Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 9:35-50

Mako 9:35-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.” Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.” Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.” Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu mushure maizvozvo, nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake. “Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make. Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, uko “ ‘kusingafi honye dzavo uye moto wacho usingadzimwi.’ Munhu wose acharungwa nomoto. “Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 9

Mako 9:35-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo akagara pasi, akadana vane gumi navaviri, akati kwavari, “Kana munhu achida kuva wokutanga, achazova weshure kuna vose nomuranda wavose.” Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akamupfumbatira mumaoko, akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, anondigamuchireni; ani naani anondigamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uya akandituma.” Johani akati kwaari, “Mudzidzisi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.” Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba nezita rangu, angakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu. Nokuti asingapesani nesu, anesu. Nokuti ani naani anokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haana kurasikirwa nomubayiro wake. “Ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, akandirwe mugungwa. Kana ruoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, una maoko maviri. [ Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.] Kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [ Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.] Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri. Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto. “Nokuti mumwe nomumwe acharungwa nomoto. “Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 9

Mako 9:35-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo akagara pasi, akaɗana ʋanegumi naʋaʋiri, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋa wokutaŋga, ucazoʋa weshure kunaʋose nomuranda waʋose. Akatora mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo; akamufuŋgatira mumaʋoko, akati kwaʋari: Aninani unogamucira mumŋe waʋaɗuku ʋakaɗai nezita raŋgu, unondigamucireni; aninani unondigamucira ini, haandigamuciri ini, asi uyo wakandituma. Johane akati kwaari: Mudzidzisi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haana‐kutiteʋera. Jesu akati: Musamudziʋisa, nokuti hakunomunhu uŋgaita ɓasa resimba nezita raŋgu, uŋgakurumidza kutaura ɀakaipa pamsoro paŋgu. Nokuti usiŋgapesani nesu, unesu. Nokuti aninani unokunwisai mukombe wemvura muzita raŋgu, nemhaka yokuti muri ʋaKristu, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haanakurashikirwa nomuɓairo wake. Aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, akandirwe muguŋgwa. Kana ruʋoko rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, pakuenda muGehena, mumŋoto usiŋgadzimŋi, unamakumbo maʋiri. [ Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.] Kana rutsoka rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu ucikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [ Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.] Kana ziso rako ricikugumbusa, urirashe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋushe bgokuɗeŋga uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena, unameso maʋiri. Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto. Nokuti mumŋe nomumŋe ucaruŋgwa nomŋoto. Munyu wakanaka; asi kana munyu usicaʋaʋi, muŋgauruŋga neiko? Iʋai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 9