Ndikaʋona kuti ʋaRevi ʋakaŋga ʋasina‐kupiwa migoʋe yaʋo; naiɀoɀo ʋaRevi naʋaimbi, ʋaiɓate‐ɓasa, ʋakaŋga ʋatizira mumŋe nomumŋe kumunda wake. Ipapo ndakaita nharo naʋatariri, ndikati: Imba yaMŋari yasiyirweiko? Ndikaʋakokera, ndikaʋadzosera ɀe panɀimbo yaʋo. Ipapo ʋaJuda ʋose ʋakaʋuya neɀegumi ɀeɀiyo, neɀewaini, neɀamafuta, ʋakaɀiisa muɀiʋigiro. Ndikaisa paɀiʋigiro ʋaceŋgeti ʋefuma, Sheremia muprista, naZadoki munyori, naʋaʋaRevi, Pedaya; ʋaciɓatsirwa naHanani mŋanakomana waZakuri, mŋanakomana waMatania; nokuti ʋakaŋga ʋacinzi ʋakatendeka; ɓasa raʋo rakaŋga riri rokupa hama dzaʋo mugoʋe waʋo. Cindiraŋgarirai henyu, Mŋari waŋgu, pamsoro paiɀoɀo; regai henyu kupisika maɓasa aŋgu akanaka andakaitira imba yaMŋari waŋgu neɀaifanira kuitwa mairi.
Ɀino pamazuʋa iwayo ndakaʋona paJuda ʋamŋe ʋakaŋga ʋacitsika mazambiriŋga paɀiȿiniro nesaɓata, naʋakaŋga ʋacitora ɀisote ʋaciɀitakudza mboŋgoro; ʋuye waini, namazambiriŋga, namaʋonde, nemitoro yamarudzi ose, ɀaʋakaŋga ʋaciʋuya naɀo paJerusarema nezuʋa resaɓata; ndikaʋanyeʋera pazuʋa raʋakateŋgesa ɀokudya. Pakaŋga pagere ʋo ʋarume ʋeTire, ʋaiʋuya nehoʋe, neɀimŋe ɀinoteŋgeswa ɀamarudzi ose; ʋakaɀiteŋgesa kuʋanhu ʋaJuda napaJerusarema pazuʋa resaɓata. Ipapo ndikaita nharo naʋakuru ʋaʋaJuda, ndikati kwaʋari: Cinhu ici cakaipa camunoita ndeceiko, ɀamunoɀidza zuʋa resaɓata? Ko madziɓaɓa enyu haana‐kuita saiɀoɀo, Mŋari weɗu akaʋuyisa ɀakaipa iɀi ɀose pamsoro peɗu napamsoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamŋa kwaMŋari pamsoro paIsraeri, ɀamunoɀidza saɓata. Ɀino pamasuʋo eJerusarema pakati poȿiɓa, saɓata risati raȿika, ndakaraira kuti mikoʋa ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwa ɀe kuȿikira saɓata rapfuʋura; ndikaisa ʋamŋe ʋaranda ʋaŋgu pamasuʋo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuʋa resaɓata. Naiɀoɀo ʋashambadziri naʋateŋgesi ʋeɀinhu ɀamarudzi ose ʋakaʋata kunze kweJerusarema kamŋe kana kaʋiri. Ipapo ndakaʋanyeʋera ndikati kwaʋari, Munoʋatireiko pamberi poruȿiŋgo? Kana mukaɗaro ɀe ndicakuɓatai. Ɀino kubva paŋguʋa iyo haʋana‐kuzoʋuya ɀe nesaɓata. Ndikaraira ʋaRevi kuti ʋaɀinatse, ʋaʋuye kuzorinda masuʋo, ʋatsaure zuʋa resaɓata. Ndiraŋgarirei henyu nokuɗa kwecinhu ici ʋo, Mŋari waŋgu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru.
Namazuʋa iwayo ndakaʋona ʋo ʋamŋe ʋaJuda ʋakaŋga ʋawana ʋakadzi ʋeAshdodi, naAmoni, naMoabi; ʋana ʋaʋo ʋaitaura ɀimŋe neciAshdodi, ʋasiŋgagoni kutaura rurimi rwaʋaJuda, asi rurimi rwamarudzi iwayo. Ndikaita nharo naʋo, ndikaʋatuka, ndikaroʋa ʋamŋe ʋaʋo, ndikataʋura vudzi raʋo, ndikaʋapikisa naMŋari, ndiciti: Hamufaniri kupa ʋanakomana ʋaʋo ʋakunda ʋenyu, kana kutorera ʋanakomana ʋenyu ʋakunda ʋaʋo, kunyaŋge nemi ʋo. Ko Soromoni mambo waIsraeri haana‐kutadza paɀinhu iɀi here? Kunyaŋge ɀakaɗaro pakati pendudzi zhinji pakaŋga pasinamambo wakafanana naye, naye wakaŋga akaɗikanwa naMŋari wake, Mŋari akamuita mambo waʋaIsraeri ʋose; kunyaŋge ɀakaɗaro naiye wakatadziswa naʋakadzi ʋatorwa. Ko ɀino tiŋgakutererai kuti muite cinhu ici cakaipa cikuru, mutadzire Mŋari weɗu muciwana ʋakadzi ʋatorwa here? Ɀino mumŋe waʋanakomana ʋaJoyada mŋanakomana waEriashibi muprista mukuru, wakaŋga ari mukwambo waSanbarati muHoroni; saka ndakamudziŋga abve kwandiri. Muʋaraŋgarirei henyu, Mŋari waŋgu, nokuti ʋakaȿiɓisa ʋuprista nesuŋgano yoʋuprista neyaʋaRevi. Ndikaʋanatsa saiɀoɀo ndikabvisa ɀose ɀaʋatorwa, ndikaraira madzoro aʋaprista naʋaRevi, mumŋe nomumŋe paɓasa rake; napaɓasa reɀipo ɀehuni paŋguʋa dzakatarwa, nereɀitȿa. Ndiraŋgarirei henyu, Mŋari waŋgu, mundiitire ɀakanaka.