Ipapo akagara pasi, akaɗana ʋanegumi naʋaʋiri, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋa wokutaŋga, ucazoʋa weshure kunaʋose nomuranda waʋose. Akatora mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo; akamufuŋgatira mumaʋoko, akati kwaʋari: Aninani unogamucira mumŋe waʋaɗuku ʋakaɗai nezita raŋgu, unondigamucireni; aninani unondigamucira ini, haandigamuciri ini, asi uyo wakandituma.
Johane akati kwaari: Mudzidzisi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haana‐kutiteʋera. Jesu akati: Musamudziʋisa, nokuti hakunomunhu uŋgaita ɓasa resimba nezita raŋgu, uŋgakurumidza kutaura ɀakaipa pamsoro paŋgu. Nokuti usiŋgapesani nesu, unesu. Nokuti aninani unokunwisai mukombe wemvura muzita raŋgu, nemhaka yokuti muri ʋaKristu, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haanakurashikirwa nomuɓairo wake. Aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, akandirwe muguŋgwa. Kana ruʋoko rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, pakuenda muGehena, mumŋoto usiŋgadzimŋi, unamakumbo maʋiri. [ Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.] Kana rutsoka rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu ucikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [ Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.] Kana ziso rako ricikugumbusa, urirashe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋushe bgokuɗeŋga uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena, unameso maʋiri. Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto. Nokuti mumŋe nomumŋe ucaruŋgwa nomŋoto. Munyu wakanaka; asi kana munyu usicaʋaʋi, muŋgauruŋga neiko? Iʋai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.