Nehemia 4
4
Ʋaʋeŋgi ʋanoidza kuʋadziʋisa, asi ʋaJuda ʋanotsuŋgirira pakuʋaka Jerusarema.
1Asi Sanbarati wakati acinzwa kuti toʋaka ruȿiŋgo, akatsamŋa, akaʋa neshuŋgu kwaɀo, akaseka ʋaJuda. 2Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati: ƲaJuda aʋa ʋasinesimba ʋanoɓateiko? Ʋacaɀisimbisa panhare here? Ʋacaɓayira here? Ʋacapedza nezuʋa rimŋe here? Ʋacararamisa mabge pamaturunhuru, ɀaatȿa here? 3Tobia muAmoni wakaŋga amire naye, akati: Cinhu cipi necipi caʋanoʋaka haʋo, kana gaʋa rikakwira’po, ricakoromora ruȿiŋgo rwaʋo rwamabge. 4Inzwai henyu, Mŋari weɗu, nokuti tinoninipiswa; dzoserai kushoʋora kwaʋo pamisoro yaʋo, muʋarege ʋapambge panyika yaʋatapxa. 5Regai kufukidza ɀakaipa ɀaʋo, neɀiʋi ɀaʋo ŋgaɀirege kudzimŋa pamberi penyu; nokuti ʋakakutsamŋisai pamberi paʋaʋaki. 6Naiɀoɀo takaʋaka ruȿiŋgo; ruȿiŋgo rwose rukaɓatanidzwa kuȿikira pahafu yokukwirira kwarwo; nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋaciɗa kuɓata.
7Asi Sanbarati, naTobia, naʋaArabia, naʋaAmoni, naʋaAshdodi, ʋakati ʋacinzwa kuti ɓasa rokugadzira maȿiŋgo ropfuʋurira mberi ɀakanaka, kuti pakaŋga pakoromoka podziʋirwa, ʋakatsamŋa kwaɀo; 8ʋakaraŋgana ʋose kundorwa neJerusarema, nokuʋakaŋganisa’po. 9Asi isu takanyeŋgetera kunaMŋari weɗu, tikaisa ʋarindi kuʋarindira masikati noʋusiku nemhaka yaʋo. 10Ipapo ʋaJuda ʋakati: Simba raʋatakuri ʋemitoro raɗerera, ʋuye marara ari’po mazhinji; saka hatigoni kuʋaka ruȿiŋgo. 11Ʋadziʋisi ʋeɗu ʋakati: Ŋgaʋarege kuziʋa kana kuʋona cinhu, kuȿikira taʋa pakati paʋo, tikaʋaʋuraya nokumisa ɓasa. 12Ɀino ʋaJuda ʋakaŋga ʋagere naʋo, ʋakati ʋaciȿika kwatiri, ʋacibva kunɀimbo dzose, ʋakati kwatiri kagumi: Munofanira kudzokera kwatiri. 13Saka ndakaisa ʋamŋe ʋanhu panɀimbo dzakaɗerera seri kworuȿiŋgo, panɀimbo dzakaŋga dzakashama, ipapo ndakaisa ʋanhu nedzimba dzaʋo, ʋakaɓata minondo yaʋo, namapfumo aʋo, noʋuta bgaʋo. 14Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuʋakuru nokuʋatariri nokunaʋamŋe ʋanhu: Regai kuʋatya; raŋgarirai Jehova mukuru unotyisa, murwire hama dzenyu, naʋanakomana ʋenyu, naʋakunda ʋenyu, naʋakadzi ʋenyu, nedzimba dzenyu. 15Ɀino ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋakati ʋanzwa kuti ɀazikanwa nesu, ʋuye kuti Mŋari wakakonesa kuraŋgana kwaʋo, isu tikadzokera tose kuruȿiŋgo, mumŋe nomumŋe kuɓasa rake. 16Ɀino kubva paŋguʋa iyo hafu yaʋaranda ʋaŋgu ʋakaɓata paɓasa, asi hafu yaʋo ʋakaɓata mapfumo, nenhoʋo, noʋuta, neŋguʋo dzamatare; ʋuye ʋarairi ʋakaŋga ʋari shure kwaʋose ʋeimba yaJuda. 17Ʋaiʋaka ruȿiŋgo, naʋaitakura mitoro, ʋaitutira; mumŋe nomumŋe wakaɓata noruʋoko rwake rumŋe paɓasa, asi norumŋe wakaŋga akaɓata nhumbi yake yokurwa nayo; 18ʋuye ʋaʋaki mumŋe nomumŋe wakaŋga anomunondo wake wakasuŋgirwa paciʋuno cake; ʋakaʋaka saiɀoɀo. Muridzi wehwamanda wakamira neni. 19Ndikati kuʋakuru nokuʋaɓati nokunaʋamŋe ʋanhu: Muɓato mukuru wakapararira, isu takataraŋgana pamsoro poruȿiŋgo, mumŋe ari kure nomumŋe; 20papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, ʋuyai ikoko kwatiri; Mŋari weɗu ucatirwira. 21Tikaɓata paɓasa saiɀoɀo; hafu yaʋo ʋaiɓata minondo kubva maŋgwanani kuȿikira nyeredzi dziciɓuɗa. 22Neŋguʋa iyo ndikati kuʋanhu: Mumŋe nomumŋe anomuranda wake ŋgaaʋate muJerusarema, kuti ʋatirinde ʋusiku, ʋaɓate masikati. 23Naiɀoɀo ini, kunyaŋge hama dzaŋgu, kana ʋaranda ʋaŋgu, kana ʋarindi ʋainditeʋera, hakuna‐nomumŋe weɗu wakabvisa ŋguʋo dzake, mumŋe nomumŋe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemia 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018