Nehemia 13:10-31
Nehemia 13:10-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaonawo kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo, uye kuti vaRevhi vose navaimbi vaiva nebasa rokushumira vakanga vadzokera kuminda yavo. Saka ndakatsiura vabati ndikavabvunza ndikati, “Imba yaMwari yashayirwa hanya neiko?” Ipapo ndakavaunganidza pamwe chete ndikavadzosera kunzvimbo dzavo. VaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, newaini itsva namafuta vakazviisa mumatura. Ndakaisa Sheremia muprista, Zadhoki munyori, nomuRevhi ainzi Pedhaya kuti vave vatariri vamatura uye ndikaita kuti Hanania, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania, ave mubatsiri wavo, nokuti varume ava vakaonekwa kuti vaiva vakavimbika. Vaiva nebasa rokugovera hama dzavo migove yavo. Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo nokuda kwaizvozvi, uye musadzima zvandakaita nokutendeka kuimba yaMwari wangu, neshumiro yayo. Mumazuva iwayo ndakaona varume muJudha vachitsika zvisviniro zvewaini nomusi weSabata vachiuya nezviyo vachizvikwidza pambongoro, pamwe chete newaini, mazambiringa, maonde namarudzi ose emitoro. Vaiuya nezvinhu zvose izvi muJerusarema nomusi weSabata. Naizvozvo ndakavayambira kuti vasatengesa zvokudya pazuva iroro. Varume vaibva kuTire vaigara muJerusarema vaiuya nehove nemhando dzose dzezvokutengesa vachizvitengesa muJerusarema kuvanhu veJudha nomusi weSabata. Ndakatsiura vakuru veJudha ndikati kwavari, “Chiiko ichi chinhu chakaipa chamunoita muchizvidza zuva reSabata? Ko, madzitateguru enyu haana kuita zvimwe chetezvo here, zvokuti Mwari wedu akazouyisa dambudziko iri pamusoro pedu napamusoro peguta rino? Zvino muri kumutsa hasha dzakawanda pamusoro paIsraeri nokuzvidza Sabata.” Zvino mimvuri yezuva rovira yakati yafukidza masuo eJerusarema, Sabata risati rasvika, ndakarayira kuti mikova ipfigwe uye kuti isazarurwa kusvikira Sabata rapfuura. Ndakaisa vamwe vavaranda vangu pamasuo kuti kurege kuva nomutoro ungauyiswa mukati nomusi weSabata. Naizvozvo kamwe chete kana kaviri, vashambadziri navatengesi vemhando dzose vakarara usiku hwose kunze kweJerusarema. Asi ndakavayambira ndikati, “Seiko muchirara usiku hwose parusvingo? Kana mukazviitazve, ndichakusungai.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi havana kuzouyazve nomusi weSabata. Ipapo ndakarayira vaRevhi kuti vazvinatse uye kuti vaende kundorinda masuo kuitira kuti zuva reSabata richengetwe riri dzvene. Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo pachinhu ichi, Mwari wangu, mugoratidza tsitsi kwandiri maererano norudo rwenyu rukuru. Pamusoro pezvo, mumazuva iwayo, ndakaona varume vokwaJudha vakanga vawana vakadzi vaibva kuAshidhodhi, neAmoni neMoabhu. Hafu yavana vavo vaitaura mutauro wechiAshidhodhi kana mutauro mumwewo wavamwe vanhu, uye vakanga vasingazivi mutauro wechiJudha. Ndakavatsiura ndikavatuka. Ndakarova vamwe varume uye ndikadzura bvudzi ravo. Ndakaita kuti vapike nezita raMwari uye ndikati kwavari, “Hamufaniri kupa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo, kana kuzvitorera imi. Ko, Soromoni mambo weIsraeri haana kutadza here nokuda kwavakadzi vakadai? Pakati pendudzi zhinji hapana kumbova namambo akaita saye. Aidikanwa naMwari wake, uye Mwari akamuita mambo pamusoro pavaIsraeri vose, asi kunyange zvakadaro akapinzwa muchivi navakadzi vatorwa. Ko, isu zvino tingazvinzwawo here kuti nemiwo zvakare muri kuita zvinhu zvakaipa kudai uye kuti hamuna kutendeka kuna Mwari wedu, muchiwana vakadzi vatorwa?” Mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi muprista mukuru akanga ari mukuwasha waSanibharati muHoroni. Zvino ndakamudzingira kure neni. Haiwa Mwari wangu, varangarirei nokuti vakasvibisa basa rouprista uye nesungano youprista neyavaRevhi. Saka ndakanatsa vaprista navaRevhi pazvinhu zvose zvavatorwa, ndikavapa madzoro avo, mumwe nomumwe pabasa rake. Ndakapawo zvipo zvehuni panguva dzakatarwa nezvezvibereko zvokutanga.
Nehemia 13:10-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikaona kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo; naizvozvo vaRevhi navaimbi, vaibata basa, vakanga vatizira mumwe nomumwe kumunda wake. Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, “Imba yaMwari yasiyirweiko?” Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo. Ipapo vaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, vakazviisa muzvivigiro. Ndikaisa pazvivigiro vachengeti vepfuma, Sheremia mupristi, naZadhoki munyori, navavaRevhi, Pedhaya; vachibatsirwa naHanani, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania; nokuti vakanga vachinzi vakatendeka; basa ravo rakanga riri rokupa hama dzavo mugove wavo. Chindirangarirai henyu, Mwari wangu, pamusoro paizvozvo; regai henyu kupikisa mabasa angu akanaka andakaitira imba yaMwari wangu nezvaifanira kuitwa mairi. Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika madzambiringa pazvisviniro neSabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namadzambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva reSabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya. Pakanga pagerewo varume veTire, vaiuya nehove, nezvimwe zvinotengeswa zvamarudzi ose; vakazvitengesa kuvanhu vaJudha napaJerusaremu pazuva reSabata. Ipapo ndikaita nharo navakuru vavaJudha, ndikati kwavari, “Chinhu ichi chakaipa chamunoita ndecheiko, zvamunozvidza zuva reSabata? Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza Sabata.” Zvino pamasuo eJerusaremu pakati posviba, Sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira Sabata rapfuura; ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva reSabata. Naizvozvo vashambadziri navatengesi vezvinhu zvamarudzi ose vakavata kunze kweJerusaremu kamwe kana kaviri. Ipapo ndakavanyevera ndikati kwavari, “Munovatireiko pamberi porusvingo? Kana mukadarozve ndichakubatai.” Zvino kubva panguva iyo havana kuzouyazve neSabata. Ndikaraira vaRevhi kuti vazvinatse, vauye kuzorinda masuo, vatsaure zuva reSabata. Ndirangarirei henyu nokuda kwechinhu ichiwo, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru. Namazuva iwayo ndakaonawo vamwe vaJudha vakanga vawana vakadzi veAshidhodhi, naAmoni, naMoabhu; vana vavo vaitaura zvimwe nechiAshidhodhi, vasingagoni kutaura rurimi rwavaJudha, asi rurimi rwamarudzi iwayo. Ndikaita nharo navo, ndikavatuka, ndikarova vamwe vavo, ndikataura vhudzi ravo, ndikavapikisa naMwari, ndichiti, “Hamufaniri kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutorera vanakomana venyu vakunda vavo, kunyange nemiwo. Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyange zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikanwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo wavaIsiraeri vose; kunyange zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa. Ko zvino tingakuteererai kuti muite chinhu ichi chakaipa chikuru, mutadzire Mwari wedu muchiwana vakadzi vatorwa here?” Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupristi mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri. Muvarangarirei henyu, Mwari wangu, nokuti vakasvibisa upristi nesungano youpristi neyavaRevhi. Ndikavanatsa saizvozvo ndikabvisa zvose zvavatorwa, ndikaraira madzoro avapristi navaRevhi, mumwe nomumwe pabasa rake; napabasa rezvipo zvehuni panguva dzakatarwa, nerezvitsva. Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.
Nehemia 13:10-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Chimwewo chandakaona ndechokuti, vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo zvokuti vaRevhi navaimbi vanoita basa vakanga vatotizira kuminda yavo. Nokudaro ndakapopotera vakuru vakuru ndichivabvunza kuti, “Ko imba yaMwari yavakushairwa hanya kudai seiko?” Ndokubva ndaunganidza vaRevhi ndikavaisa panzvimbo dzavo. Vose vokwaJudha vakaunza zvegumi zvavo zvembesanwa nezvewaini nezvemafuta erorivhi maichengeterwa zvinhu. Ndakasarudza vanhu vandakapa basa rousahomwe ava vanoti: mupristi Sheremiya naZadhoki nyanzvi yomutemo naPedhaya muRevhi. Mutevedzeri wavo aiva Hanani mwanakomana waZakuri mwanakomana wokwaMataniya nokuti vaizivikanwa kuti vanhu vakatendeka. Basa ravo raiva rokugovera zvinhu kuhama dzavo. Mwari wangu ndiyeukeiwo pane zvizvi murege kupfudza zvandakaita zvakanaka zvandakaitira imba yaMwari wangu nebasa rake. Pamazuva iwayo ndakaona vamwe varume vokwaJudha vachisvina zvavo waini muchisviniro nomusi weSabata vachitounza zvavo mirwi yembesanwa vachidzitakudza pamadhongi avo, vaitakurawo waini namagirepisi namakuyu nemimwewo mitoro yakasiyana–siyana yavaiuya nayo muJerusaremu musi weSabata. Ndakavatsiura nezvezuva ravaitengesa zvokudya. Vamwe vanhu vokuTire vaigara muguta umu vaiuyawo nehove nezvimwewo zvinhu vachizvitengesa nemusi weSabata kuvanhu vokwaJudha muJerusaremu. Ndakapopotera vokumbahuru vokwaJudha ndikavati, “Zviiko zvamuri kuita, zvakaipa zvakadai zvinon'oresa Sabata? Handizvo here zvakaitwa namadzibaba enyu izvozvi? Mwari wedu haana kuunza here zvose zvakaipa izvi patiri nokuguta rino, asi imi ndopamava kutopinza Isiraeri mumhosva huru nokun'oresa Sabata.” Kwakati kwava kuda kusvipa, pamisuo mikuru yeJerusaremu, Sabata ravakusvika ndakatiwo misuo inofanira kuzarirwa; ndikati haifaniri kuzarurwa kusvikira Sabata rapera. Ndakapa vamwe vashandi vangu basa rokuchengetedza pamisuo mikuru kuitira kuti pasave nezvinhu zvinotakurwa zvichipindwa nazvo pamusi weSabata. Vemhindu dzokutengesa zvinhu navatengi vakatomborara kunze kweJerusaremu kamwechete kana kaviri kose. Ndakavayambira ndichiti, “Chamunorarira muberere memasvingo chii? Mukapamhidzazve ndinokutumirai vokukubatai.” Kubvira ipapo havana kuzouyazve nomusi weSabata. Ndakaudza vaRevhi kuti vanofanira kuzvichenura vogouya vochengetedza pamisuo mikuru kuitira kuti Sabata riereswe. Mwari wangu mundiyeukewo pamusana penyaya iyi mundiitirewo mwoyochena wenyu. Ndakaonawo pamazuva iwayo, vaJudha vakanga varoora vakadzi vokuAshidhodhi, nokwaAmoni nokuMoabhu. Chimwe chikamu chavana vavo chaitaura mutauro wokuAshidhodhi kana mumwewo mutauro wamamwe marudzi, asivasingakwanisi kutaura chiJudha. Ndakavatsiura ndikavarengerera rushambwa ndikarova vamwe varume pakati pavo, ndikavadzura vhudzi. Ndakaita kuti vapike mhiko muzita raMwari yokuti, “Hamufaniri kuroodza vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kuzviroorera imi pachenyu Soromoni haana kutadza here pamusana pevakadzi vakadai? Kunyange pakati pamarudzi akawanda kwakanga kusina mambo akaita saiye uye aidiwa kwazvo naMwari wake. Mwari akamuita mambo weIsiraeri yose, asi vakadzi vechirudzi vakamuita kuti kunyange iyeyu atadze. Tinzwe here zvakare kuti, imiwo mavakuita zvinhu zvakaipa zvikadai! Hamuchatendeki kuna Mwari wedu nokuroora kwamava kuita vakadzi vechirudzika imi?” Mumwe wavana vaJoyadha mwanakomana waEriyashibhu mupristi mukuru akanga achitova zvake mukuwasha waSanibharati muHoroni. Naizvozvo ndakamudzinga pandiri. Varangarirei, Mwari wangu pamusana pokuti vakan'oresa upristi nechitenderano choupristi nechavaRevhi. Naizvozvo ndakavachenesa kuzvinhu zvose zvisiri zvechiJudha ndikatema mabasa avapristi navaRevhi kuti mumwe nomumwe ave nebasa rake. Ndakaronga zvokuuiswa kwehuni dzomupiro panguva dzakatarwa uye nezvemichero yokutanga. Ndiyeukeiwo Mwari wangu mundizivewo.

Nehemia 13:10-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Nehemia 13:10-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikaʋona kuti ʋaRevi ʋakaŋga ʋasina‐kupiwa migoʋe yaʋo; naiɀoɀo ʋaRevi naʋaimbi, ʋaiɓate‐ɓasa, ʋakaŋga ʋatizira mumŋe nomumŋe kumunda wake. Ipapo ndakaita nharo naʋatariri, ndikati: Imba yaMŋari yasiyirweiko? Ndikaʋakokera, ndikaʋadzosera ɀe panɀimbo yaʋo. Ipapo ʋaJuda ʋose ʋakaʋuya neɀegumi ɀeɀiyo, neɀewaini, neɀamafuta, ʋakaɀiisa muɀiʋigiro. Ndikaisa paɀiʋigiro ʋaceŋgeti ʋefuma, Sheremia muprista, naZadoki munyori, naʋaʋaRevi, Pedaya; ʋaciɓatsirwa naHanani mŋanakomana waZakuri, mŋanakomana waMatania; nokuti ʋakaŋga ʋacinzi ʋakatendeka; ɓasa raʋo rakaŋga riri rokupa hama dzaʋo mugoʋe waʋo. Cindiraŋgarirai henyu, Mŋari waŋgu, pamsoro paiɀoɀo; regai henyu kupisika maɓasa aŋgu akanaka andakaitira imba yaMŋari waŋgu neɀaifanira kuitwa mairi. Ɀino pamazuʋa iwayo ndakaʋona paJuda ʋamŋe ʋakaŋga ʋacitsika mazambiriŋga paɀiȿiniro nesaɓata, naʋakaŋga ʋacitora ɀisote ʋaciɀitakudza mboŋgoro; ʋuye waini, namazambiriŋga, namaʋonde, nemitoro yamarudzi ose, ɀaʋakaŋga ʋaciʋuya naɀo paJerusarema nezuʋa resaɓata; ndikaʋanyeʋera pazuʋa raʋakateŋgesa ɀokudya. Pakaŋga pagere ʋo ʋarume ʋeTire, ʋaiʋuya nehoʋe, neɀimŋe ɀinoteŋgeswa ɀamarudzi ose; ʋakaɀiteŋgesa kuʋanhu ʋaJuda napaJerusarema pazuʋa resaɓata. Ipapo ndikaita nharo naʋakuru ʋaʋaJuda, ndikati kwaʋari: Cinhu ici cakaipa camunoita ndeceiko, ɀamunoɀidza zuʋa resaɓata? Ko madziɓaɓa enyu haana‐kuita saiɀoɀo, Mŋari weɗu akaʋuyisa ɀakaipa iɀi ɀose pamsoro peɗu napamsoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamŋa kwaMŋari pamsoro paIsraeri, ɀamunoɀidza saɓata. Ɀino pamasuʋo eJerusarema pakati poȿiɓa, saɓata risati raȿika, ndakaraira kuti mikoʋa ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwa ɀe kuȿikira saɓata rapfuʋura; ndikaisa ʋamŋe ʋaranda ʋaŋgu pamasuʋo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuʋa resaɓata. Naiɀoɀo ʋashambadziri naʋateŋgesi ʋeɀinhu ɀamarudzi ose ʋakaʋata kunze kweJerusarema kamŋe kana kaʋiri. Ipapo ndakaʋanyeʋera ndikati kwaʋari, Munoʋatireiko pamberi poruȿiŋgo? Kana mukaɗaro ɀe ndicakuɓatai. Ɀino kubva paŋguʋa iyo haʋana‐kuzoʋuya ɀe nesaɓata. Ndikaraira ʋaRevi kuti ʋaɀinatse, ʋaʋuye kuzorinda masuʋo, ʋatsaure zuʋa resaɓata. Ndiraŋgarirei henyu nokuɗa kwecinhu ici ʋo, Mŋari waŋgu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru. Namazuʋa iwayo ndakaʋona ʋo ʋamŋe ʋaJuda ʋakaŋga ʋawana ʋakadzi ʋeAshdodi, naAmoni, naMoabi; ʋana ʋaʋo ʋaitaura ɀimŋe neciAshdodi, ʋasiŋgagoni kutaura rurimi rwaʋaJuda, asi rurimi rwamarudzi iwayo. Ndikaita nharo naʋo, ndikaʋatuka, ndikaroʋa ʋamŋe ʋaʋo, ndikataʋura vudzi raʋo, ndikaʋapikisa naMŋari, ndiciti: Hamufaniri kupa ʋanakomana ʋaʋo ʋakunda ʋenyu, kana kutorera ʋanakomana ʋenyu ʋakunda ʋaʋo, kunyaŋge nemi ʋo. Ko Soromoni mambo waIsraeri haana‐kutadza paɀinhu iɀi here? Kunyaŋge ɀakaɗaro pakati pendudzi zhinji pakaŋga pasinamambo wakafanana naye, naye wakaŋga akaɗikanwa naMŋari wake, Mŋari akamuita mambo waʋaIsraeri ʋose; kunyaŋge ɀakaɗaro naiye wakatadziswa naʋakadzi ʋatorwa. Ko ɀino tiŋgakutererai kuti muite cinhu ici cakaipa cikuru, mutadzire Mŋari weɗu muciwana ʋakadzi ʋatorwa here? Ɀino mumŋe waʋanakomana ʋaJoyada mŋanakomana waEriashibi muprista mukuru, wakaŋga ari mukwambo waSanbarati muHoroni; saka ndakamudziŋga abve kwandiri. Muʋaraŋgarirei henyu, Mŋari waŋgu, nokuti ʋakaȿiɓisa ʋuprista nesuŋgano yoʋuprista neyaʋaRevi. Ndikaʋanatsa saiɀoɀo ndikabvisa ɀose ɀaʋatorwa, ndikaraira madzoro aʋaprista naʋaRevi, mumŋe nomumŋe paɓasa rake; napaɓasa reɀipo ɀehuni paŋguʋa dzakatarwa, nereɀitȿa. Ndiraŋgarirei henyu, Mŋari waŋgu, mundiitire ɀakanaka.