo namapfumo avo nouta hwavo. Ndakati nde-e kutarisa ndikasimuka ndokutaurira vokumba huru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Regai zvenyu kumbovatya. Rangarirai kuti Tenzi, iyeyu mukuru, anotyisa murwire hama dzenyu navana venyu vakomana navasikana navakadzi venyu nemisha yenyu.” Vavengi vedu pavakanzwa kuti bangano racho takange tariziva uye kuti Mwari akanga arikangaidza, takadzokera tose kurusvingo munhu wose pabasa rake. Kubvira musi iwoyo chimwe chikamu chavashandi vokwangu vechirume ndovakange vava vokuita basa rokuvaka chimwewo chikamu chavo vava vokunge vakabipitira mapfumo nenhoo nouta namademautare zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Vatungamiriri vakatsigira vose vemba yokwaJudha vainge vachivaka parusvingo. Vaye vebasa rokutakura zvinhu vainge vakati uku ruoko rumwe ruri pabasa rokuvaka uku rumwe rwakabata chombo chokurwa. Muvaki wose ainge aine bakatwa rake mumuhara muchiuno. Achivaka wokuridza hwamanda aingewo ari parutivi pangu. Ndakataurira vokuimbahuru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Basa iguru iri uye takatarangana kwazvo tiri kure nakure parusvingo pacho apa takati uyu uko uyu uko. Kwamunenge manzwa kuti ndokuri kurira hwamanda imi unganai ikoko kwatinenge tiri. Mwari wedu achatirwira.” Saizvozvo takaita basa chimwe chikamu chavo chaiswera chakabipitira mapfumo kubvira mambakwedza kudzamara nyenyedzi dzabuda. Panguva iyoyo ndakataurirawo vanhu kuti, “Munhu ngaarare mukati meJerusaremu nomushandiwo wake kuitira kuti usiku huve hwokuchengetedza, masikati ave okushanda.” Sokudaro ini nehama dzangu navashandi vangu navarume vokundichengetedza vaya vainditevera hapana akabvisa hanzu dzake munhu wese aigara akabatira muruoko zvombo zvokurwa nazvo.
Nehemia 4:7-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Sanbarati, naTobia, naʋaArabia, naʋaAmoni, naʋaAshdodi, ʋakati ʋacinzwa kuti ɓasa rokugadzira maȿiŋgo ropfuʋurira mberi ɀakanaka, kuti pakaŋga pakoromoka podziʋirwa, ʋakatsamŋa kwaɀo; ʋakaraŋgana ʋose kundorwa neJerusarema, nokuʋakaŋganisa’po. Asi isu takanyeŋgetera kunaMŋari weɗu, tikaisa ʋarindi kuʋarindira masikati noʋusiku nemhaka yaʋo. Ipapo ʋaJuda ʋakati: Simba raʋatakuri ʋemitoro raɗerera, ʋuye marara ari’po mazhinji; saka hatigoni kuʋaka ruȿiŋgo. Ʋadziʋisi ʋeɗu ʋakati: Ŋgaʋarege kuziʋa kana kuʋona cinhu, kuȿikira taʋa pakati paʋo, tikaʋaʋuraya nokumisa ɓasa. Ɀino ʋaJuda ʋakaŋga ʋagere naʋo, ʋakati ʋaciȿika kwatiri, ʋacibva kunɀimbo dzose, ʋakati kwatiri kagumi: Munofanira kudzokera kwatiri. Saka ndakaisa ʋamŋe ʋanhu panɀimbo dzakaɗerera seri kworuȿiŋgo, panɀimbo dzakaŋga dzakashama, ipapo ndakaisa ʋanhu nedzimba dzaʋo, ʋakaɓata minondo yaʋo, namapfumo aʋo, noʋuta bgaʋo. Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuʋakuru nokuʋatariri nokunaʋamŋe ʋanhu: Regai kuʋatya; raŋgarirai Jehova mukuru unotyisa, murwire hama dzenyu, naʋanakomana ʋenyu, naʋakunda ʋenyu, naʋakadzi ʋenyu, nedzimba dzenyu. Ɀino ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋakati ʋanzwa kuti ɀazikanwa nesu, ʋuye kuti Mŋari wakakonesa kuraŋgana kwaʋo, isu tikadzokera tose kuruȿiŋgo, mumŋe nomumŋe kuɓasa rake. Ɀino kubva paŋguʋa iyo hafu yaʋaranda ʋaŋgu ʋakaɓata paɓasa, asi hafu yaʋo ʋakaɓata mapfumo, nenhoʋo, noʋuta, neŋguʋo dzamatare; ʋuye ʋarairi ʋakaŋga ʋari shure kwaʋose ʋeimba yaJuda. Ʋaiʋaka ruȿiŋgo, naʋaitakura mitoro, ʋaitutira; mumŋe nomumŋe wakaɓata noruʋoko rwake rumŋe paɓasa, asi norumŋe wakaŋga akaɓata nhumbi yake yokurwa nayo; ʋuye ʋaʋaki mumŋe nomumŋe wakaŋga anomunondo wake wakasuŋgirwa paciʋuno cake; ʋakaʋaka saiɀoɀo. Muridzi wehwamanda wakamira neni. Ndikati kuʋakuru nokuʋaɓati nokunaʋamŋe ʋanhu: Muɓato mukuru wakapararira, isu takataraŋgana pamsoro poruȿiŋgo, mumŋe ari kure nomumŋe; papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, ʋuyai ikoko kwatiri; Mŋari weɗu ucatirwira. Tikaɓata paɓasa saiɀoɀo; hafu yaʋo ʋaiɓata minondo kubva maŋgwanani kuȿikira nyeredzi dziciɓuɗa. Neŋguʋa iyo ndikati kuʋanhu: Mumŋe nomumŋe anomuranda wake ŋgaaʋate muJerusarema, kuti ʋatirinde ʋusiku, ʋaɓate masikati. Naiɀoɀo ini, kunyaŋge hama dzaŋgu, kana ʋaranda ʋaŋgu, kana ʋarindi ʋainditeʋera, hakuna‐nomumŋe weɗu wakabvisa ŋguʋo dzake, mumŋe nomumŋe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.
Nehemia 4:7-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)