Mako 9:2-7
Mako 9:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno. Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu. Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru. Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!”
Mako 9:2-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani, akaenda navo mugomo refu kurutivi vari voga; akasanduka pamberi pavo. Nguo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakuna musuki pano panyika, angagona kudzichenesa kudaro. Ipapo Eria naMosesi vakaonekwa navo, vachitaurirana naJesu. Petirosi akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.” Nokuti akanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru. Zvino gore rikauya rikavafukidza, izwi rikabuda mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, mumunzwei!”
Mako 9:2-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Pita naJemusi naJohani ndokuvatungamirira mugomo refu vari pachavo voga. Akasanduka pamberi pavo. Hanzu dzake dzakapenya dzikachena kuti mbu–u chaizvo zvokuti hapana musuki pasi pano angagone kudzichenesa kudaro. Ipapo vakabva vaona Eriya naMosesi vachitaurirana naJesu. Zvino Pita akabva ataurawo kuna Jesu achiti, “I–i, mudzidzisi, zvakanaka sei kuti tive pano! Ngatichivakai matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.” Akanga asingazivi zvaaitaura nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru kwazvo. Gore rakavafukidza, izwi rikabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo, munzwei.”
Mako 9:2-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane, akaenda naʋo kurutiʋi mugomo refu ʋari ʋoga; akashanduka pamberi paʋo. Ŋguʋo dzake dzikapenya, dzikacena ɀikuru; hakunomusuki pano panyika, uŋgagona kudzicenesa dzikaɗaro. Ipapo Eria naMosesi ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naJesu. Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi caanotaura, nokuti ʋakatya ɀikuru. Ɀino gore rikaʋuya rikaʋafukidza, inzwi rikaɓuɗa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, mumunzwei!
Mako 9:2-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)