Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 6:33-56

Mako 6:33-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi vazhinji vakavaona vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako. Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka. Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.” Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.” Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?” Akati, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa.” Vakati vazviona, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.” Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro. Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye neane makumi mashanu. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri. Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu. Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji. Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera. Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika. Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura, asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzangaradzimu. Vakadanidzira, nokuti vose vakamuona vakatya. Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.” Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru, nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu. Vakati vayambuka mhiri, vakasvika paGenesareti vakamisa igwa ipapo. Vakati vachingobuda mugwa, vanhu vakaziva Jesu. Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari. Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:33-56 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vanhu vakavaona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika. Zvino akati achibuda muigwa, akaona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji. Zvino zuva roda kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Ino inzvimbo yerenje, zuva roda kuvira; vaendisei; kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya.” Akapindura, akati kwavari, “Imi muvapei zvavangadya.” Vakati kwaari, “Tingaenda kundotenga zvingwa nemadhenari ana mazana maviri, tivape vadye here?” Akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mutarire.” Vakati vaziva, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.” Zvino akavarayira kuti vagarise vose pasi pauswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka. Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka ane zana naana makumi mashanu. Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose. Vakadya vose, vakaguta. Vakaunganidza zvimedu nezvehovewo, matengu ane gumi namaviri akazadzwa. Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vane zviuru zvishanu. Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Bhetisaidha, iye achiendesa vanhu vazhinji. Akati aonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera. Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika. Zvino akati achiona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yousiku, akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuura. Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakati “Mudzimudzangara,” vakaridza mhere. Nokuti vose vakamuona, vakakundiswa; akataura navo, akati kwavari, “Tsungai mwoyo, ndini, musatya.” Akakwira kwavari muigwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumwoyo yavo. Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti mwoyo yavo yakanga iri mikukutu. Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo. Vakati vabuda muigwa, pakarepo vanhu vakamuziva, vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhoo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari. Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa vakaradzika vairwara padare, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:33-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vanhu vazhinji vakavaona vachienda vakabva vavaziva ndokumhanyirako netsoka vachibva mumaguta ose, vakavatangira kusvikako. Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. Kuzoti zvino zuva rarereka, vadzidzi vake vakauya kwaari voti, “Ino inzvimbo isina vanhu uye zuva rarereka iri, chiitai kuti vanhu vaende kumaruwa nokumisha yakapoteredza vandozvitengera zvokudya.” Asi iye akavapindura achiti, “Vapei, iyemi, zvokudya.” Ivo ndokuti kwaari, “Mungati tiende tingondotenga zvingwa zvamazana maviri amadhenari kuti tigozovapa vadye here?” Iye ndokuvati, “Ko mune zvingwa zvingani? Endai mundotarisa.” Kuzoti vazviona, vakati, “Zvishanu nehove mbiri.” Iye akati vanhu vose vagariswe pasi pauswa hunyoro vakaita zvikwata–zvikwata. Vakabva vagara pasi vakaita mapato–mapato, mamwe ezana mamwe emakumi mashanu. Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri. Vose vakadya; vakaguta. Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri. Vakadya zvingwa zviya vaiva varume zviuru zvishanu. Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya. Kuzoti apedza kuonekana navo, akakwira mugomo kundonamata. Kuzoti ava madeko, igwa rakanga rava nechapakati pegungwa; iye achiri pavhu pakaoma oga. Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira. Zvavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, ndokubva varidza mhere; nokuti vose vakamuona vakatya kwazvo. Pakarepo akabva ataura navo achiti, “Tsungai mwoyo. Ndini. Musatye.” Akakwira mugwa muya mavaiva, mhepo ndokubva yanyarara. Vadzidzi vake vakashamiswa zvikuru, nokuti havana kunge vanzwisisa nezvezvingwa zviya pamusana pokuti mwoyo yavo yakanga yakaomarara. Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kudunhu reGenesareti ndokusungirira igwa pamahombekombe. Vakati vachibuda mugwa riya vanhu vakabva vangomuziva. Vanhu vakamhanyidzana mudunhu iroro rose. Vakatanga kutakura varwere pauvato hwavo vachienda navo kwose kwavainge vanzwa kuti ndokwaari. Kuri kwose kwaakapinda mumisha, nomumaguta, nomumaruwa, vanhu vaivanzarika varwere pamisika vachimukumbirisa kuti varwere vabate kana mupendero zvawo wehanzu yake. Vose vakaubata vakaporeswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:33-56 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋanhu ʋakaʋaʋona ʋacienda, ʋazhinji ʋakamuziʋa, ʋakamhanyira ʋose ikoko, ʋacibva pamaguta ose, ʋakaʋataŋgira kuȿika. Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋakafanana namakwai asinomufudzi; akataŋga kuʋadzidzisa ɀizhinji. Ɀino zuʋa roɗo‐kuʋira, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano inɀimbo murenje, zuʋa roɗo‐kuʋira; ʋaendisei, kuti ʋaende kuruwa nemisha yakapoteredza, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya. Akapindura, akati kwaʋari: Imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Tiŋgaenda kundoteŋga ɀiŋgwa namadenari anamazana maʋiri, tiʋape ʋadye here? Akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Endai mutarire. Ʋakati ʋaziʋa, ʋakati: Ɀishanu, nehoʋe mbiri. Ɀino akaʋaraira kuti ʋagarise ʋose pasi paʋuswa bgunyoro ʋakaita mapoka‐mapoka. Ʋakagara pasi ʋakaita mapoka‐mapoka anezana naanamakumi mashanu. Ɀino akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, akatarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, akapa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaɀiise pamberi paʋo; nehoʋe mbiri akadzigoʋera ʋose. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta. Ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu, mateŋgu anegumi namaʋiri akazadzwa, neɀehoʋe ʋo. Ʋakaŋga ʋadya ɀiŋgwa ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu. Pakarepo akagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye aciendisa ʋanhu ʋazhinji. Akati awonekana naʋo, akaenda mugomo kundonyeŋgetera. Aʋa maɗekwana igwa rakaŋga riri pakati peguŋgwa, iye ari oga panyika. Ɀino wakati aciʋona kuti ʋanotambudzika nokukwaȿa, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa, neŋguʋa ineŋge seyecinna yoʋusiku, akaʋuya kwaʋari acifamba pamsoro peguŋgwa; akaɗa kupfuʋura. Ɀino ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakati madzimudzaŋgara, ʋakaridza mhere. Nokuti ʋose ʋakamuʋona, ʋakamanikidzwa; akataura naʋo, akati kwaʋari: Tsuŋgai mŋoyo, ndini, musatya. Akakwira kwaʋari mugwa, mhepo ikanyarara; ʋakashamiswa kwaɀo‐kwaɀo mumŋoyo yaʋo. Nokuti ʋakaŋga ʋasati ʋanzwisisa shoko reɀiŋgwa, nokuti mŋoyo yaʋo yakaŋga iri mikukutu. Ʋakati ʋayambukira mhiri, ʋakaȿika kunyika yeGenesareti, ʋakasuŋgira igwa pamhenderekedzo. Ʋakati ʋaɓuɗa mugwa, pakarepo ʋanhu ʋakamuziʋa, ʋakamhanyira munyika yose iyo, ʋakataŋga kutakura ʋairwara panhoʋo dzaʋo, ʋakaʋaisa paʋainzwa kuti ndiko kwaari. Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, ʋakaradzika ʋairwara paɗare, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti ʋaɓate kunyaŋge mupendero weŋguʋo dzake cete; ʋose ʋakamuɓata ʋakaporeswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:33-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)