Mako 9:2-13
Mako 9:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno. Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu. Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru. Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!” Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu. Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kubva kuvakafa. Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei. Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?” Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”
Mako 9:2-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani, akaenda navo mugomo refu kurutivi vari voga; akasanduka pamberi pavo. Nguo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakuna musuki pano panyika, angagona kudzichenesa kudaro. Ipapo Eria naMosesi vakaonekwa navo, vachitaurirana naJesu. Petirosi akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.” Nokuti akanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru. Zvino gore rikauya rikavafukidza, izwi rikabuda mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, mumunzwei!” Kamwe, vakati vachiringaringa, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi anavo. Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavarayira kuti, varege kuudza munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa. Vakarichengeta shoko iro, vachiita nyaya pakati pavo, kuti, “Kumuka kwavakafa chinyiko?” Vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko vachiti, ‘Eria anofanira kutanga kuuya?’ ” Akati kwavari, “Eria achatanga kuuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti achatambudzika zvikuru nokuzvidzwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria akatosvika, vakamuitira zvose pavakanga vachida napo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”
Mako 9:2-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Pita naJemusi naJohani ndokuvatungamirira mugomo refu vari pachavo voga. Akasanduka pamberi pavo. Hanzu dzake dzakapenya dzikachena kuti mbu–u chaizvo zvokuti hapana musuki pasi pano angagone kudzichenesa kudaro. Ipapo vakabva vaona Eriya naMosesi vachitaurirana naJesu. Zvino Pita akabva ataurawo kuna Jesu achiti, “I–i, mudzidzisi, zvakanaka sei kuti tive pano! Ngatichivakai matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.” Akanga asingazivi zvaaitaura nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru kwazvo. Gore rakavafukidza, izwi rikabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo, munzwei.” Pakarepo vakazoti ringe–ringei, wanei hapachisina wavachamboona kunze kwaJesu chete aiva navo. Pavakanga vachiburuka mugomo akavatsindidza kuti vasataurire munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvafi. Vakachengetedza zvinhu izvi mumwoyo mavo, vakachizvibvunza kuti, “Kumuka kuvafi kunorevei.” Vakazomubvunza vachiti, “Ko, pamusana pei nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Eriya anofanira kutanga kuuya?’ ” Akati kwavari, “Hongu zvazvo Eriya achafanouya achizodzorera zvinhu pakare asi sei zvakanyorwa nezvoMwanakomana womunhu kuti anofanira kutambudzika zvikuru nokushorwa?” Asi zvandinokutaurirai ndezvokuti, “Eriya akauya, vakaita zvavaida naye sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake.”
Mako 9:2-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane, akaenda naʋo kurutiʋi mugomo refu ʋari ʋoga; akashanduka pamberi paʋo. Ŋguʋo dzake dzikapenya, dzikacena ɀikuru; hakunomusuki pano panyika, uŋgagona kudzicenesa dzikaɗaro. Ipapo Eria naMosesi ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naJesu. Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi caanotaura, nokuti ʋakatya ɀikuru. Ɀino gore rikaʋuya rikaʋafukidza, inzwi rikaɓuɗa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, mumunzwei! Kamŋe, ʋakati ʋaciriŋgariŋga, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi anaʋo. Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, akaʋaraira kuti ʋarege kuʋudza munhu ɀaʋakaŋga ʋaʋona kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa. Ʋakariceŋgeta shoko iro, ʋaciita nyaya pakati paʋo, kuti kumuka kwaʋakafa cinyiko? Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya? Akati kwaʋari: Eria ucataŋga kuʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose, asi kwakagonyorwa seiko ɀoMŋanakomana womunhu, kuti ucatambudzika ɀikuru nokuɀidzwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatoȿika, ʋakamuitira ɀose paʋakaŋga ʋaciɗa napo, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake.
Mako 9:2-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)