Mako 8:13-16
Mako 8:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akavasiya, akadzokera mugwa akayambukira kuno rumwe rutivi. Vadzidzi vakanga vakanganwa kuuya nechingwa, kunze kwechimwe chete chavakanga vanacho mugwa. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai. Ngwarirai mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi.” Vakataurirana vachiti, “Imhaka yokuti hatina chingwa.”
Mako 8:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akavasiya, akapindazve muigwa, akayambukira mhiri. Vakanga vakanganwa kutora zvingwa muigwa; vakanga vasina zvingwa muigwa, asi chimwe bedzi. Zvino akavarayira, akati, “Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarisi nembiriso yaHerodhi.” Vakarangana vakati, “Anodaro nokuti hatine zvingwa.”
Mako 8:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akabva avasiya, ndokukwirazve mugwa oyambukira mhiri. Zvino vakanga vakanganwa kutakura chingwa, kunze kwechimwechete chavakanga vanacho mugwa. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei neyaHerodhi.” Vakakurukurirana pachavo vachiti, “Hatina chingwa.”
Mako 8:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akaʋasiya, akapinda ɀe mugwa, akayambukira mhiri. Ʋakaŋga ʋakaŋganwa kutora ɀiŋgwa; ʋakaŋga ʋasineɀiŋgwa, asi cimŋe ɓedzi. Ɀino akaʋaraira, akati: Cenjerai, mutye mbiriso yaʋaFarise nembiriso yaHerode. Ʋakaraŋgana ʋakati: Unoɗaro nokuti hatineɀiŋgwa.
Mako 8:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)