Ʋanhu ʋakaʋaʋona ʋacienda, ʋazhinji ʋakamuziʋa, ʋakamhanyira ʋose ikoko, ʋacibva pamaguta ose, ʋakaʋataŋgira kuȿika. Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋakafanana namakwai asinomufudzi; akataŋga kuʋadzidzisa ɀizhinji. Ɀino zuʋa roɗo‐kuʋira, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano inɀimbo murenje, zuʋa roɗo‐kuʋira; ʋaendisei, kuti ʋaende kuruwa nemisha yakapoteredza, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya. Akapindura, akati kwaʋari: Imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Tiŋgaenda kundoteŋga ɀiŋgwa namadenari anamazana maʋiri, tiʋape ʋadye here? Akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Endai mutarire. Ʋakati ʋaziʋa, ʋakati: Ɀishanu, nehoʋe mbiri. Ɀino akaʋaraira kuti ʋagarise ʋose pasi paʋuswa bgunyoro ʋakaita mapoka‐mapoka. Ʋakagara pasi ʋakaita mapoka‐mapoka anezana naanamakumi mashanu. Ɀino akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, akatarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, akapa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaɀiise pamberi paʋo; nehoʋe mbiri akadzigoʋera ʋose. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta. Ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu, mateŋgu anegumi namaʋiri akazadzwa, neɀehoʋe ʋo. Ʋakaŋga ʋadya ɀiŋgwa ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu.
Pakarepo akagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye aciendisa ʋanhu ʋazhinji. Akati awonekana naʋo, akaenda mugomo kundonyeŋgetera. Aʋa maɗekwana igwa rakaŋga riri pakati peguŋgwa, iye ari oga panyika. Ɀino wakati aciʋona kuti ʋanotambudzika nokukwaȿa, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa, neŋguʋa ineŋge seyecinna yoʋusiku, akaʋuya kwaʋari acifamba pamsoro peguŋgwa; akaɗa kupfuʋura. Ɀino ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakati madzimudzaŋgara, ʋakaridza mhere. Nokuti ʋose ʋakamuʋona, ʋakamanikidzwa; akataura naʋo, akati kwaʋari: Tsuŋgai mŋoyo, ndini, musatya. Akakwira kwaʋari mugwa, mhepo ikanyarara; ʋakashamiswa kwaɀo‐kwaɀo mumŋoyo yaʋo. Nokuti ʋakaŋga ʋasati ʋanzwisisa shoko reɀiŋgwa, nokuti mŋoyo yaʋo yakaŋga iri mikukutu.
Ʋakati ʋayambukira mhiri, ʋakaȿika kunyika yeGenesareti, ʋakasuŋgira igwa pamhenderekedzo. Ʋakati ʋaɓuɗa mugwa, pakarepo ʋanhu ʋakamuziʋa, ʋakamhanyira munyika yose iyo, ʋakataŋga kutakura ʋairwara panhoʋo dzaʋo, ʋakaʋaisa paʋainzwa kuti ndiko kwaari. Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, ʋakaradzika ʋairwara paɗare, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti ʋaɓate kunyaŋge mupendero weŋguʋo dzake cete; ʋose ʋakamuɓata ʋakaporeswa.