Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 8:11-30

Mako 8:11-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

VaFarisi vakasvika ndokutanga kubvunza Jesu. Kuti vamuedze, vakamukumbira chiratidzo chaibva kudenga. Akagomera zvikuru akati, “Seiko rudzi urwu ruchikumbira chiratidzo? Ndinokuudzai chokwadi, hakuna chiratidzo chichapiwa kwarwuri.” Ipapo akavasiya, akadzokera mugwa akayambukira kuno rumwe rutivi. Vadzidzi vakanga vakanganwa kuuya nechingwa, kunze kwechimwe chete chavakanga vanacho mugwa. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai. Ngwarirai mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi.” Vakataurirana vachiti, “Imhaka yokuti hatina chingwa.” Achiziva zvavaitaurirana, Jesu akavabvunza akati, “Seiko muchitaura pamusoro pokuti hamuna chingwa? Heya, muchigere kuona kana kunzwisisa nhai? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu nhai? Heya, mune meso asi hamuoni, uye mune nzeve asi hamugoni kunzwa nhai? Uye hamurangariri here? Pandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu zvingwa zvishanu, makazadza matengu mangani ezvimedu zvakasara?” Vakati, “Gumi namaviri.” “Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?” Vakapindura vakati, “Manomwe.” Akati kwavari, “Hamunzwisisi nazvino here?” Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomurume akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate. Akabata murume akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?” Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.” Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka. Jesu akamuendesa kumba achiti, “Usapinda mumusha.” Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?” Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi; vamwe vanoti Eria; vamwezve vanoti mumwe wavaprofita.” Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.” Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 8

Mako 8:11-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuedza. Akagomera zvikuru mumweya make, akati “Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.” Ipapo akavasiya, akapindazve muigwa, akayambukira mhiri. Vakanga vakanganwa kutora zvingwa muigwa; vakanga vasina zvingwa muigwa, asi chimwe bedzi. Zvino akavarayira, akati, “Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarisi nembiriso yaHerodhi.” Vakarangana vakati, “Anodaro nokuti hatine zvingwa.” Zvino Jesu akati achizviziva, akati kwavari, “Munorangana nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu here? Zvamuna meso, hamuoni here? Zvamune nzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here? Musi wandakamedurira vane zviuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.” “Nomusi wandakamedurira vane zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu?” Vakati, “Manomwe.” Akati kwavari, “Ko hamunzwisisi nazvino here?” Zvino vakasvika Bhetisaidha; vakauya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate. Akabata ruoko rwebofu, akariisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pamaziso aro, akaisa maoko pamusoro pake, akamubvunza achiti, “Unoona chinhu here?” Iye akatarira, akati, “Ndinoona vanhu, ndinovaona vachifamba vakafanana nemiti.” Zvino akaisazve maoko pamusoro pamaziso aro, iye akatarisisa, akaporeswa, akaona zvose zvakanaka. Akamuendesa kumba kwake akati, “Usatongopinda mumusha.” Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari, “Vanhu vanoti ndini aniko?” Vakapindura vachiti kwaari, “Vamwe vanoti, ‘Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria, vamwezve mumwe wavaporofita.’ ” Zvino akavabvunza, akati, “Ko imi munoti ndini ani?” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Ndimi Kristu.” Akavarayira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvo nezvake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 8

Mako 8:11-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino vaFarisei vakauya kwaari, vakatanga kuitirana nharo naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, kuri kumuedza. Akashungurudzika mumwoyo make akati, “Chizvarwa ichi chinotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna chiratidzo chichapiwa kuchizvarwa ichi.’ ” Akabva avasiya, ndokukwirazve mugwa oyambukira mhiri. Zvino vakanga vakanganwa kutakura chingwa, kunze kwechimwechete chavakanga vanacho mugwa. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei neyaHerodhi.” Vakakurukurirana pachavo vachiti, “Hatina chingwa.” Jesu akazviziva akavati, “Nemhaka yei muchitaurirana kuti hamuna chingwa? Hamusati maziva kana kunzwisisa here, mwoyo yenyu mikukutu kanhi? Mune meso, asi hamuoni nhai? Mune nzeve asi hamunzwe nhai? Hamuyeuke here zviya zvandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu, zvingwa zvishanu; makaunganidza matengu mangani azere ezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.” “Ko paya pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makaunganidza nhengwana dzizere ngani dzezvimedu?” Vakati kwaari, “Nomwe.” Iye ndokuti kwavari, “Hamusati mavakunzwisisa nanhasi here?” Vakazosvika kuBhetisaidha, vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari bofu. Vakakumbira Jesu kuti amubate. Akamubata ruoko oenda naye kunze kwomusha. Akapfira mate pamaziso ake, akaisa maoko ake paari ndokumubvunza kuti, “Pane chaunoona here?” Akatarisa akati, “Ndiri kuona vanhu asi vanotarisika semiti iri kufamba.” Akaisazve maoko ake pamaziso pake, iye ndokuramba akangoti ndee kutarisisa, ndokubva aporeswa. Akabva avakuona zvakanaka zvinhu zvose. Jesu akamuendesa kumba kwake achiti, “Usamboenda zvako nomumusha umu.” Jesu akaenda navadzidzi vake kumisha yokuSezariafiripi. Vachiri munzira, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti ndini ani?” Vakamupindura vachiti, “Johani Muombeki, vamwewo vanoti, ndiEriya, vamwewo vachiti, mumwe wavaporofita.” Akazovabvunza achiti, “Ko imi, munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Imi ndimi Kristu chaiye.” Jesu akatsindidza kuti vasambozviudza ani naani zvake nezvake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 8

Mako 8:11-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakataŋga kuita nyaya naye, ʋacitȿaka kwaari ciratidzo cinobva kuɗeŋga, ʋacimuidza. Akagomera ɀikuru pamŋeya wake, akati: Rudzi urwu runotȿakireiko ciratidzo? Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgapiwi ciratidzo. Ipapo akaʋasiya, akapinda ɀe mugwa, akayambukira mhiri. Ʋakaŋga ʋakaŋganwa kutora ɀiŋgwa; ʋakaŋga ʋasineɀiŋgwa, asi cimŋe ɓedzi. Ɀino akaʋaraira, akati: Cenjerai, mutye mbiriso yaʋaFarise nembiriso yaHerode. Ʋakaraŋgana ʋakati: Unoɗaro nokuti hatineɀiŋgwa. Ɀino Jesu wakati aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Munoraŋgana nemhaka yeiko kuti hamuneɀiŋgwa? Hamuziʋi, nokunzwisisa here? Mŋoyo yenyu iciri mikukutu here? Ɀamunameso, hamuʋoni here? Ɀamunenzeʋe, hamunzwi here? Hamuraŋgariri here? Musi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀishanu ɀiŋgwa ɀishanu, makanoŋga mateŋgu maŋganiko azere neɀimeɗu? Ʋakati kwaari: Gumi namaʋiri. Nomusi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀinna ɀiŋgwa ɀinomŋe, makanoŋga mateŋgu maŋganiko akazadzwa neɀimeɗu? Ʋakati: Manomŋe. Akati kwaʋari: Ko hamunzwisisi naɀino here? Ɀino ʋakaȿika Betsaida; ʋakaʋuya neɓofu, ʋakakumbira ɀikuru kwaari, kuti amunyaŋgate. Akaɓata ruʋoko rweɓofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate mumeso ake, akaisa maʋoko pamsoro pake, akamubvunza aciti: Unoʋona cinhu here? Iye akatarira, akati: Ndinoʋona ʋanhu, ndinoʋaʋona ʋacifamba ʋakafanana nemiti. Ɀino akaisa ɀe maʋoko pamsoro pameso ake, iye akatarisisa, akaporeswa, akaʋona ɀose ɀakanaka. Akamuendisa kumba kwake akati: Usatoŋgopinda mumusha. Ɀino Jesu naʋadzidzi ʋake ʋakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza ʋadzidzi ʋake akati kwaʋari: Ʋanhu ʋanoti ndini aniko? Ʋakapindura ʋaciti kwaari: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe, Eria, ʋamŋe ɀe, mumŋe waʋaprofita. Ɀino akaʋabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu. Akaʋaraira ɀikuru kuti ʋarege kuziʋisa munhu iɀoɀo ɀake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 8

Mako 8:11-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)