Mako 8:1-10
Mako 8:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaunganazve. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati, “Ndine urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya. Kana ndikavaendesa vane nzara kumisha yavo, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.” Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.” Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo. Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu. Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu. Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa, akapinda mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta.
Mako 8:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Namazuva iwayozve kwakanga kunavazhinji zhinji, vakanga vasina zvavangadya, akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. Kana ndikavaendesa kumusha kwavo vane nzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.” Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaari, “Munhu angawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?” Akavabvunza, akati, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.” Zvino akarayira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji. Uye vakanga vane hove duku shomanene; zvino akatenda, Mwari akati zviiswewo pamberi pavo. Vakadya, vakaguta, ndokuunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe. Vanenge vaiva zviuru zvina; akavaendesa. Pakarepo akapinda muigwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDharimanuta.
Mako 8:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Namazuva iwayo gungano guru ravanhu parakaungana zvakare, uye vakanga vasisina chokudya akadaidza vadzidzi vake akati kwavari, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya, zvino havachisina chokudya. Kana ndikavaendesa kumisha yavo vaine nzara vachaziya panzira nokuti vamwe vavo vabva kure.” Vadzidzi vake vakamupindura vachiti, “Pane angawane zvingwa mugwenga muno here zvingagutse vanhu ava?” Akavabvunza kuti, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Zvinomwe.” Zvino akati vanhu ngava gare pasi. Akatora zvingwa zvinomwe zviya akatenda, ndokuzvimedura ozvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Ivo ndokuzvipa kuvanhu. Uye vakanga vane tuhove tushoma. Akatukomborera akati, “Kunyange itwotwu tupihwe vanhu.” Vanhu vakadya vakaguta, vakazonhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza nhengwana nomwe. Pakanga paine zviuru zvinenge zvina zvavanhu. Akazoonekana navanhu, pakarepo ndokubva akwira mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta.
Mako 8:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mako 8:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Namazuʋa iwayo ɀe kwakaŋga kunaʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋasinaɀaʋaŋgadya, akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: ndinetsitsi naʋanhu ʋazhinji, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya. Kana ndikaʋaendisa kumusha kwaʋo ʋanenzara, ʋacaziya panzira; ʋamŋe ʋaʋo ʋanobva kure. Ʋadzidzi ʋake ʋakapindura, ʋakati kwaari: Munhu uŋgawanepiko murenje muno, ɀiŋgwa ɀiŋgagutisa ʋanhu aʋa? Akaʋabvunza, akati: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe. Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi, akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaise pamberi paʋo; ʋakaɀiisa pamberi paʋazhinji. Ʋuye ʋakaŋga ʋanehoʋe ɗuku shomanene; ɀino akadziropafadza, akati ɀiiswe ʋo pamberi paʋo. Ʋakadya, ʋakaguta, ndokuʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe. Ʋaneŋge ʋaiʋa ɀuru ɀinna; akaʋaendisa. Pakarepo akapinda mugwa naʋadzidzi ʋake, akaȿika kumatiʋi enyika yeDarmanuta.