Ɀino mambo Herode wakaɀinzwa, nokuti zita rake rakaŋga rakurumbira, akati: Johane Mubapatidzi wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari. Ʋamŋe ʋakati: NdiEria; ʋamŋe ʋakati: Muprofita wakafanana nomumŋe waʋaprofita. Asi Herode wakati aciɀinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, uya wandakagura musoro. Nokuti Herode wakaŋga atuma ʋanhu, akaɓata Johane, akamusuŋga mutoroŋgo nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake, nokuti wakaŋga amuwana. Nokuti Johane wakaŋga ati kunaHerode: Haunakutenderwa kuti uʋe nomukadzi womunuŋuna wako. Herodiasi akamuʋeŋga, akaɗa kumuʋuraya, akasagona; nokuti Herode wakaŋga acitya Johane, aciziʋa kuti munhu wakarurama, mutȿene, akamuceŋgeta ɀakanaka. Wakati amunzwa, akakaŋganiswa kwaɀo, akasifara kumunzwa. Asi zuʋa rakafanira rakati raȿika, Herode nezuʋa rokuɓerekwa kwake akaitira madzishe ake naʋakuru ʋeɀuru ɀamazana naʋaɓati ʋakuru ʋeGarirea mutambo mukuru; ɀino mŋanasikana waHerodiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herode naʋakaŋga ʋagere pakudya naye; mambo akati kumŋanasikana: Kumbira kwandiri caunoɗa, ndikupe. Akamupikira, aciti: Caunokumbira kwandiri ndicakupa, kuȿikira pahafu yoʋushe bgaŋgu. Akaɓuɗa, akati kunamai ʋake: Ndicakumbireiko? Ʋakati: Musoro waJohane Mubapatidzi. Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira aciti: Ndinoɗa kuti mundipe mundiro ikoɀino musoro waJohane Mubapatidzi. Ipapo mambo akaɀidya mŋoyo kwaɀo, asi wakaŋga asiŋgaɗi kumurambira nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere naye pakudya. Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti aʋuye nomusoro wake. Akaenda, akamugura musoro mutoroŋgo, akaʋuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai ʋake. Ʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu wake, ʋakauʋiga mubgiro.