Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 6:14-29

Mako 6:14-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mambo Herodhi akanzwa nezvazvo, nokuti zita raJesu rakanga rozivikanwa kwazvo. Vamwe vakanga vachiti, “Johani Mubhabhatidzi akamutswa kubva kuvakafa; uye ndokusaka zviratidzo zvesimba zvichiitika.” Vamwe vakati, “NdiEria.” Uye vamwezve vakati, “Ndiye muprofita, akaita somumwe wavaprofita vekare.” Asi Herodhi akati anzwa izvozvo, akati, “Johani, murume wandakagura musoro, akamutswa kubva kuvakafa!” Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womununʼuna wake Firipi waakanga awana. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womununʼuna wako.” Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo, nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama uye ari mutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera. Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko. Mwanasikana waHerodhiasi akati apinda akatamba, akafadza Herodhi navakanga vakokwa kuzodya. Mambo akati kumusikana, “Ndikumbire chipi zvacho chaunoda, uye ndichakupa chinhu ichocho.” Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.” Akabuda kunze akandoti kuna mai vake, “Ndichakumbireiko?” Ivo vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.” Pakarepo musikana akamhanya akapinda kuna mambo nechikumbiro akati, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi mundiro umu.” Mambo akatambudzika zvikuru, asi nokuda kwemhiko yake uye nokuda kwevaakanga achidya navo, haana kuda kumurambira. Saka pakarepo akatuma murwi akarayira kuti vauye nomusoro waJohani. Murume akaenda akandogura musoro waJohani mutorongo, akadzoka nomusoro wake uri mundiro. Akaupa kumusikana, uye musikana akaupa kuna mai vake. Vadzidzi vaJohani vakati vanzwa izvi vakauya vakatora mutumbi wake vakauviga mubwiro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:14-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mambo Herodhi akazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati, “Johani Mubhabhatidzi akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.” Vamwe vakati, “NdiEria;” vamwe vakati, “Muporofita, akafanana nomumwe wavaporofita.” Asi Herodhi akati achizvinzwa, akati, “NdiJohani akamuka, uya wandakagura musoro.” Nokuti Herodhi akanga atuma vanhu, akabata Johani, akamusunga mujeri nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake, nokuti akanga amuwana. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hauna kutenderwa kuti uve nomukadzi womunun'una wako.” Herodhiasi akamuvenga, akada kumuuraya, akasagona; nokuti Herodhi akanga achitya Johani, achiziva kuti munhu akarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Akati amunzwa, akatambudzika kwazvo kunyangwe zvakadaro, aisafanira kumunzwa. Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhi nezuva rokupemberera kuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezviuru zvamazana navakuru veGariria mutambo mukuru; zvino mwanasikana waHerodhiasi amene akapinda, akatamba, akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana, “Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe.” Akamupikira, achiti, “Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu youshe hwangu.” Akabuda, akati kuna amai vake, “Ndichakumbireiko?” Vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.” Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohani Mubhabhatidzi.” Ipapo mambo akazvidya mwoyo kwazvo, asi akanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya. Pakarepo mambo akatuma musoja, akaraira kuti auye nomusoro wake. Akaenda, akamugura musoro mujeri, akauya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake. Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga mubwiro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:14-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino mambo Herodhi akanzwa zvose izvi, nokuti zita raJesu rakanga rava nomukurumbira. Vamwe vaiti, “Johani Muombeki akamutswa muvafi, ndosaka ana masimba akadai maari okuita zvishamiso.” Asi vamwe vaiti ndiEriya, vamwewo vachiti, “Muporofita akangofananawo navamwe vaporofita vakare.” Asi Herodhi, paakanzwa izvi, akati, “Johani uya wandakadimbura musoro ndiye akamutswa.” Nokuti Herodhi uyu akanga atuma vanhu kundobata Johani akamuisa mujeri pamusana paHerodhiasi, mudzimai waFiripi, munun'una wake waakatora. Nokuti Johani aiti kuna Herodhi, “Hazvibvumirwi kuti iwe ugare nomukadzi womunun'una wako.” Ipapo Herodhiasi aiva nedaka naJohani, achida kumuuraya, asi akakoniwa. Pamusana pokuti Herodhi aitya Johani nokuti aiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, aimudzivirira. Zvaimutambudza kwazvo kunzwa zvaaireva asi zvaimufadza kuteerera zvaaitaura. Zvino zuva rakanga rakamirirwa naHerodhiasi rakazosvika nomusi wokupemberera kuberekwa kwaHerodhi. Pazuva iroro, Herodhi akaitira mabiko vakuru–vakuru vehurumende yake navatungamiriri vehondo navakuru–vakuru veGarirea. Mwanasikana waHerodhiasi akapinda akatamba akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye. Ipapo mambo akati kumusikana, “Ndikumbire hako chero chaunoda ndinokupa.” Uyezve akatopika kwaari achiti, “Ukandikumbira chipi nechipi zvacho ndinokupa, kunyange chikava chikamu chepakati nepakati chezvoushe hwangu.” Zvino musikana uya akabuda panze akabvunza amai vake achiti, “Chii chandingakumbire?” Ivo vakati, “Musoro waJohani anoombeka.” Musikana akabva apinda makare nokuchimbidza kuna Mambo ndokukumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino, mudhishi, musoro waJohani Muombeki.” Mambo zvakamurwadza chaizvo, asi nokuda kwemhiko dzake dzaakanga aita, uye pamusana pavaenzi vake, haana kuda kuramba. Pakarepo mambo akatuma musoja wokuchengetedza mambo achimuti auye nomusoro waJohani. Iye akaenda akandomudimura musoro mujeri muya, ndokuuya nawo uri mudhishi, akaupa kumusikana; musikana ndokuupawo kuna amai vake. Zvino vadzidzi vaJohani zvavakazvinzwa, vakaenda, vakatora chitunha chake ndokuchiviga muguva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:14-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mambo Herode wakaɀinzwa, nokuti zita rake rakaŋga rakurumbira, akati: Johane Mubapatidzi wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari. Ʋamŋe ʋakati: NdiEria; ʋamŋe ʋakati: Muprofita wakafanana nomumŋe waʋaprofita. Asi Herode wakati aciɀinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, uya wandakagura musoro. Nokuti Herode wakaŋga atuma ʋanhu, akaɓata Johane, akamusuŋga mutoroŋgo nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake, nokuti wakaŋga amuwana. Nokuti Johane wakaŋga ati kunaHerode: Haunakutenderwa kuti uʋe nomukadzi womunuŋuna wako. Herodiasi akamuʋeŋga, akaɗa kumuʋuraya, akasagona; nokuti Herode wakaŋga acitya Johane, aciziʋa kuti munhu wakarurama, mutȿene, akamuceŋgeta ɀakanaka. Wakati amunzwa, akakaŋganiswa kwaɀo, akasifara kumunzwa. Asi zuʋa rakafanira rakati raȿika, Herode nezuʋa rokuɓerekwa kwake akaitira madzishe ake naʋakuru ʋeɀuru ɀamazana naʋaɓati ʋakuru ʋeGarirea mutambo mukuru; ɀino mŋanasikana waHerodiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herode naʋakaŋga ʋagere pakudya naye; mambo akati kumŋanasikana: Kumbira kwandiri caunoɗa, ndikupe. Akamupikira, aciti: Caunokumbira kwandiri ndicakupa, kuȿikira pahafu yoʋushe bgaŋgu. Akaɓuɗa, akati kunamai ʋake: Ndicakumbireiko? Ʋakati: Musoro waJohane Mubapatidzi. Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira aciti: Ndinoɗa kuti mundipe mundiro ikoɀino musoro waJohane Mubapatidzi. Ipapo mambo akaɀidya mŋoyo kwaɀo, asi wakaŋga asiŋgaɗi kumurambira nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere naye pakudya. Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti aʋuye nomusoro wake. Akaenda, akamugura musoro mutoroŋgo, akaʋuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai ʋake. Ʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu wake, ʋakauʋiga mubgiro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:14-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)