Mako 8:34-37
Mako 8:34-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa. Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
Mako 8:34-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweVhangeri, achahuponesa. “Nokuti munhu achagobatsirweiko, kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? Nokuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
Mako 8:34-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akazodaidza chita chavanhu pamwechete navadzidzi vake akati kwavari, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka achahuponesa. Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvose zvapasi pose asi iye achirasikirwa noupenyu hwake? Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake?
Mako 8:34-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake, anditeʋere. Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi aninani unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu nokweEvaŋgeri, ucabguponesa. Nokuti munhu ucagoɓatsirweiko, kana awana nyika yose, akarashikirwa noʋupenyu bgake? Nokuti munhu ucaripeiko kuti adzikinure ʋupenyu bgake?
Mako 8:34-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)