Mako 7:1-23
Mako 7:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaFarisi navamwe vavadzidzisi vomurayiro vakanga vauya kuJerusarema vakaungana pana Jesu vakaona vamwe vavadzidzi vake vachidya zvokudya namaoko akanga ane “tsvina,” ndiko kuti, asina kushambwa. VaFarisi navaJudha vose havadyi kunze kwokunge vamboshamba maoko avo, vachichengeta tsika dzavakuru. Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika zhinji, dzakadai sokushambidza mikombe, matende, nemidziyo yokuvirisa mvura. Saka vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakabvunza Jesu vakati, “Seiko vadzidzi venyu vachirega kurarama zviri maererano netsika dzavakuru, zvavanodya zvokudya zvavo ‘namaoko ane tsvina’?” Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’ Makasiya mirayiro yaMwari mukachengetedza tsika dzavanhu.” Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo! Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’ Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari), ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho. Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.” Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi. Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’ Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu. Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’? Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka. Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’ ”
Mako 7:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaFarisi navamwe vavanyori vaibva Jerusaremu, vakaunganira kwaari; vakaona vamwe vadzidzi vake vachidya namaoko ane tsvina, ndokuti asina kushambwa. Nokuti vaFarisi, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba maoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru. Kana vachibva kumusika havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira. Ipapo vaFarisi navanyori vakamubvunza, vachiti, “Vadzidzi venyu vanoregereiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namaoko ane tsvina?” Akati kwavari, “Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa zvakatemwa navanhu, sokunge zvidzidziso zvechokwadi.’ “Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.” Akati kwavari, “Zvirokwazvo, munoramba murayiro waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu; nokuti Mosesi akati, ‘Kudza baba vako namai vako, uye anotuka baba namai, ngaafe norufu.’ “Asi imi munoti, kana munhu achiti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Koribhani,’ ndokuti chava chipo chaMwari, hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu, muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.” Akadanirazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditererei mose, munzwisise! “Hapana chinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.” [Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.] Zvino akati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo. Akati kwavari, “Nemiwo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa? “Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu, zvichiraswa kunze. Nokutaura kwakadaro akanatsa zvokudya zvose.” Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, nokuba, nokuuraya, noupfeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, noutere, neziso rine godo, nokutuka, namanyawi, noupenzi; zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.”
Mako 7:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vaFarisei vakaunganira Jesu pamwechete nedzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzabva kuJerusaremu. Vakaona kuti vamwe vavadzidzi vake vaidya chingwa namaoko ane tsvina, zvinoreva kuti, asina kushambwa, nokuti vaFarisei navaJudha vose havadyi chinhu vasina kunyatsoshamba maoko avo vachitevedza magamuchidzanwa etsika dzamadzitateguru avo nokuti kana vachinge vabva kumusika havambodya chinhu vasina kushamba. Dziripo dzimwe tsika zhinji dzavakatora kumadzitateguru avo dzavanochengeta sokuti kusuka komichi, nehari, nemidziyo yekopa (nemibhedha). Ipapo vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakamubvunza vachiti, “Ko vadzidzi venyu vanoregererei kuchengeta tsika dzamagamuchidzwanwa dzamadzitateguru, zvavanodyazve chingwa namaoko ane tsvina?” Akavapindura achiti, “Inga muporofita Isaya akataura chokwadi nezvenyu, imi vanyengedzi, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo ndokwonhando nokuti vanodzidzisa sechokwadi chaicho, zvinhu zvakatemwa zvavo navanhu.’ “Munokanda pasi murao waMwari kuti muti dzvemere namagamuchidzanwa etsika dzavanhu.” Akatizve kwavari: “Makanyatsozviwanira nzira yokunzvenga nayo murao waMwari kuti muwane machengetero amagamuchidzanwa etsika dzenyu,” nokuti Mosesi akati, “Kudza baba vako naamai vako uye anotuka baba vake kana amai vake anofanira kutofa.” Asi imi munoti, “Kana munhu akati kuna baba kana kuna amai vake, ‘Chinhu chandingadai ndakuyamurai nacho chave Korobhani’ (zvichireva kuti chipo chasumwa kuna Mwari), hamuzomubvumira kuyamura baba vake kana amai vake. Nokudaro munoita kuti shoko raMwari rive chinhu pasina, pamusana pamagamuchidzanwa etsika dzenyu amunogamuchidzana; munoitawo zvimwe zvizhinji zvakafanana nezvizvi.” Akadaidza zvakare chita chavanhu ndokuti kwavari, “Nditeererei munzwe mose munzwisise. Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chichipinda maari chinogona kumun'oresa asi zvinobva mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. (Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.)” Paakanga apinda mumba, abva zvino pavanhu, vadzidzi vake vakamubvunza nezvomuenzaniso uyu. Iye ndokuti kwavari, “Heya kana nemiwo hamunzwisisi nhai? Hamuoni here kuti chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze hachigoni kumun'oresa nokuti hachipindi mumwoyo make, asi mudumbu make chichizobva chorasirwa kunze?” (Nokudaro akachenura zvokudya zvose.) Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. Nokuti imomo mumwoyo yavanhu, ndimo munobva pfungwa dzakaipa, nounzenza, nokuba, nokuuraya, noupombwe, noruchiva nomwoyo wakaipa, nounyengedzi nokusazvibata, neshanje, nokushonha Mwari nokuzvikudza noupenzi. Zvakaipa zvose izvi zvinobva mukati, uye zvinon'oresa munhu.”
Mako 7:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaFarise naʋamŋe ʋaʋanyori ʋaibva Jerusarema, ʋakaʋuŋganira kwaari; ʋakaʋona ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋacidya namaʋoko anetȿina, ndokuti asina‐kushambga. Nokuti ʋaFarise, naʋaJuda ʋose haʋadyi ʋasinakumboshamba maʋoko kwaɀo, ʋaciceŋgeta tsika dzaʋakuru. Kana ʋacidya paɗare haʋaŋgadyi ʋasinakumboshamba; neɀimŋe ɀizhinji ɀiri’po ɀaʋakaŋga ʋagamucira, kuti ʋaɀiceŋgete, ɀinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira. Ipapo ʋaFarise naʋanyori ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋadzidzi ʋenyu ʋanoregereiko kufamba netsika dzaʋakuru, ɀaʋanodya ciŋgwa namaʋoko anetȿina? Akati kwaʋari: Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, imi ʋanyeŋgeri, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo, Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni. Asi ʋanondinamata pasina, Ʋacidzidzisa dzidziso, iri mirairo yaʋanhu. Munosiya mirairo yaMŋari, muciceŋgeta tsika dzaʋanhu. Akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, munoramba murairo waMŋari, kuti muceŋgete tsika dzenyu; nokuti Mosesi wakati: Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, ʋuye, unotuka ɓaɓa namai, ŋgaafe norufu. Asi imi munoti: Kana munhu aciti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri caʋa Korbani, ndokuti caʋa cipo kunaMŋari, hamucamutenderi kuitira ɓaɓa ʋake namai ʋake cinhu, mucitorera shoko raMŋari simba netsika dzenyu dzamakaceŋgeta, neɀinhu ɀizhinji ɀakaɗaro munoɀiita. Akaɗanira ɀe kwaari ʋanhu ʋazhinji akati kwaʋari: Nditererei mose, munzwisise! Hapanecinhu kunze kwomunhu ciŋgamuȿiɓisa, kana cicipinda maari; asi ɀinoɓuɗa maari, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. [ Kana munhu anenzeʋe dzokunzwa, ngaanzwe.] Ɀino wakati abva kuʋanhu ʋazhinji, apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ɀomufananidzo uyo. Akati kwaʋari: Nemi ʋo hamunzwisisi saiɀoɀo here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀiri kunze, kana ɀicipinda mumunhu, haɀigoni kumuȿiɓisa? Nokuti haɀipindi mumŋoyo make asi muɗumbu, ɀicirashwa kunze; nokutaura kwakaɗaro wakanatsa ɀokudya ɀose. Ipapo akati: Ɀinoɓuɗa mumunhu ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mukati, mumŋoyo yaʋanhu munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, noʋupombge, nokuɓa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noruciʋa, nokuipa, nokunyeŋgera, noʋutere, neziso rinegoɗo, nokutuka, namanyawi, noʋupenzi; ɀakaipa iɀoɀo ɀose ɀinobva mukati, ɀinoȿiɓisa munhu.
Mako 7:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)